Shona

Gujarati: NT

Job

5

1Zvino chidana hako; panomumwe angakupindura here?
2nekuti kutsamwa kunouraya benzi, Uye shungu dzinoparadza asina zivo.
3Ndakaona benzi richiita midzi; Asi pakarepo ndakatuka nzvimbo yaro.
4Vana varo havatongoponeswi, Vanopwanyiwa musuwo; Hapana anovarwira.
5Zvaakacheka zvinodyiwa navane nzara, Vanozvitora kunyange napakati pemhinzwa; Vane nyota vanomwa fuma yavo.
6Nekuti kutambudzika hakubudi paguruva. Uye nhamo haibvi pasi.
7Asi munhu anoberekerwa nhamo, Sebaribari dzomoto dzinokwira kumusoro.
8Asi kana ndirini, ndaitsvaka Mwari, Ndaiisa mhosva yangu kuna Mwari;
9Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi; Zvinhu zvinoshamisa zvisingaverengwi;
10Iye anonisa mvura panyika, Anotuma mvura paminda;
11Ndiye anokwiridza vakaderera; Vanochema vanokundiswa.
12Anokanganisa mano avanyepedzeri, Maoko avo arege kuita zvavakanga vachida kuita.
13Vakachenjera anovabata pamano avo, Nokurangana kwavasakarurama kunoputsirwa pasi.
14Vanosangana nerima masikati. Vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.
15Asi iye anorwira paminondo yemiromo yavo, Anorwira anoshaiwa pamaoko avane simba.
16Saka murombo ane tariro, Kuipa kunozvifumbira murumo.
17Tarirai, munhu, anorairwa naMwari, ano mufaro; Saka usazvidza kuranga kowaMasimbaose.
18Nekuti iye anokuvadza, ndokusungazve vanga, Unopwanya, maoko ake ndokupodzazve.
19Iye achakurwira panjodzi nhanhatu; Kunyange panomwe hakuna chakaipa chingakubata.
20Panzara achakudzikunura parufu; Napakurwa achakudzikunura pasimba romunondo.
21Iwe uchavanziwa pakurohwa norurimi; Haungatyi kuparadza kana kuchisvika.
22Uchaseka kuparadza nokushaiwa; Haungatyi zvikara zvenyika.
23Nekuti iwe uchaita sungano namabwe esango; Zvikara zvesango zvichaita rugare newe.
24Iwe uchaziva kuti tende rako rino rugare; Uchandotarira zvipfuwo zvako, ukasashaiwa chimwe chazvo.
25Uchazivawo kuti vana vako vachawanda, Navazukuru vako vachaita souswa bwenyika.
26Uchasvika pahwiro hwako wakwegura kwazvo, Sechisote chezviyo chinosvika panguva yacho.
27Tarira izvozvi takazvinzvera, ndizvozvo; Chizvinzwa, uzvizive iwe umene.