1Ipapo Jobho akapindura, akati,
2Haiwa, dai kutambudzika kwangu kwaiyerwa, Nenjodzi dzangu dzaivunganidzirwa pachiyero!
3nekuti zvino zvairema kupfuura jecha ramakungwa; Naizvozvo mashoko angu aiva okuvhurumuka.
4nekuti miseve yoWamasimba yakandibaya mukati mangu, Mweya wangu unomwa uturu hwayo; Zvinotyisa zvaMwari zvazvigadzirira kurwa neni.
5Ko mbizi ingachema kana ine bumhudza here? Ko nzombe ingakuma pazvokudya zvayo here?
6Ko chisinganaki chingadyiwa chisino munyu here? Ko zvichena zvezai zvinozipa here?
7Mweya wangu unoramba kuzvibata; Kwandiri zvakafanana nezvokudya zvinosemesa.
8Haiwa! Dai ndaipiwa zvandinokumbira;
9Dai Mwari aitenda hake kundipwanya, Dai aitambanudza hake ruoko rwake, akandiparadza.
10Ipapo ndainyaradzwa hangu; Zvirokwazvo ndaifara pakurwadziwa kusine tsitsi; nekuti handina kuramba mashoko oMutsvene.
11Simba rangu ndereiko, randingamirira naro rufu? Mugumo wangu ndeweiko, kuti nditsungirire?
12Simba rangu rakafanana neramabwe here? Nyama yangu indarira kanhi?
13Handizinoshaiwa rubatsiro mukati mangu here? Uchenjeri kwahwo hahuzadzingwa chose kwandiri here?
14Munhu, anorwisa kuziya, anofara kuitirwa nyasha neshamwari dzake; Angazorega kutya waMasimbaose.
15Hama dzangu dzakaita nokusatendeka sorukova, Sokuyerera kwehova dzinopfuura;
16Dzakasviba nokuda kwamazaya echando, Uye panovanda chando;
17Kana zuva ropisa, dzonyangarika; Kana kopisa dzinopedzwa panzvimbo yadzo.
18Vafambi vanofamba nenzira yadzo vanotsauka, Vanokwira kurenje ndokuparara
19Vafambi veTema vakatarira, Mapoka eShebha akadzimirira.
20Vanonyadziswa nekuti vakanga vane tariro; Vakasvikapo vakakanganiswa.
21nekuti zvino hamuzi chinhu; Munoona chinotyisa, ndokutya.
22Ko ndakati, Ndipei here? Kana, Ndivigirei chipo chinobva pafuma yenyu here?
23Kana, Ndirwirei paruoko rwomudzivisi here? Kana, Ndidzikunurei paruoko rwavamanikidzi here?
24Ndidzidzisei, ndinyarare hangu; Mundidudzire pandatadza.
25Mashoko akarurama ane simba sei! Asi kutuka kwenyu kunotukeiko?
26Munofunga kutuka mashoko here? nekuti mashoko omunhu, arasha moyo, anotorwa nemhepo.
27Zvirokwazvo munoda kukanda mijenya pamusoro penherera isina baba, Munoda kutengesa shamwari yenyu.
28Naizvozvo zvino chindonditarirai henyu; nekuti zvirokwazvo handingarevi nhema pamberi penyu.
29Dzokai henyu, ndizvo zvandinokumbira, kusarurama kurege kuvapo, Dzokai henyu, mhaka yangu yakarurama.
30Parurimi rwangu panokusarurama here? Kuravira kwangu hakungasaruri zvinhu zvakashata here?