Shona

Gujarati: NT

Job

7

1Hakuna kufondoka kumunhu panyika here? Mazuva ake haana kufanana namazuva omubatiri here?
2Somuranda anoshuva mumvuri, Nomubatiri anotarira mubairo wake;
3Saizvozvo ini ndakapiwa mwedzi isina maturo, Ndakatarirwa usiku bwenjodzi.
4Kana ndovata, ndinoti, Ndichamuka rinhiko? Asi usiku hwakareba; Ndinoramba ndichishanduka-shanduka kusvikira koedza.
5Nyama yangu yakafukidzwa nehonye namavhinga evhu., Ganda rangu rinofunuka, richiputika hurwa.
6Mazuva angu anokunda chirukiso chomuruki pakukurumidza, Anopera ndisine tariro.
7Rangarirai henyu kuti upenyu hwangu imhepo hayo; Ziso rangu harichazooni zvakanaka.
8Ziso romunhu unondiona harichazonditaririzve; Meso ako achanditarira, asi handichazovepo.
9Sokupera kwegore nokunyangarika kwaro, Saizvozvo munhu, anoburukira kuSheori, haangazokwirizve.
10Haangazodzokeri kumba kwake, Nenzvimbo yake haingazomuzivi
11Saka handinganyarari nomuromo wangu; Ndichataura pakutambudzika komweya wangu; Ndichanyunyuta neshungu dzangu dzomoyo.
12Ndiri gungwa kanhi, kana zimhuka regungwa, Zvamunoisa vanondirindira?
13Kana ndikati, nhovo yangu ichandinyaradza, Mubhedha wangu uchazorodza kunyunyuta
14Ipapo mondivhundusa nokurota hope, Mondityisa nezvandinoona;
15Naizvozvo moyo wangu unotsaura kudzipwa,Nokufa kupfuura mafupa angu awa.
16Ndinosema upenyu hwangu; handidi kurarama nokusingaperi; Ndiregei; nekuti mazuva angu akafanana nokufema.
17Munhu chinyiko, zvamunomukudza, Nokumuda nomoyo wenyu wose,
18Zvamunomushanyira mangwanani ose Nokumuidza nguva dzose?
19Mucharega rinhiko kundicherekedza, Nokundirega kusvikira ndamedza mate angu?
20Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti lni ndizviremekedze.
21Munoregereiko kukangamwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nekuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.