1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati,
2Ucharamba uchitaura mashoko awa kusvikira rinhiko?
3Ko Mwari angakanganisa pakutonga here WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?
4Kana vana vako vakanga vamutadzira iye, Akavaisa pakudarika kwavo;
5Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose;
6Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama.
7Kunyange kutanga kwako kwaiva kuduku, Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo.
8nekuti chidobvunza hako rudzi rwakare, Ucherekedze zvakanzverwa namadzibaba avo.
9(Nokuti isu tiri vazuro hedu, hatizivi chinhu, nekuti mazuva edu panyika akafanana nemumvuri;)
10Ivo havangakudzidzisi here, nokukuudza, Nokureva mashoko anobva pamoyo yavo here?
11Ko nhokwe ingamera pasine nhope here? Ko rutsanga rungamera pasine mvura here?
12Ruchiri runyoro, rusati rwatemwa, Runosvava mimwe miriwo ichigere.
13Ndizvo zvakaita nzira dzavose vanokangamwa Mwari; Uye tariro yomunhu asingadi Mwari ichapera;
14Chaakatarira chichaputsanyiwa, Chaakatenda chakafanana namambure edandemutande
15Uchasendamira paimba yake, asi haingamiri; Uchaibata, asi haingagari.
16Iye muti mutema pamushana, Matavi ake anotandavarira pamunda wake.
17Midzi yake yakapombera patsime, Unoona nzvimbo yorukangarabwe.
18Kana akaparadzwa panzvimbo yake, Ichamuramba, ichiti, Handina kukuona,
19Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake; Paguruva panobuda vamwe.
20Tarira, Mwari haangarashi munhu wakarurama, Haangabatsiri vanoita zvakaipa.
21Achazozadza hake muromo wako nokuseka, Nemiromo yako nokupururudza.
22Vanokuvenga vachafukidza nokunyara; Uye tende ravakaipa haringazovipo.