1Zvino Satani akamukira vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsiraeri.
1ויעמד שטן על ישראל ויסת את דויד למנות את ישראל׃
2Dhavhidhi akati kuna Joabhu nokumachinda avanhu, Endai mundoverenga vaIsiraeri kubva paBheerishebha kusvikira paDhani; mudzoke neshoko, ndizive kuwanda kwavo.
2ויאמר דויד אל יואב ואל שרי העם לכו ספרו את ישראל מבאר שבע ועד דן והביאו אלי ואדעה את מספרם׃
3Joabhu akati, Jehovha ngaawedzere vanhu vake runezana pakuwanda kwavo zvino; asi ishe wangu mambo, vose havazi varanda vashe wangu here? Ishe wangu anotsvakireiko chinhu ichi? Achapinzireiko vaIsiraeri pamhosva?
3ויאמר יואב יוסף יהוה על עמו כהם מאה פעמים הלא אדני המלך כלם לאדני לעבדים למה יבקש זאת אדני למה יהיה לאשמה לישראל׃
4Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu. Zvino Joabhu akaenda, akapota pakati pavaIsiraeri vose, akasvika Jerusaremu.
4ודבר המלך חזק על יואב ויצא יואב ויתהלך בכל ישראל ויבא ירושלם׃
5Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna Dhavhidhi. Valsiraeri vose vakasvika zviuru zvinezviuru nezviuru zvinezana zvavanhu vaigona kurwa nomunondo; uye vaJudha vakasvika zviuru zvamazana mana namakumi manomwe vaigona kurwa nomunondo.
5ויתן יואב את מספר מפקד העם אל דויד ויהי כל ישראל אלף אלפים ומאה אלף איש שלף חרב ויהודה ארבע מאות ושבעים אלף איש שלף חרב׃
6Asi haana kuverenga vaRevhi navaBhenjamini pakati pavo; nekuti shoko ramambo rakanga rakaipa kwazvo kuna Joabhu.
6ולוי ובנימן לא פקד בתוכם כי נתעב דבר המלך את יואב׃
7Zvino Mwari akanga asingafari nechinhu ichi; saka akarova Isiraeri.
7וירע בעיני האלהים על הדבר הזה ויך את ישראל׃
8Dhavhidhi akati kuna Mwari, Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino bvisai henyu kuipa komuranda wenyu; nekuti ndaita sebenzi kwazvo.
8ויאמר דויד אל האלהים חטאתי מאד אשר עשיתי את הדבר הזה ועתה העבר נא את עוון עבדך כי נסכלתי מאד׃
9Jehovha akataura naGadhi, muoni waDhavhidhi, akati,
9וידבר יהוה אל גד חזה דויד לאמר׃
10Enda unotaura naDhavhidhi, uti, zvanzi naJehovha, Ndinokuisira zvinhu zvitatu, chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.
10לך ודברת אל דויד לאמר כה אמר יהוה שלוש אני נטה עליך בחר לך אחת מהנה ואעשה לך׃
11Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chitsaura chaunoda;
11ויבא גד אל דויד ויאמר לו כה אמר יהוה קבל לך׃
12makore matatu enzara, kana kuparadzwa navavengi vako mwedzi mitatu, uchidzingwa nomunondo wavavengi vako, kana munondo waJehovha mazuva matatu, ndiro denda panyika, mutumwa waJehovha achiparadza panyika yose yaIsiraeri. Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye akandituma.
12אם שלוש שנים רעב ואם שלשה חדשים נספה מפני צריך וחרב אויבך למשגת ואם שלשת ימים חרב יהוה ודבר בארץ ומלאך יהוה משחית בכל גבול ישראל ועתה ראה מה אשיב את שלחי דבר׃
13Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, Ndiri pakumanikidzwa kukuru; ndiwire hangu zvino muruoko rwaJehovha, nekuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu.
13ויאמר דויד אל גד צר לי מאד אפלה נא ביד יהוה כי רבים רחמיו מאד וביד אדם אל אפל׃
14Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri; varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati paIsiraeri.
14ויתן יהוה דבר בישראל ויפל מישראל שבעים אלף איש׃
15Mwari akatuma mutumwa Jerusaremu kuzoriparadza; zvino wakati oda kuparadza, Jehovha akatarira, akazvidemba pamusoro pechinhu icho chakaipa, akati kumutumwa akanga achiparadza, Zvino, chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha akanga amire paburiro raOrinani muJebhusi.
15וישלח האלהים מלאך לירושלם להשחיתה וכהשחית ראה יהוה וינחם על הרעה ויאמר למלאך המשחית רב עתה הרף ידך ומלאך יהוה עמד עם גרן ארנן היבוסי׃
16Dhavhidhi akatarira, akaona mutumwa waJehovha amire pakati penyika nokudenga, akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake, wakatambanudzwa pamusoro peJerusaremu. Ipapo Dhavhidhi navakuru vakawira pasi nezviso zvavo, vakafuka saga.
16וישא דויד את עיניו וירא את מלאך יהוה עמד בין הארץ ובין השמים וחרבו שלופה בידו נטויה על ירושלם ויפל דויד והזקנים מכסים בשקים על פניהם׃
17Zvino Dhavhidhi akati kuna Mwari, Ko handizi ini here ndakaraira kuti vanhu vaverengwe? Ndini ndakatadza hangu ndikaita zvakaipa zvikuru; asi makwai awa akaiteiko? Jehovha Mwari wangu, ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu; asi ngarurege kurova vanhu venyu, nokuvatambudza.
17ויאמר דויד אל האלהים הלא אני אמרתי למנות בעם ואני הוא אשר חטאתי והרע הרעותי ואלה הצאן מה עשו יהוה אלהי תהי נא ידך בי ובבית אבי ובעמך לא למגפה׃
18Ipapo mutumwa waJehovha akaraira Gadhi kuti audze Dhavhidhi kuti Dhavhidhi akwire avakire Jehovha aritari paburiro raOrinani muJebhusi.
18ומלאך יהוה אמר אל גד לאמר לדויד כי יעלה דויד להקים מזבח ליהוה בגרן ארנן היבסי׃
19Dhavhidhi akakwira nokureva kwaGadhi kwaakataura nezita raJehovha.
19ויעל דויד בדבר גד אשר דבר בשם יהוה׃
20Orinani akacheuka, akaona mutumwa; vanakomana vake vana, vaiva naye, vakavanda. Zvino Orinani wakange achipura gorosi.
20וישב ארנן וירא את המלאך וארבעת בניו עמו מתחבאים וארנן דש חטים׃
21Dhavhidhi akati achisvika kuna Orinani, Orinani akatarira akaona Dhavhidhi, akabuda paburiro, akakotamira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi.
21ויבא דויד עד ארנן ויבט ארנן וירא את דויד ויצא מן הגרן וישתחו לדויד אפים ארצה׃
22Ipapo Dhavhidhi akati kuna Orinani, Ndipe nzvimbo yeburiro iri, kuti ndivakirepo aritari kuna Jehovha; unofanira kundipa iro nditenge nomutengo wakafanira, kuti denda ripere pakati pavanhu.
22ויאמר דויד אל ארנן תנה לי מקום הגרן ואבנה בו מזבח ליהוה בכסף מלא תנהו לי ותעצר המגפה מעל העם׃
23Ipapo Orinani akati kuna Dhavhidhi, Ritorei henyu, ishe wangu, mambo aite sezvaanoda; tarirai, ndinokupai nzombe zvive zvipiriso zvinopiswa, nenhumbi dzokupura nadzo dzive huni, nezviyo chive chipiriso choupfu; ndinozvipa zvose.
23ויאמר ארנן אל דויד קח לך ויעש אדני המלך הטוב בעיניו ראה נתתי הבקר לעלות והמורגים לעצים והחטים למנחה הכל נתתי׃
24Mambo Dhavhidhi akati kuna Orinani, Kwete, asi zvirokwazvo ndicharitenga nomutengo wakafanira; nekuti handingatori chinhu chako ndikapa Jehovha, kana kuuya nechipiriso chinopiswa chisina mutengo.
24ויאמר המלך דויד לארנן לא כי קנה אקנה בכסף מלא כי לא אשא אשר לך ליהוה והעלות עולה חנם׃
25Naizvozvo Dhavhidhi akapa Orinani mashekeri ana mazana matanhatu endarama pakurema kwawo, uri mutengo wenzvimbo iyo.
25ויתן דויד לארנן במקום שקלי זהב משקל שש מאות׃
26Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akashumira Jehovha; iye akamupindura nomoto wakabva kudenga ukawira paaritari yechipiriso chinopiswa.
26ויבן שם דויד מזבח ליהוה ויעל עלות ושלמים ויקרא אל יהוה ויענהו באש מן השמים על מזבח העלה׃
27Jehovha akaraira mutumwa, iye akadzoserazve munondo wake mumuhara wawo.
27ויאמר יהוה למלאך וישב חרבו אל נדנה׃
28Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akati aona kuti Jehovha amupindura paburiro raOrinani muJebhusi, akabayirapo.
28בעת ההיא בראות דויד כי ענהו יהוה בגרן ארנן היבוסי ויזבח שם׃
29Nekuti panguva iyo tabhenekari yaJehovha, yakanga yavakwa naMozisi murenje, nearitari yokupisira zvipiriso, zvakanga zviri padunhu rakakwirira paGibhiyoni.
29ומשכן יהוה אשר עשה משה במדבר ומזבח העולה בעת ההיא בבמה בגבעון׃
30Asi Dhavhidhi akanga asingagoni kuendako kuzobvunza Mwari pamberi payo; nekuti akanga achitya nemhaka yomunondo womutumwa waJehovha.
30ולא יכל דויד ללכת לפניו לדרש אלהים כי נבעת מפני חרב מלאך יהוה׃