1Dhavhidhi akati, Iyi ndiyo imba yaJehovha Mwari, neyiyi ndiyo aritari yokupisira zvipiriso zvaIsiraeri.
1ויאמר דויד זה הוא בית יהוה האלהים וזה מזבח לעלה לישראל׃
2Zvino Dhavhidhi akaraira kuti vatorwa vakanga vari panyika yaIsiraeri vaunganidzwe; akagadza vavezi vamabwe, kuti vaveze mabwe okuvaka nawo imba yaMwari.
2ויאמר דויד לכנוס את הגרים אשר בארץ ישראל ויעמד חצבים לחצוב אבני גזית לבנות בית האלהים׃
3Dhavhidhi akagadzirawo matare mazhinji okupfura nawo mbambo dzamagonhi amasuwo nezvikorekedzo; uye ndarira zhinji isina kuidzwa kurema kwayo.
3וברזל לרב למסמרים לדלתות השערים ולמחברות הכין דויד ונחשת לרב אין משקל׃
4Namatanda emisidhari asina kuverengwa; nekuti vaZidhoni naveTire vakauya nemisidhari yakawanda kuna Dhavhidhi.
4ועצי ארזים לאין מספר כי הביאו הצידנים והצרים עצי ארזים לרב לדויד׃
5Dhavhidhi akati, Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira. Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa.
5ויאמר דויד שלמה בני נער ורך והבית לבנות ליהוה להגדיל למעלה לשם ולתפארת לכל הארצות אכינה נא לו ויכן דויד לרב לפני מותו׃
6Ipapo akadana Soromoni mwanakomana wake, akamuraira kuti avakire Jehovha Mwari walsiraeri imba.
6ויקרא לשלמה בנו ויצוהו לבנות בית ליהוה אלהי ישראל׃
7Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumoyo mangu ndichavakira zita raJehovha Mwari wangu imba.
7ויאמר דויד לשלמה בנו אני היה עם לבבי לבנות בית לשם יהוה אלהי׃
8Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nekuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu;
8ויהי עלי דבר יהוה לאמר דם לרב שפכת ומלחמות גדלות עשית לא תבנה בית לשמי כי דמים רבים שפכת ארצה לפני׃
9asi tarira, uchaberekerwa mwanakomana, achava munhu wezororo; ndichamuzorodza pavavengi vake vose vanomupoteredza; nekuti zita rake richanzi Soromoni, ndichapa Isiraeri rugare nokunyarara namazuva ake;
9הנה בן נולד לך הוא יהיה איש מנוחה והנחותי לו מכל אויביו מסביב כי שלמה יהיה שמו ושלום ושקט אתן על ישראל בימיו׃
10iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.
10הוא יבנה בית לשמי והוא יהיה לי לבן ואני לו לאב והכינותי כסא מלכותו על ישראל עד עולם׃
11Zvino, mwana wangu, Jehovha ngaave newe; ufambiswe zvakanaka iwe, uvake imba yaJehovha Mwari wako, sezvaakataura pamusoro pako.
11עתה בני יהי יהוה עמך והצלחת ובנית בית יהוה אלהיך כאשר דבר עליך׃
12Asi Jehovha ngaakupe kungwara nokuchenjera, akuraire pamusoro paIsiraeri; kuti saizvozvo uchengete murayiro waJehovha Mwari wako.
12אך יתן לך יהוה שכל ובינה ויצוך על ישראל ולשמור את תורת יהוה אלהיך׃
13Nokudaro uchafambiswa zvakanaka, kana uchichenjera kuita mitemo nezvakatongwa, zvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro paIsiraeri; simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa.
13אז תצליח אם תשמור לעשות את החקים ואת המשפטים אשר צוה יהוה את משה על ישראל חזק ואמץ אל תירא ואל תחת׃
14Zvino tarira, ndakatambura ndichigadzirira imba yaJehovha matarenda ane zviuru zvine zana zvendarama, namatarenda ane chiuru chezviuru esirivha; nendarira namatare zvisina kuidzwa, nekuti zvakawanda kwazvo; ndakagadzirawo matanda namabwe; newe ungawedzera hako pazviri.
14והנה בעניי הכינותי לבית יהוה זהב ככרים מאה אלף וכסף אלף אלפים ככרים ולנחשת ולברזל אין משקל כי לרב היה ועצים ואבנים הכינותי ועליהם תוסיף׃
15Uye vabati unavo vazhinji, vaputsi navavezi vamabwe namatanda, navarume vose vakangwara pamabasa ose;
15ועמך לרב עשי מלאכה חצבים וחרשי אבן ועץ וכל חכם בכל מלאכה׃
16nendarama, nesirivha, nendarira, namatare hazvingaverengwi; simuka, ubate Jehovha ave newe,
16לזהב לכסף ולנחשת ולברזל אין מספר קום ועשה ויהי יהוה עמך׃
17Dhavhidhi akarairawo machinda ose aIsiraeri kuti vabatsire Soromoni mwanakomana wake, akati,
17ויצו דויד לכל שרי ישראל לעזר לשלמה בנו׃
18Ko Jehovha Mwari wenyu haazi nemwi here? Haana kukuzorodzai kumativi ose here? Nekuti akaisa vanhu vagere panyika iyi muruoko rwangu; zvino nyika yakundwa pamberi paJehovha napamberi pavanhu vake.
18הלא יהוה אלהיכם עמכם והניח לכם מסביב כי נתן בידי את ישבי הארץ ונכבשה הארץ לפני יהוה ולפני עמו׃
19Zvino shingairai nemoyo yenyu uye nemweya yenyu kutsvaka Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo simukai muvake imba tsvene yaJehovha Mwari, kuti mugoisa areka yesungano yaJehovha nenhumbi tsvene dzaMwari muimba inofanira kuvakirwa zita raJehovha.
19עתה תנו לבבכם ונפשכם לדרוש ליהוה אלהיכם וקומו ובנו את מקדש יהוה האלהים להביא את ארון ברית יהוה וכלי קדש האלהים לבית הנבנה לשם יהוה׃