Shona

Hebrew: Modern

1 Corinthians

16

1Zvino, maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke dzeGaratia, imwiwo itai seizvozvo.
1ועל דבר קבוץ התרומות לעזרת הקדושים כאשר תקנתי לקהלות אשר בגלטיא כן תעשו גם אתם׃
2nemusi wekutanga woga woga wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
2בכל אחד בשבת יניח אצלו איש איש מכם ויאצר את אשר עלה בידו למען אשר בבאי לא יקבץ עוד׃
3Uye kana ndasvika, chero vamunotenda ndichavatuma netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu.
3ואני בבאי את אשר תמצאו נאמנים עם אגרות אשלח אתם להביא את נדבתכם לירושלים׃
4Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
4ואם שוה הטרח שגם אנכי אלך שמה אתי ילכו׃
5Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nekuti ndinogura neMakedhonia;
5ואני אבא אליכם אחרי עברי את מקדוניא כי את מקדוניא אעברה׃
6uye zvimwe ndichagara nemwi, kunyange kupedza chando, kuti mugondiperekedza parwendo rwangu pose pandinoenda.
6ואולי אשב עמכם ימים אחדים או כל ימי הסתו למען תלוני אל אשר אלך שמה׃
7Nekuti handishuvi kukuonai zvino ndiri parwendo; nekuti ndinovimba ndichambozogara nemwi, kana Ishe achinditendera.
7כי כעת אין רצוני לראתכם אך בעברי כי אקוה לשבת אצלכם זמן מה אם ירצה יהוה׃
8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*.
8אבל אשב באפסוס עד חג השבועות׃
9Nekuti ndazarurirwa mukova mukuru unobudirira; navapikisi vazhinji varipo.
9כי נפתח לי פתח גדול ורב פעלים ורבים המתקוממים׃
10Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti unemwi asingatyi; nekuti unobata basa raIshe seniwo.
10וכי יבוא אליכם טימותיוס ראו נא שיהיה עמכם בלי פחד כי מלאכת יהוה הוא עשה כמו גם אני׃
11Naizvozvo ngakurege kuva nemunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nekuti ndakamutarisira pamwe nehama.
11על כן איש אל יבז אתו אך שלחהו בשלום למען יבא אלי כי אחכה לו עם האחים׃
12Zvino maererano naAporo hama yedu, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi chishuwo chake chakange chisiri chekuuya kwamuri ikozvino, asi uchauya hake kana awana nguva yakafanira.
12ואפולוס האח הנה פצרתי בו לבוא אליכם עם האחים אך לא היה ברצונו לבוא עתה אמנם בוא יבוא במצאו עת נכונה׃
13Rindai, mirai nesimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
13שקדו ועמדו באמונה התאששו והתחזקו׃
14Zvinhu zvenyu zvose ngazviitwe nerudo.
14וכל דבריכם יעשו באהבה׃
15Ndinokukumbirisai hama, munoziva mhuri yaSitefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
15ואבקשה מכם אחי הלא ידעתם את בית אסטפנוס שהוא ראשית אכיא ויתנו את נפשם לשרות הקדשים׃
16kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vose vanotibatsira nevanoshingaira.
16לכן הכנעו גם אתם מפני אנשים כאלה ומפני כל אשר יעבד עמהם ויעמלו׃
17Ndinofara nekuuya kwaSitefana naFochunato, naAkaiako, nekuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
17והנני שמח בביאת אסטפנוס ופרטונטוס ואכיקוס כי המה מלאו את אשר חסרתי אתכם׃
18Nekuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo gamuchirai vakadaro.
18ויניחו את רוחי ואת רוחכם על כן הכירו אנשים כאלה׃
19Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
19הקהלות אשר באסיא שאלות לשלומכם עקילס ופריסקלא וגם הקהלה אשר בביתם מרבים לשאל לשלומכם באדנינו׃
20Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
20האחים כלם שאלים לשלומכם שאלו לשלום איש את רעהו בנשקה הקדושה׃
21Ndiko kukwazisa kwangu Pauro, neruoko rwangu.
21שאלת שלומכם בידי אני פולוס׃
22Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave rushambwa. Uyai Ishe!
22מי שלא יאהב את האדון ישוע המשיח יחרם מרן אתא׃
23Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.
23חסד ישוע המשיח אדנינו יהי עמכם׃
24Rudo rwangu ngaruve nemwi mose muna Kristu Jesu. Ameni.
24ואהבתי את כלכם במשיח ישוע אמן׃