Shona

Hebrew: Modern

2 Corinthians

1

1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vose vari muAkaya yose:
1פולוס שליח ישוע המשיח ברצון אלהים וטימותיוס אחינו אל קהלת אלהים אשר בקורנתוס עם כל הקדשים אשר באכיא׃
2Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.
2חסד לכם ושלום מאת האלהים אבינו ואדנינו ישוע המשיח׃
3Ngaavongwe Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu Baba vetsitsi, uye Mwari wenyaradzo yose;
3ברוך האלהים ואבי אדנינו ישוע המשיח אב הרחמים ואלהי כל הנחמה׃
4unotinyaradza padambudziko redu rose, kuti tigone kunyaradza avo vari mukutambudzika kupi nekupi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo tomene naMwari;
4המנחם אתנו בכל לחצנו עד שנוכל לנחם הנלחצים בכל לחץ בנחמה אשר אנחנו מנחמים בה מאת האלהים׃
5nekuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvovo nyaradzo yeduwo yakawedzerwa naKristu.
5כי כרב ענויי המשיח בנו כן תרבה נחמתנו על ידי המשיח׃
6Zvino kunyange tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobudirira mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo, kana kunyage tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu.
6והנה אם נלחץ הוא לנחמתכם ולישועתכם אשר יראה כחה בסבלכם הענוים אשר נסבל אתן גם אנחנו ואם ננחם גם הוא לנחמתכם ולישועתכם׃
7Uye tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvovo venyaradzo.
7ותקותנו בעדכם נכונה היא באשר ידענו כי כאשר חלק לכם בענוים כן גם חלק לכם בנחמה׃
8Nekuti hatidi kuti musaziva, hama, dambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takadzvanyiwa zvisingaverengeki kukunda simba redu, zvekuti takarasha tariro kunyange yeupenyu;
8כי לא נכחד מכם אחי את צרתנו אשר מצאתנו באסיא אשר כבדה עלינו עד למאד ויותר מכחנו עד כי נואשנו מן החיים׃
9asi takanga tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba, asi Mwari unomutsa vakafa;
9ואנחנו בלבבנו חרצנו לנו את המות למען לא נהיה בטחים בנפשנו כי אם באלהים המחיה את המתים׃
10wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye unonunura; watinovimba maari kuti uchatinunura;
10אשר הצילנו ממות כזה ועודנו מציל ולו אנחנו מקוים כי יוסיף להצילנו׃
11nemwiwo muchitishandira pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu nenzira yevanhu vazhinji, kuvonga kupiwe vazhinji vakatimiririra.
11בעזרכם אתנו בתפלתכם למען יודו רבים בעדנו על מתנת החסד שהיתה לנו על ידי רבים׃
12Nekuti kuzvikudza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika zvikuru maererano nemwi.
12כי זאת היא תהלתנו עדות לבבנו אשר בתם וישר אלהים התהלכנו בעולם וביותר אתכם ולא בחכמת הבשר כי אם בחסד אלהים׃
13Nekuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchira kusvika pakuguma;
13כי לא נכתב לכם כי אם מה שאתם קראים או גם ידעים׃
14sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo vedu nezuva raIshe Jesu.
14ואקוה כי כאשר ידעתם אתנו למקצת אף תדעו עד תכלית כי אנחנו תהלתכם כאשר גם אתם תהלתנו ביום אדנינו ישוע׃
15Zvino muchivimbo ichi, ndaishuva kutanga kuuya kwamuri kuti muve nenyasha dzechipiri;
15ובבטחון הזה חפצתי לבוא אליכם מראש למען תקבלו טובה פעמים׃
16nekupfuura nekwamuri ndichienda Makedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.
16ולעבר בתוככם אל מקדוניא ולשוב ממקדוניא אליכם ואתם תשלחוני אל ארץ יהודה׃
17Naizvozvo ndichifunga saizvozvo, ndakaita nekusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira ndinozvipira zvinoenderana nenyama here? Kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete?
17ועתה הכי נמהר הייתי בעצתי אם אשר יעצתי לפי הבשר יעצתי והיה אצלי פעם הן הן ופעם לא לא׃
18Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.
18אכן נאמן האלהים כי דברנו אליכם לא היה הן ולא׃
19Nekuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.
19כי בן האלהים ישוע המשיח הנקרא בתוככם על ידינו על ידי ועל ידי סלונוס וטימותיוס הוא לא היה הן ולא כי היו היה בו רק הן׃
20Nekuti zvose zvipikirwa zvaMwari, nemaari ndihongu; nemaari ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe kubudikidzwa nesu.
20כי כל הבטחות האלהים כלן בו היו הן ובו היו אמן לכבוד האלהים על ידינו׃
21Zvino unotisimbisa pamwe nemwi muna Kristu nekutizodza ndiMwari,
21והמכונן אותנו אתכם במשיח ואשר משחנו הוא האלהים׃
22wakatiisawo mucherechedzo, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu.
22אשר גם חתמנו ואשר נתן בלבנו את ערבון הרוח׃
23Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handina kuzouya Korinde.
23ואני את אלהים אקרא להיות עד לנפשי כי בעבור היותי חס עליכם לא באתי עוד לקורנתוס׃
24Hazvirevi kuti tinotonga pamusoro perutendo rwenyu, asi tiri vabatsiri vemufaro wenyu; nekuti mumire nerutendo.
24לא שנמשל באמונתכם כי אם עזרים אנחנו לשמחתכם כי באמונה עמדתם׃