1Petro, muapositori waJesu Kristu, kuvapfuuri vakasanangurwa vakapararira paPonto, Garatia, Kapadhokia, Asia, neBhitinia,
1פטרוס שליח ישוע המשיח אל תושבי תפוצות פנטוס גלטיא קפודקיא אסיא וביתוניא׃
2nekuziva zviri mberi kwaMwari Baba kubudikidza nekuita vatsvene kweMweya, kusvika pakuteerera nekusasa kweropa raJesu Kristu: Nyasha kwamuri nerugare ngazviwanzwe.
2הנבחרים מקדם כפי דעת אלהים האב בקדוש הרוח אל משמעת ישוע המשיח ואל הזית דמו חסד ושלום למכביר יהיו לכם׃
3Wakaropafadzwa Mwari naBaba vaIshe wedu, Jesu Kristu, iye zvichienderana nekuwanda kwetsitsi dzake wakatiberekazve patariro mhenyu inovuya nekumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,
3ברוך האלהים אבי אדנינו ישוע המשיח אשר כרב רחמיו שב והוליד אתנו לתקוה חיה בהקמת ישוע המשיח מעם המתים׃
4panhaka isingaori neisina kusvibiswa, uye isingabvuruvari yakachengeterwa imwi kumatenga,
4לנחלה אשר לא תשחת ולא תגאל ולא תבל הצפונה בשמים לכם׃
5imwi munochengetwa nesimba raMwari kubudikidza nerutendo kuruponeso rwakagadzirirwa kuratidzwa panguva yekupedzisira.
5הנשמרים בעז אלהים על יד האמונה לתשועה העתידה להגלות בעת קץ׃
6Iyo yamunofara mairi zvikuru, kunyange zvino kwechinguvana, kana zvichifanira, muri pakushungurudzwa nemiidzo yakasiyana siyana,
6אשר בה תגילו אתם המתעצבים עתה מעט לפי הצרך במסת שנות׃
7kuti kuidzwa kwerutendo rwenyu kunokosha zvikuru kupfuura kwendarama inoparara, kunyange ichiidzwa nemoto, kuwanikwe mukurumbidzwa, nekukudzwa, nekubwinya pakuonekwa kwaJesu Kristu;
7למען תמצא אמונתכם המזקקה יקרה הרבה מן הזהב האבד הצרוף באש לתהלה ולכבוד ולתפארת בהתגלות ישוע המשיח׃
8iye musina kumuona munomuda; maari kunyange zvino musingamuoni asi muchitenda, munofara nemufaro usingatauriki uzere nerumbidzo,
8אשר אהבתם ולא ראיתם ואשר עתה תאמינו בו בלא ראות אתו ובכן תגילו בשמחה מפארה עצמה מספר׃
9muchigamuchira chivavarirwa cherutendo rwenyu, ruponeso rwemweya yenyu.
9בקחתכם עקב אמונתכם תשועה לנפשתיכם׃
10Ndirwo ruponeso vaporofita rwavakabvunzisisa nekunzvera ivo vakaporofita zvenyasha dzinouya kwamuri;
10את התשועה אשר עליה חקרו ודרשו הנביאים הנבאים על החסד השמור לכם׃
11vachinzvera kuti inguva ipi kana yakadini Mweya waKristu wakange uri mavari yawakaratidza, paakagara apupura matambudziko aKristu, nekubwinya shure kweizvozvi.
11בחקרם לדעת מתי ואיך תהיה העת אשר הודיעה רוח המשיח אשר בקרבם בהגידו מראש את ענויי המשיח ואת הגדלות אשר אחריהם׃
12Kwavari kwakaratidzwa kuti kwete kwavari asi kwatiri vakashumira zvinhu izvi zvinorondedzerwa ikozvino kwamuri naivo vakaparidza evhangeri kwamuri neMweya Mutsvene wakatumwa pasi kubva kudenga, zvinhu izvo vatumwa zvavanoshuva kudongorera.
12ונגלה להם כי לא לפנשם כי אם לנו שרתו בדברים ההם אשר הגד לכם עתה על פי המבשרים אתכם ברוח הקדש השלוח משמים דברים אשר מלאכי אלהים חמדו להשקיף אל תוכם׃
13Naizvozvo masunga zviuno zvendangarairo dzenyu, svinurai, mutaririre nemoyo wose kunyasha dzinouyiswa kwamuri pakuratidzwa kwaKristu pakuratidzwa kwaJesu Kristu;
13לכן חגרו מתני שכלכם התעוררו וקוו קוה לחסד אשר יבואכם בהתגלות ישוע המשיח׃
14sevana vanoteerera, musingazvifananidzi mafambiro enyu nekuchiva kwakare pakusaziva kwenyu,
14כבני משמעת אל תתנהגו בתאות אשר התאויתם בעוד היותכם בבלי דעת׃
15asi saiye wakakudanai ari mutsvene, nemwiwo ivai vatsvene pamafambiro ose;
15כי אם היו קדשים בכל דרכיכם כאשר קדוש הוא אשר קרא אתכם׃
16Nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.
16כי על כן כתוב והייתם קדשים כי קדוש אני׃
17Zvino kana muchimuidza Baba, iye pasina rusarura, unotonga umwe neumwe maererano nebasa rake, rasai nguva yeutorwa hwenyu mukutya;
17ואם אב תקראו לאלהים השפט בבלי משא פנים כפי מעללי איש ואיש התהלכו נא ביראה בימי מגוריכם׃
18muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, sirivheri kana ndarama, pamafambiro enyu asina maturo, wamakagamuchira kumadzibaba enyu;
18מדעתכם כי לא בדבר נפסד בכסף או בזהב נפדיתם מדרך הבלכם אשר הנחלתם מאת אבותיכם׃
19asi neropa rinokosha raKristu, seregwayana risina charinopomerwa, uye risina gwapa;
19כי אם בדם יקר של שה תמים ומום אין בו בדם המשיח׃
20iye zvorokwazvo wakagara agadzwa nyika isati yavambwa, asi wakaratidzwa pakupedzisira kwenguva nekuda kwenyu,
20הנודע מראש לפני מוסדות תבל ונגלה באחרית הימים למענכם׃
21iye wamunotenda naye muna Mwari wakamumutsa kuvakafa, akamupa rukudzo; kuti rutendo rwenyu netariro zvive muna Mwari.
21המאמינים על פיו באלהים אשר הקים אתו מעם המתים ויתן לו כבוד למען היות אמונתכם גם תקוה לאלהים׃
22Zvamakachenesa mweya yenyu mukuteerera chokwadi kubudikidza nemweya nemukuda hama nekusanyengera, dananai zvikuru nemoyo wose;
22זכו את נפשתיכם על ידי הרוח בשמעכם בקול האמת לאהבת אחים בלא חנפה ואהבתם איש את רעהו אהבה חזקה בלב טהור׃
23makaberekwa kutsva kwete zvichibva pambeu inoora, asi zvichibva kune isingaori, neshoko raMwari rinorarama nekugara nekusingaperi.
23כנולדים מחדש לא מזרע נשחת כי אם מזרע לא ישחת במאמר אלהים החי והקים לעולם׃
24Nekuti nyama yose yakaita seuswa, neukuru hwose hwemunhu seruva reuswa. Uswa hwunosvava, neruva rahwo rinodonha;
24כי כל בשר חציר וכל כבוד איש כציץ השדה יבש חציר נבל ציץ׃
25Asi shoko raIshe rinogara nekusingaperi. Ndireri shoko rakaparidzirwa kwamuri neevhangeri.
25ודבר יהוה יקום לעולם וזה הוא הדבר אשר בשר לכם׃