1Naizvozvo Kristu sezvaakatitamburira panyama, nemwiwo muzvishongedze zvombo nemurangariro wakadaro; nekuti iye wakatambudzika panyama warega chivi;
1ועתה כאשר ענה המשיח בעדנו בבשר כן היו גם אתם מזינים במחשבה ההיא כי המענה בבשר חדל מחטוא׃
2kuti panguva yakasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.
2למען אשר לא תחיו עוד לתאות בני אדם כי אם לרצון אלהים כל ימי היתכם עוד בבשר׃
3Nekuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba muutera, kuchiva, nekumwisa waini, mabongozozo, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisakafanira;
3כי דינו עת החיים אשר עברה לעשות כחפץ הגוים בלכתנו בדרכי זמה ובתאות כסבאי יין וזללי בשר ורדפי שכר ותועבות עבדת האלילים׃
4zvavanoshamisika mazviri kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kwenyonganyonga imwe, vachinyomba;
4ועל זאת תמהים המה ומגדפים כי לא תרוצו עמהם לשטף בזמה כמוהם׃
5vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.
5אשר יתנו חשבון לפני העתיד לשפט החיים והמתים׃
6Nekuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwawo kune vakafa, kuti vatongwe panyama nemutowo wevanhu, asi vararame nomutowo waMwari pamweya.
6כי על כן התבשרו גם המתים למען ישפטו בבשר לפי דרך בני אדם ויחיו ברוח לפי דרך אלהים׃
7Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.
7הן קץ הכל קרב לכן היו צנועים וערים להתפלל׃
8Uye pamusoro pezvinhu zvose dananai nerudo rwusingaperi, nekuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji.
8ולפני כל דבר אהבו איש את אחיו אהבה חזקה כי על רב פשעים תכסה האהבה׃
9Gamuchiranai nerudo, musinganyunyuti.
9היו מארחים איש את רעהו בבלי תלנות׃
10Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.
10איש איש כמתן החסד אשר קבל תעזרו איש לרעהו כגזברים ממנים על חסדי אלהים הרבים׃
11Kana munhu achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba rinopiwa naMwari; kuti Mwari pazvinhu zvose akudzwe kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
11איש כי ידבר יהי כאמרי אל ואיש כי יעזר תהי עזרתו מתוך החיל אשר חננו אלהים למען יכבד אלהים בכל על ידי ישוע המשיח אשר לו הכבוד והעז לעולמי עולמים אמן׃
12Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa pakati penyu, unokuidzai sezvinonzi mawirwa nechisingazikamwi;
12אהובים בבאכם בתוך כור עני למען נסתכם אל נא תתמהו כאלו קרה לכם דבר זר׃
13asi farai sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, kuti pakuratidzwa kwekubwinya kwake mufarewo nemufaro mukurusa.
13כי אם שמחו על אשר חלק לכם בענויי המשיח למען גם תשמחו ותעלצו בהגלות כבודו׃
14Kana muchinyombwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nekuti Mweya wekubwinya newaMwari ugere pamusoro penyu; kwavari unonyombwa asi kwamuri unokudzwa.
14אם יחרפו אתכם למען שם המשיח אשריכם כי נחה עליכם רוח הכבוד רוח אלהים אצלם מנאץ הוא ואצלכם נכבד׃
15Nekuti kusva neumwe wenyu unotambudzika semhondi, kana mbavha, muiti wezvakaipa, kana unongongwarira zvevamwe;
15רק אל יענה איש מכם כרצח או כגנב או כפעל און או כנכנס בפקדת אחרים׃
16asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari nekuda kwezvizvi.
16ואם יענה כאחד המשיחיים אל יבוש כי אם יודה לאלהים על הדבר הזה׃
17Nekuti nguva yasvika yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?
17כי עת החל המשפט מבית אלהים ואם ממנו ראשנה מה אפוא תהיה אחרית הממרים את בשורת אלהים׃
18uye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, uyo usingadi Mwari, nemutadzi, vachaonekwepi?
18הן צדיק כמעט יושע אף כי רשע וחוטא׃
19Naizvozvo naiwo vanotambudzika zvinoenderana nechodo chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo vachiita zvakanaka.
19לכן גם המענים כרצון אלהים יפקידו את נפשותם ביד אלהים הברא הנאמן ויוסיפו לעשות הטוב׃