1Vakuru vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mukuru pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovaniwo wekubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:
1את הזקנים אשר בקרבכם אזהיר אנכי עמיתם הזקן ועד ענויי המשיח וגם חבר לכבוד העתיד להגלות׃
2Fudzai boka raMwari riri pakati penyu muchiritarisisa, kwete nekurovererwa asi nechido, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nekutenda;
2רעו את עדר האלהים אשר בידכם והשגיחו עליהם לא באנס כי אם בנדבה אף לא עקב בצע כי אם בנפש חפצה׃
3kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa asi muri mufananidzo weboka.
3גם לא כמתעמרים בנחלת יהוה כי אם בהיותכם מופת לצאן׃
4Zvino kana Mufudzi mukuru achizoonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.
4והיה בהגלות שר הרעים תשאו עטרת הכבוד אשר לא תבל׃
5Saizvozvo imwi vaduku, muzviise pasi pevakuru, imwi mose muzviise pasi mumwe kune mumwe, uye mupfekedzwe nekuninipa, nekuti Mwari unopikisa vanozvikudza achipa nyasha vanozvininipisa.
5וכן גם אתם הנערים הכנעו לפני הזקנים וחגרו כלכם שפלות רוח בהכנע איש לרעהו כי אלהים ללצים יליץ ולענוים יתן חן׃
6Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira,
6השפילו נפשכם תחת יד אלהים החזקה למען ירומם אתכם בעתו׃
7muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kose, nekuti iye unokuchengetai.
7השליכו עליו כל יהבכם כי הוא ידאג לכם׃
8Svinurai, murinde, nekuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba unofamba-famba ichitsvaka waangaparadza;
8התעוררו שקדו כי מריבכם השטן משוטט כאריה שאג ומבקש את אשר יבלע׃
9mumupikise makamira nesimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika.
9ועמדתם נגדו חזקים באמונה ודעו כי ענוים כאלה באו גם על אחיכם אשר בעולם׃
10Asi Mwari wenyasha dzose, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi naKristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye ungakuperedzerai nekukusimbisai, nekukupai simba, nekukuteyai.
10ואלהי כל החסד אשר קראנו לכבודו הנצחי במשיח ישוע אחרי ענותכם מעט הוא ישלים ויחזק ויגבר וייסד אתכם׃
11Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
11לו הכבוד והעז לעולמי עולמים אמן׃
12NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri pakufunga kwangu, ndakakunyorerai nepaduku, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari; dzamumire madziri.
12ביד סלונוס האח הנאמן לכם כאשר אחשב כתבתי אליכם בדברים מעטים להזהיר אתכם ולהעיד כי חסד האלהים הזה אשר עמדתם בו אמת הוא׃
13Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMako mwanakomana wangu.
13חברתכם אשר בבבל הנבחרה אתכם ומרקוס בני שאלים לשלומכם׃
14Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.
14שאלו לשלום איש את רעהו בנשיקת אהבה שלום לכלכם אשר במשיח ישוע אמן׃