Shona

Hebrew: Modern

1 Samuel

22

1Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akatizira kubako reAdhurami; zvino hama dzake navose veimba yababa vake vakati vachinzwa, vakaburukirako kwaari.
1וילך דוד משם וימלט אל מערת עדלם וישמעו אחיו וכל בית אביו וירדו אליו שמה׃
2Zvino vose vakanga vari panjodzi, navose vakanga vane mhosva, navose vakanga vane shungu vakaungana kwaari, akava mutangamiriri wavo; kwakanga kuna varume vanenge mazana mana naye.
2ויתקבצו אליו כל איש מצוק וכל איש אשר לו נשא וכל איש מר נפש ויהי עליהם לשר ויהיו עמו כארבע מאות איש׃
3Zvino Dhavhidhi akabvapo akaenda Mizipa kwaMoabhu; akati kuna mambo waMoabhu, Baba vangu namai vangu ndinokumbira kuti vauye vagare nemi, kusvikira ndaziva chandichaitirwa naMwari.
3וילך דוד משם מצפה מואב ויאמר אל מלך מואב יצא נא אבי ואמי אתכם עד אשר אדע מה יעשה לי אלהים׃
4Akavaisa kuna mambo waMoabhu, vakagara naye nguva yose yokugara kwaDhavhidhi munhare.
4וינחם את פני מלך מואב וישבו עמו כל ימי היות דוד במצודה׃
5Zvino muporofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi: Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJudha. Ipapo Dhavhidhi akabva akasvika kudondo reHereti.
5ויאמר גד הנביא אל דוד לא תשב במצודה לך ובאת לך ארץ יהודה וילך דוד ויבא יער חרת׃
6Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakange agere Gibhiya, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye.
6וישמע שאול כי נודע דוד ואנשים אשר אתו ושאול יושב בגבעה תחת האשל ברמה וחניתו בידו וכל עבדיו נצבים עליו׃
7Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, Inzwai zvino, vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemizambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here?
7ויאמר שאול לעבדיו הנצבים עליו שמעו נא בני ימיני גם לכלכם יתן בן ישי שדות וכרמים לכלכם ישים שרי אלפים ושרי מאות׃
8Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?
8כי קשרתם כלכם עלי ואין גלה את אזני בכרת בני עם בן ישי ואין חלה מכם עלי וגלה את אזני כי הקים בני את עבדי עלי לארב כיום הזה׃
9Ipapo Dhoegi muEdhomu, wakange amire navaranda vaSauro, akapindura akati, Ndakaona mwanakomana waJese achisvika Nobhi, kuna Ahimereki mwanakomana waAitubi.
9ויען דאג האדמי והוא נצב על עבדי שאול ויאמר ראיתי את בן ישי בא נבה אל אחימלך בן אחטוב׃
10Iye akamubvunzira kuna Jehovha, akamupa mbuva, akamupawo munondo waGoriati muFirisitia.
10וישאל לו ביהוה וצידה נתן לו ואת חרב גלית הפלשתי נתן לו׃
11Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Ahimereki mupristi, mwanakomana waAhitubi, neveimba yake yose, ivo vapristi vaiva paNobhi; vakauya vose kuna mambo.
11וישלח המלך לקרא את אחימלך בן אחיטוב הכהן ואת כל בית אביו הכהנים אשר בנב ויבאו כלם אל המלך׃
12Zvino Sauro akati; Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubi. Iye akapindura, akati, Ndiri pano, ishe wangu.
12ויאמר שאול שמע נא בן אחיטוב ויאמר הנני אדני׃
13Sauro akati kwaari; Mandiranganeiko, iwe nomwanakomana waJese, zvawakamupa, chingwa, nomunondo, nokumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire, andivandire sezvaanoita nhasi?
13ויאמר אלו שאול למה קשרתם עלי אתה ובן ישי בתתך לו לחם וחרב ושאול לו באלהים לקום אלי לארב כיום הזה׃
14Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu?
14ויען אחימלך את המלך ויאמר ומי בכל עבדיך כדוד נאמן וחתן המלך וסר אל משמעתך ונכבד בביתך׃
15Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Ngazvisadaro! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nekuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zv ikuru.
15היום החלתי לשאול לו באלהים חלילה לי אל ישם המלך בעבדו דבר בכל בית אבי כי לא ידע עבדך בכל זאת דבר קטן או גדול׃
16Ipapo mambo akati, Zvirokwazvo, uchafa Ahimereki, iwe navose veimba yababa vako.
16ויאמר המלך מות תמות אחימלך אתה וכל בית אביך׃
17Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, Tendeukai, muuraye vapristi vaJehovha, nekuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nekuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa. Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapristi vaJehovha.
17ויאמר המלך לרצים הנצבים עליו סבו והמיתו כהני יהוה כי גם ידם עם דוד וכי ידעו כי ברח הוא ולא גלו את אזנו ולא אבו עבדי המלך לשלח את ידם לפגע בכהני יהוה׃
18Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, Tendeuka iwe, uuraye vapristi. Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapristi, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka.
18ויאמר המלך לדויג סב אתה ופגע בכהנים ויסב דויג האדמי ויפגע הוא בכהנים וימת ביום ההוא שמנים וחמשה איש נשא אפוד בד׃
19Akaparadzawo Nobhi, guta ravapristi, neminondo inopinza, varume navakadzi vose, navana navakanga vachimwa, nemombe, nembongoro, namakwai; zvose zvakaparadzwa neminondo inopinza.
19ואת נב עיר הכהנים הכה לפי חרב מאיש ועד אשה מעולל ועד יונק ושור וחמור ושה לפי חרב׃
20Asi mumwe wavanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubi, wainzi Abhiatari, wakapukunyuka, akatiza, akatevera Dhavhidhi.
20וימלט בן אחד לאחימלך בן אחטוב ושמו אביתר ויברח אחרי דוד׃
21Abhiatari akaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapristi vaJehovha.
21ויגד אביתר לדוד כי הרג שאול את כהני יהוה׃
22Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, Musi uya wandakaona Dhoegi muEdhomu aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo uchandoudza Sauro; ndini ndakonzera rufu rwemweya yose yeimba yababa vako.
22ויאמר דוד לאביתר ידעתי ביום ההוא כי שם דויג האדמי כי הגד יגיד לשאול אנכי סבתי בכל נפש בית אביך׃
23Gara hako neni, usatya; nekuti unotsvaka kundiuraya ini, ndiye unotsvaka kukuuraya iwewo; nekuti kana ukagara neni uchachengetwa.
23שבה אתי אל תירא כי אשר יבקש את נפשי יבקש את נפשך כי משמרת אתה עמדי׃