1Zvino vanhu vakaudza Dhavhidhi vakati, Tarirai, vaFirisitia vanorwa neKeira, vachipambara zviri pamapuriro.
1ויגדו לדוד לאמר הנה פלשתים נלחמים בקעילה והמה שסים את הגרנות׃
2Naizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha akati, Ndoenda, ndinoparadza vaFirisitia avo here? Jehovha akati kuna Dhavhidhi, Enda undoparadza vaFirisitia, uponese Keira.
2וישאל דוד ביהוה לאמר האלך והכיתי בפלשתים האלה ויאמר יהוה אל דוד לך והכית בפלשתים והושעת את קעילה׃
3Varume vaDhavhidhi vakati kwaari, Tarirai, isu tinotya tichiri pano paJudha, ndoda kana tikaenda Keira kundorwa nehondo dzavaFirisitia.
3ויאמרו אנשי דוד אליו הנה אנחנו פה ביהודה יראים ואף כי נלך קעלה אל מערכות פלשתים׃
4Zvino Dhavhidhi akabvunzazve Jehovha, Jehovha akamupindura akati, Simuka, uburukire Keira, nekuti ndichaisa vaFirisitia muruoko rwako.
4ויוסף עוד דוד לשאל ביהוה ויענהו יהוה ויאמר קום רד קעילה כי אני נתן את פלשתים בידך׃
5Dhavhidhi navanhu vake vakaenda Keira, vakandorwa navaFirisitia, vakavatorera mombe dzavo, vakavauraya nokuuraya kukuru. Naizvozvo Dhavhidhi akaponesa vanhu vakanga vagere Keira.
5וילך דוד ואנשו קעילה וילחם בפלשתים וינהג את מקניהם ויך בהם מכה גדולה וישע דוד את ישבי קעילה׃
6Zvino Abhiatari mwanakomana waAhimereki pakutizira kwake kuna Dhavhidhi paKeira, wakaenda akabata efodhi paruoko rwake.
6ויהי בברח אביתר בן אחימלך אל דוד קעילה אפוד ירד בידו׃
7Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wasvika Keira. Sauro akati, Mwari wamuisa muruoko rwangu, wazaririrwamo zvaapinda muguta rinamasuwo ezvipfigiso.
7ויגד לשאול כי בא דוד קעילה ויאמר שאול נכר אתו אלהים בידי כי נסגר לבוא בעיר דלתים ובריח׃
8Sauro akadana vanhu vose kundorwa, akaburukira Keira, akakomba Dhavhidhi navanhu vake.
8וישמע שאול את כל העם למלחמה לרדת קעילה לצור אל דוד ואל אנשיו׃
9Asi Dhavhidhi wakaziva kuti Sauro wakafunga kumuitira zvakaipa, akati kuna Abhiatari mupristi, Uya pano neefodhi.
9וידע דוד כי עליו שאול מחריש הרעה ויאמר אל אביתר הכהן הגישה האפוד׃
10Zvino Dhavhidhi akati, Jehovha, Mwari waIsiraeri, muranda wenyu wakanzwa zvirokwazvo kuti Sauro unoda kuuya Keira, kuzoparadza guta nokuda kwangu.
10ויאמר דוד יהוה אלהי ישראל שמע שמע עבדך כי מבקש שאול לבוא אל קעילה לשחת לעיר בעבורי׃
11Ko varume veKeira vachandiisa mumaoko ake here? Ko Sauro uchaburuka here, sezvakanzwa muranda wenyu? Jehovha, Mwari waIsiraeri, ndinokumbira muzivise henyu muranda wenyu. Jehovha akati, Uchaburuka.
11היסגרני בעלי קעילה בידו הירד שאול כאשר שמע עבדך יהוה אלהי ישראל הגד נא לעבדך ויאמר יהוה ירד׃
12Dhavhidhi akati, Ko varume veKeira vachandiisa navanhu vangu muruoko rwaSauro here? Jehovha akati, Vachakuisa.
12ויאמר דוד היסגרו בעלי קעילה אתי ואת אנשי ביד שאול ויאמר יהוה יסגירו׃
13Ipapo Dhavhidhi navanhu vake, vanenge mazana matanhatu, vakasimuka, vakabva Keira, vakafamba-famba havo. Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi wapukunyuka paKeira, akarega hake kuendako.
13ויקם דוד ואנשיו כשש מאות איש ויצאו מקעלה ויתהלכו באשר יתהלכו ולשאול הגד כי נמלט דוד מקעילה ויחדל לצאת׃
14Dhavhidhi akagara murenje munhare, akaramba agere panyika yamakomo murenje reZifi. Sauro akamutsvaka mazuva ose, Mwari haana kumuisa muruoko rwake.
14וישב דוד במדבר במצדות וישב בהר במדבר זיף ויבקשהו שאול כל הימים ולא נתנו אלהים בידו׃
15Zvino Dhavhidhi akaona kuti Sauro wakange abuda kuzotsvaka kumuuraya, Dhavhidhi akagara murenje reZifi mudondo.
15וירא דוד כי יצא שאול לבקש את נפשו ודוד במדבר זיף בחרשה׃
16Ipapo Jonatani mwanakomana waSauro, akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari.
16ויקם יהונתן בן שאול וילך אל דוד חרשה ויחזק את ידו באלהים׃
17Akati kwaari, Usatya, nekuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani, uchava mambo walsiraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.
17ויאמר אליו אל תירא כי לא תמצאך יד שאול אבי ואתה תמלך על ישראל ואנכי אהיה לך למשנה וגם שאול אבי ידע כן׃
18Ivo vaviri vakaita sungano pamberi paJehovha; Dhavhidhi akagara mudondo, Jonatani akadzokera kumba kwake.
18ויכרתו שניהם ברית לפני יהוה וישב דוד בחרשה ויהונתן הלך לביתו׃
19Zvino vaZifi vakakwira kuna Sauro paGibhiya vakati, Ko Dhavhidhi haazinovanda kwatiri, panhare mudondo, mugomo reHakira riri kurutivi rwezasi rwerenje here?
19ויעלו זפים אל שאול הגבעתה לאמר הלוא דוד מסתתר עמנו במצדות בחרשה בגבעת החכילה אשר מימין הישימון׃
20Naizvozvo zvino, mambo burukai, sezvinoda moyo wenyu; kana tirisu ndiro basa redu kuti timuise pamaoko amambo.
20ועתה לכל אות נפשך המלך לרדת רד ולנו הסגירו ביד המלך׃
21Ipapo Sauro akati, Imi muropafadzwe naJehovha, nekuti makandinzwira tsitsi.
21ויאמר שאול ברוכים אתם ליהוה כי חמלתם עלי׃
22Chiendai henyu, mucherekedze kwazvo, muzive nokuona kwaari, kwaanogara, uye kuti ndianiko wakamuonako; nekuti ndaudzwa kuti unamano kwazvo.
22לכו נא הכינו עוד ודעו וראו את מקומו אשר תהיה רגלו מי ראהו שם כי אמר אלי ערום יערם הוא׃
23Naizvozvo tarisisai, muzive zvakanaka nzvimbo dzake dzose dzaanovanda kwadziri, mugodzokerazve kwandiri, zvirokwazvo, ndiende nemi; zvino kana achinge ari munyika iyo, ndichandomutsvakisisa pakati pezviuru zvavaJudha.
23וראו ודעו מכל המחבאים אשר יתחבא שם ושבתם אלי אל נכון והלכתי אתכם והיה אם ישנו בארץ וחפשתי אתו בכל אלפי יהודה׃
24Ipapo vakasimuka, vakaenda Zifi pamberi paSauro, asi Dhavhidhi navanhu vake vakanga vari murenje reMaoni paArabha kurutivi rwezasi rwerenje.
24ויקומו וילכו זיפה לפני שאול ודוד ואנשיו במדבר מעון בערבה אל ימין הישימון׃
25Zvino Sauro navanhu vake vakaenda kundomutsvaka. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; naizvozvo akaburukira kudombo, akandogara murenje reMaoni. Zvino Sauro wakati achinzwa, akatevera Dhavhidhi kurenje reMaoni.
25וילך שאול ואנשיו לבקש ויגדו לדוד וירד הסלע וישב במדבר מעון וישמע שאול וירדף אחרי דוד מדבר מעון׃
26Sauro akaenda nechokuno kwegomo, Dhavhidhi navanhu vake vakaenda necheseri kwegomo; Dhavhidhi akakurumidza kubva, nokutya Sauro; nekuti Sauro navanhu vake vakanga vakomba Dhavhidhi navanhu vake, kuti vavabate.
26וילך שאול מצד ההר מזה ודוד ואנשיו מצד ההר מזה ויהי דוד נחפז ללכת מפני שאול ושאול ואנשיו עטרים אל דוד ואל אנשיו לתפשם׃
27Asi nhume yakasvika kuna Sauro, ikati, Kurumidzai, muuye, nekuti vaFirisitia vopambara nyika.
27ומלאך בא אל שאול לאמר מהרה ולכה כי פשטו פלשתים על הארץ׃
28Naizvozvo Sauro akadzoka pakutevera Dhavhidhi, akandorwa navaFirisitia. Naizvozvo vakapatumidza zita rokuti Serahamarekoti.
28וישב שאול מרדף אחרי דוד וילך לקראת פלשתים על כן קראו למקום ההוא סלע המחלקות׃
29Dhavhidhi akakwira, akabvapo, akandogara munhare dzapaEnigedhi.
29ויעל דוד משם וישב במצדות עין גדי׃