Shona

Hebrew: Modern

2 Chronicles

10

1Zvino Rehobhoamu akaenda Shekemi, nekuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemi kuzomuita mambo.
1וילך רחבעם שכמה כי שכם באו כל ישראל להמליך אתו׃
2Zvino Jerobhoami mwanakomana waNebhati, akati achizvinzwa (nokuti akanga achiri Egipita kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni,) Jerobhoami ndokudzoka achibva Egipita.
2ויהי כשמע ירבעם בן נבט והוא במצרים אשר ברח מפני שלמה המלך וישב ירבעם ממצרים׃
3Vakatuma nhume kundomudana; Jerobhoami navaIsiraeri vose vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,
3וישלחו ויקראו לו ויבא ירבעם וכל ישראל וידברו אל רחבעם לאמר׃
4Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imwi chirerusai basa rababa venyu rakanga richigozha, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.
4אביך הקשה את עלנו ועתה הקל מעבדת אביך הקשה ומעלו הכבד אשר נתן עלינו ונעבדך׃
5Iye akati kwavari, Dzokeraizve kwandiri kana mazuva matatu apera. Vanhu vakaenda.
5ויאמר אלהם עוד שלשת ימים ושובו אלי וילך העם׃
6papo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu, akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?
6ויועץ המלך רחבעם את הזקנים אשר היו עמדים לפני שלמה אביו בהיתו חי לאמר איך אתם נועצים להשיב לעם הזה דבר׃
7Ivo vakataura kwaari, vakati, Kana mukaitira vanhu ava nomoyo wakanaka, nokuvafadza, nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.
7וידברו אליו לאמר אם תהיה לטוב להעם הזה ורציתם ודברת אלהם דברים טובים והיו לך עבדים כל הימים׃
8Asi iye wakaramba zano ravakuru, ravakamupa, akarangana namajaya ezero rake, akanga achimira pamberi pake.
8ויעזב את עצת הזקנים אשר יעצהו ויועץ את הילדים אשר גדלו אתו העמדים לפניו׃
9Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?
9ויאמר אלהם מה אתם נועצים ונשיב דבר את העם הזה אשר דברו אלי לאמר הקל מן העל אשר נתן אביך עלינו׃
10Zvino majaya ezero rake akataura kwaari, akati, Iti kuvanhu ava vakataura newe, vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imwi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
10וידברו אתו הילדים אשר גדלו אתו לאמר כה תאמר לעם אשר דברו אליך לאמר אביך הכביד את עלנו ואתה הקל מעלינו כה תאמר אלהם קטני עבה ממתני אבי׃
11Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
11ועתה אבי העמיס עליכם על כבד ואני אסיף על עלכם אבי יסר אתכם בשוטים ואני בעקרבים׃
12Naizvozvo Jerobhoami navanhu vose vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokerai kwandirizve nezuva retatu.
12ויבא ירבעם וכל העם אל רחבעם ביום השלשי כאשר דבר המלך לאמר שובו אלי ביום השלשי׃
13Mambo akavapindura nehasha; mambo Rehobhoamu akarasha zano ravakuru,
13ויענם המלך קשה ויעזב המלך רחבעם את עצת הזקנים׃
14akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.
14וידבר אלהם כעצת הילדים לאמר אכביד את עלכם ואני אסיף עליו אבי יסר אתכם בשוטים ואני בעקרבים׃
15Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nekuti zvakanga zvabva kuna Mwari, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoami mwanakomana waNebhati.
15ולא שמע המלך אל העם כי היתה נסבה מעם האלהים למען הקים יהוה את דברו אשר דבר ביד אחיהו השלוני אל ירבעם בן נבט׃
16Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo, vakati, Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana weJese; endai henyu munhu mumwe nomumwe kutende rake, imwi Isiraeri! Zvino Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo valsiraeri vose vakaenda kumatende avo.
16וכל ישראל כי לא שמע המלך להם וישיבו העם את המלך לאמר מה לנו חלק בדויד ולא נחלה בבן ישי איש לאהליך ישראל עתה ראה ביתך דויד וילך כל ישראל לאהליו׃
17Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu aiva mambo wavo.
17ובני ישראל הישבים בערי יהודה וימלך עליהם רחבעם׃
18Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Hadhorami mutariri wavanhu vechibharo, vana vaIsiraeri vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akachimbidzika kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.
18וישלח המלך רחבעם את הדרם אשר על המס וירגמו בו בני ישראל אבן וימת והמלך רחבעם התאמץ לעלות במרכבה לנוס ירושלם׃
19Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.
19ויפשעו ישראל בבית דויד עד היום הזה׃