Shona

Hebrew: Modern

2 Chronicles

9

1Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuhwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make.
1ומלכת שבא שמעה את שמע שלמה ותבוא לנסות את שלמה בחידות בירושלם בחיל כבד מאד וגמלים נשאים בשמים וזהב לרב ואבן יקרה ותבוא אל שלמה ותדבר עמו את כל אשר היה עם לבבה׃
2Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa Soromoni, chaakanga asingagoni kumuudza.
2ויגד לה שלמה את כל דבריה ולא נעלם דבר משלמה אשר לא הגיד לה׃
3Zvino mambokadzi weShebha akati aona kungwara kwaSoromoni, neimba yaakavaka,
3ותרא מלכת שבא את חכמת שלמה והבית אשר בנה׃
4nezvokudya zviri patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nenguvo dzavo, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.
4ומאכל שלחנו ומושב עבדיו ומעמד משרתיו ומלבושיהם ומשקיו ומלבושיהם ועליתו אשר יעלה בית יהוה ולא היה עוד בה רוח׃
5Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri rechokwadi.
5ותאמר אל המלך אמת הדבר אשר שמעתי בארצי על דבריך ועל חכמתך׃
6Asi handina kutenda mashoko avo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai handina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwokungwara kwenyu; imwi munokunda mbiri yandakanzwa.
6ולא האמנתי לדבריהם עד אשר באתי ותראינה עיני והנה לא הגד לי חצי מרבית חכמתך יספת על השמועה אשר שמעתי׃
7Varume venyu vano mufaro, navaranda venyu vano mufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.
7אשרי אנשיך ואשרי עבדיך אלה העמדים לפניך תמיד ושמעים את חכמתך׃
8Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemwi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nekuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa.
8יהי יהוה אלהיך ברוך אשר חפץ בך לתתך על כסאו למלך ליהוה אלהיך באהבת אלהיך את ישראל להעמידו לעולם ויתנך עליהם למלך לעשות משפט וצדקה׃
9Akapa mambo matarenda* ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuhwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; hakuna kumbovapo zvinonhuhwira zvakawanda zvikadai, zvakafanana nezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
9ותתן למלך מאה ועשרים ככר זהב ובשמים לרב מאד ואבן יקרה ולא היה כבשם ההוא אשר נתנה מלכת שבא למלך שלמה׃
10Navarandawo vaHurami, navaranda vaSoromoni, ivo vaiuya nendarama vachibva Ofiri, vakauyawo nemiti yemiarigumi nezvibwe zvinokosha.
10וגם עבדי חירם ועבדי שלמה אשר הביאו זהב מאופיר הביאו עצי אלגומים ואבן יקרה׃
11Mambo akaita namatanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha, nezveimba yamambo, nembira nemitengerangwa zvavaimbi; zvakadai hazvina kumboonekwa panyika yaJudha.
11ויעש המלך את עצי האלגומים מסלות לבית יהוה ולבית המלך וכנרות ונבלים לשרים ולא נראו כהם לפנים בארץ יהודה׃
12Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
12והמלך שלמה נתן למלכת שבא את כל חפצה אשר שאלה מלבד אשר הביאה אל המלך ותהפך ותלך לארצה היא ועבדיה׃
13Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda* ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
13ויהי משקל הזהב אשר בא לשלמה בשנה אחת שש מאות וששים ושש ככרי זהב׃
14vasingaverengi iyo yakauya navashambadziri navatengesi; namadzimambo ose eArabhia navabati venyika vakauya nendarama nesirivha kuna Soromoni.
14לבד מאנשי התרים והסחרים מביאים וכל מלכי ערב ופחות הארץ מביאים זהב וכסף לשלמה׃
15Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;
15ויעש המלך שלמה מאתים צנה זהב שחוט שש מאות זהב שחוט יעלה על הצנה האחת׃
16akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
16ושלש מאות מגנים זהב שחוט שלש מאות זהב יעלה על המגן האחת ויתנם המלך בבית יער הלבנון׃
17Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.
17ויעש המלך כסא שן גדול ויצפהו זהב טהור׃
18Chigaro icho choushe chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu, nechitsiko chendarama, zvakanga zvakabatanidzwa nechigaro choushe, nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, neshumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzezvitsigiro.
18ושש מעלות לכסא וכבש בזהב לכסא מאחזים וידות מזה ומזה על מקום השבת ושנים אריות עמדים אצל הידות׃
19Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.
19ושנים עשר אריות עמדים שם על שש המעלות מזה ומזה לא נעשה כן לכל ממלכה׃
20Mikombe yose yokumwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
20וכל כלי משקה המלך שלמה זהב וכל כלי בית יער הלבנון זהב סגור אין כסף נחשב בימי שלמה למאומה׃
21nekuti mambo akanga ane zvikepe zvaienda Tarishishi navaranda vaHurami; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwechete pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha nenyanga dzenzou, netsoko namatendera.
21כי אניות למלך הלכות תרשיש עם עבדי חורם אחת לשלוש שנים תבואנה אניות תרשיש נשאות זהב וכסף שנהבים וקופים ותוכיים׃
22Naizvozvo mambo Soromoni akakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.
22ויגדל המלך שלמה מכל מלכי הארץ לעשר וחכמה׃
23Madzimambo ose enyika aiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naMwari mumoyo make.
23וכל מלכי הארץ מבקשים את פני שלמה לשמע את חכמתו אשר נתן האלהים בלבו׃
24Mumwe nomumwe aiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuhwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.
24והם מביאים איש מנחתו כלי כסף וכלי זהב ושלמות נשק ובשמים סוסים ופרדים דבר שנה בשנה׃
25Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zvine zviuru zvina, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.
25ויהי לשלמה ארבעת אלפים אריות סוסים ומרכבות ושנים עשר אלף פרשים ויניחם בערי הרכב ועם המלך בירושלם׃
26Akabata ushe hwamadzimambo ose, kubva paRwizi kusvikira panyika yavaFirisitia, nokumuganhu weEgipita.
26ויהי מושל בכל המלכים מן הנהר ועד ארץ פלשתים ועד גבול מצרים׃
27Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.
27ויתן המלך את הכסף בירושלם כאבנים ואת הארזים נתן כשקמים אשר בשפלה לרב׃
28Vakandotorera Soromoni mabhiza paEgipita, nokunyika dzose.
28ומוציאים סוסים ממצרים לשלמה ומכל הארצות׃
29Zvino mamwe mabasa aSoromoni, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here pabhuku yomuporofita Natani, napamashoko akaporofitwa naAhiya muShironi, napane zvakaonekwa nomuoni Idho pamusoro paJerobhoami mwanakomana waNebhati?
29ושאר דברי שלמה הראשנים והאחרונים הלא הם כתובים על דברי נתן הנביא ועל נבואת אחיה השילוני ובחזות יעדי החזה על ירבעם בן נבט׃
30Soromoni akabata ushe hwevaIsiraeri vose paJerusaremu makore ana makumi mana.
30וימלך שלמה בירושלם על כל ישראל ארבעים שנה׃
31Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
31וישכב שלמה עם אבתיו ויקברהו בעיר דויד אביו וימלך רחבעם בנו תחתיו׃