Shona

Hebrew: Modern

2 Chronicles

14

1Zvino Abhija akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe, pamazuva ake nyika yakanga ino rugare makore ane gumi.
1וישכב אביה עם אבתיו ויקברו אתו בעיר דויד וימלך אסא בנו תחתיו בימיו שקטה הארץ עשר שנים׃
2Asa akaita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake.
2ויעש אסא הטוב והישר בעיני יהוה אלהיו׃
3nekuti akabvisa aritari dzoutorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shongwe, nokutemawo matanda okunamata nawo;
3ויסר את מזבחות הנכר והבמות וישבר את המצבות ויגדע את האשרים׃
4akaraira vaJudha kuti vatsvake Jehovha Mwari wamadzibaba avo, nokuchengeta murau nomurayiro.
4ויאמר ליהודה לדרוש את יהוה אלהי אבותיהם ולעשות התורה והמצוה׃
5Akabvisawo pamaguta ose avaJudha matunhu akakwirira nezvimwari zvezuva; ushe hukava norugare iye ari mambo.
5ויסר מכל ערי יהודה את הבמות ואת החמנים ותשקט הממלכה לפניו׃
6Akavaka maguta akakombwa paJudha; nekuti nyika yakanga ino rugare, akanga asina kurwa pamakore iwayo; nekuti Jehovha akanga amuzorodza.
6ויבן ערי מצורה ביהודה כי שקטה הארץ ואין עמו מלחמה בשנים האלה כי הניח יהוה לו׃
7Nekuti akati kuvaJudha: Ngativake maguta iwayo, tiapoteredze namasvingo, neshongwe, namasuwo, namazariro; nyika ichiri pamberi pedu, nekuti takatsvaka Jehovha Mwari wedu; takamutsvaka, akatizorodza pamativi ose. Ipapo vakavaka, vakagara zvakanaka.
7ויאמר ליהודה נבנה את הערים האלה ונסב חומה ומגדלים דלתים ובריחים עודנו הארץ לפנינו כי דרשנו את יהוה אלהינו דרשנו וינח לנו מסביב ויבנו ויצליחו׃
8Asa akanga ane hondo yavaJudha, vane zviuru zvina mazana matatu, vakanga vakashonga nhovo huru namapfumo; neyavaBhenjamini vane zviuru zvina mazana maviri namakumi masere, vakanga vakashonga nhovo vaifura nouta; ava vose vaiva varume vane simba noumhare.
8ויהי לאסא חיל נשא צנה ורמח מיהודה שלש מאות אלף ומבנימן נשאי מגן ודרכי קשת מאתים ושמונים אלף כל אלה גבורי חיל׃
9Zvino Zera multiopia akauya kuzorwa navo nehondo yavanhu vane zviuru zvezviuru, nengoro dzina mazana matatu; akasvika Maresha.
9ויצא אליהם זרח הכושי בחיל אלף אלפים ומרכבות שלש מאות ויבא עד מרשה׃
10Ipapo Asa akabuda kuzorwa naye, vakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha.
10ויצא אסא לפניו ויערכו מלחמה בגיא צפתה למרשה׃
11Asa akachema kuna Jehovha Mwari wake, akati, Jehovha hakuna angabatsira asine simba kurwa nounesimba, asi imwi moga; tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nekuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu. imwi Jehovha, ndimi Mwari wedu; munhu ngaarege kukukundai imi.
11ויקרא אסא אל יהוה אלהיו ויאמר יהוה אין עמך לעזור בין רב לאין כח עזרנו יהוה אלהינו כי עליך נשענו ובשמך באנו על ההמון הזה יהוה אלהינו אתה אל יעצר עמך אנוש׃
12Ipapo Jehovha akaparadza vaItiopia pamberi paAsa, napamberi pavaJudha, vaItiopia vakatiza.
12ויגף יהוה את הכושים לפני אסא ולפני יהודה וינסו הכושים׃
13Asa navanhu vaakanga anavo vakavateverera kusvikira paGerari; vaItiopia vakaurawa vazhinji, vakakoniwa kumutsiridzika; nekuti vakaparadzwa pamberi paJehovha napamberi pehondo yake vaJudha vakaenda nezvizhinji kwazvo zvavakapamba.
13וירדפם אסא והעם אשר עמו עד לגרר ויפל מכושים לאין להם מחיה כי נשברו לפני יהוה ולפני מחנהו וישאו שלל הרבה מאד׃
14Vakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nekuti vakavhunduswa naJehovha; vakapamba maguta ose, nekuti kwakanga kune zvingapambwa zvizhinji maari.
14ויכו את כל הערים סביבות גרר כי היה פחד יהוה עליהם ויבזו את כל הערים כי בזה רבה היתה בהם׃
15Vakaparadzawo matende ezvipfuwo, vakatapa makwai mazhinji nemakamera, ndokudzokera Jerusaremu.
15וגם אהלי מקנה הכו וישבו צאן לרב וגמלים וישבו ירושלם׃