Shona

Hebrew: Modern

2 Chronicles

15

1Zvino Mweya waMwari wakauya pamusoro paAzaria mwanakomana waOdhedhi;
1ועזריהו בן עודד היתה עליו רוח אלהים׃
2akabuda kundosangana naAsa, akati kwaari, Nditeererei imi, Asa navaJudha navaBhenjamini mose; Jehovha anemi, kana imwi munaye; kana mukamutsvaka achawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye achakurashawo.
2ויצא לפני אסא ויאמר לו שמעוני אסא וכל יהודה ובנימן יהוה עמכם בהיותכם עמו ואם תדרשהו ימצא לכם ואם תעזבהו יעזב אתכם׃
3Zvino nguva huru vaIsiraeri vakanga vasina Mwari wechokwadi, kana mupristi anodzidzisa, kana murayiro;
3וימים רבים לישראל ללא אלהי אמת וללא כהן מורה וללא תורה׃
4asi vakati vachitendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri pakutambudzika kwavo, nokumutsvaka, iye akawanikwa navo.
4וישב בצר לו על יהוה אלהי ישראל ויבקשהו וימצא להם׃
5Zvino nenguva iyo vaibuda novaipinda vakanga vagere panyika idzo, vaiva pakutambudzika kukuru.
5ובעתים ההם אין שלום ליוצא ולבא כי מהומת רבות על כל יושבי הארצות׃
6Vaiparadzana, rumwe rudzi ruchiparadza rumwe, rimwe guta richiparadza rimwe; nekuti Mwari aivatambudza nenhamo dzose.
6וכתתו גוי בגוי ועיר בעיר כי אלהים הממם בכל צרה׃
7Asi ivai nesimba, maoko enyu ngaarege kushaiwa simba; nekuti basa renyu richapiwa mubayiro.
7ואתם חזקו ואל ירפו ידיכם כי יש שכר לפעלתכם׃
8Zvino Asa akati achinzwa mashoko awa, nezvakaporofitiwa nomuporofita Odhedhi, ndokutsunga moyo, akabvisa zvainyangadza panyika yose yaJudha naBenjamini, napamaguta aakanga akunda panyika yamakomo yaEfuremu; akavandudza aritari yaJehovha, yakanga iri pamberi peberere raJehovha.
8וכשמע אסא הדברים האלה והנבואה עדד הנביא התחזק ויעבר השקוצים מכל ארץ יהודה ובנימן ומן הערים אשר לכד מהר אפרים ויחדש את מזבח יהוה אשר לפני אולם יהוה׃
9Ipapo akaunganidza vaJudha, navaBhenjamini vose, navatorwa vakanga vagere pakati pavo vaibva kuna Efuremu, naManase, naSimioni, nekuti vazhinji vaibva kuna Isiraeri vakauya kwaari, pakuona kwavo kuti Jehovha Mwari wake anaye.
9ויקבץ את כל יהודה ובנימן והגרים עמהם מאפרים ומנשה ומשמעון כי נפלו עליו מישראל לרב בראתם כי יהוה אלהיו עמו׃
10Naizvozvo vakaungana paJerusaremu nomwedzi wechitatu, negore regumi namashanu rokubata ushe kwaAsa.
10ויקבצו ירושלם בחדש השלישי לשנת חמש עשרה למלכות אסא׃
11Vakabayira Jehovha zuva irero zvimwe zvavakanga vapamba vakauya nazvo, zvaiti: Nzombe dzina mazana manomwe, namakwai ane zviuru zvinomwe.
11ויזבחו ליהוה ביום ההוא מן השלל הביאו בקר שבע מאות וצאן שבעת אלפים׃
12Vakazvisunga kutsvaka Jehovha Mwari wamadzibaba avo nemoyo yavo yose uye nemweya yavo yose;
12ויבאו בברית לדרוש את יהוה אלהי אבותיהם בכל לבבם ובכל נפשם׃
13uye kuti ani naani asingatsvaki Jehovha Mwari waIsiraeri aurawe, kana ari muduku kana ari mukuru, kana mukadzi kana murume.
13וכל אשר לא ידרש ליהוה אלהי ישראל יומת למן קטן ועד גדול למאיש ועד אשה׃
14Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru, nokupururudza, nehwamanda uye nemimanzi.
14וישבעו ליהוה בקול גדול ובתרועה ובחצצרות ובשופרות׃
15VaJudha vose vakafara nokupika uku; nekuti vakanga vapika nemoyo yavo yose, nokumutsvaka nokuda kwavo kose; iye akawanikwa navo; Jehovha ndokuvapa zororo kumativi ose.
15וישמחו כל יהודה על השבועה כי בכל לבבם נשבעו ובכל רצונם בקשהו וימצא להם וינח יהוה להם מסביב׃
16Akabvisawo Maaka mai vamambo Asa, pauhosi hwavo; nekuti vakanga vaitira Ashera chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachikuyakuya, ndokuchipisa parukova Kidhironi.
16וגם מעכה אם אסא המלך הסירה מגבירה אשר עשתה לאשרה מפלצת ויכרת אסא את מפלצתה וידק וישרף בנחל קדרון׃
17Asi matunhu akakwirira haana kubviswa pakati paIsiraeri; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakange wakarurama kwazvo mazuva ake ose.
17והבמות לא סרו מישראל רק לבב אסא היה שלם כל ימיו׃
18Akaisa mumba maMwari zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Mwari nababa vake, nezvakanga zvatsaurwa naiye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.
18ויבא את קדשי אביו וקדשיו בית האלהים כסף וזהב וכלים׃
19Kurwa hakuna kuzovapo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokubata ushe kwaAsa.
19ומלחמה לא היתה עד שנת שלשים וחמש למלכות אסא׃