1Zvino negore ramakumi matatu namatanhatu rokubata ushe kwaAsa, Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
1בשנת שלשים ושש למלכות אסא עלה בעשא מלך ישראל על יהודה ויבן את הרמה לבלתי תת יוצא ובא לאסא מלך יהודה׃
2Ipapo Asa akabudisa sirivha nendarama muzvivigiro zvefuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akatuma shoko kuna Bhenihadhadhi mambo weSiria, akanga agere Dhamasiko, akati,
2ויצא אסא כסף וזהב מאצרות בית יהוה ובית המלך וישלח אל בן הדד מלך ארם היושב בדרמשק לאמר׃
3Sungano iripo pakati pangu nemi, sezvayakavapo pakati pababa vangu nababa venyu; tarirai, ndinokutumirai sirivha nendarama; endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.
3ברית ביני ובינך ובין אבי ובין אביך הנה שלחתי לך כסף וזהב לך הפר בריתך את בעשא מלך ישראל ויעלה מעלי׃
4Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vakuru vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbherimaimi, namaguta ose amatura aNafutari.
4וישמע בן הדד אל המלך אסא וישלח את שרי החילים אשר לו אל ערי ישראל ויכו את עיון ואת דן ואת אבל מים ואת כל מסכנות ערי נפתלי׃
5Zvino Bhaasha akati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akarega basa rake.
5ויהי כשמע בעשא ויחדל מבנות את הרמה וישבת את מלאכתו׃
6Ipapo mambo Asa akatora vaJudha vose; vakandobvisa mabwe eRama, namatanda aro zvaakanga avaka nazvo iye Bhaasha, akavaka nazvo Gebha neMizipa.
6ואסא המלך לקח את כל יהודה וישאו את אבני הרמה ואת עציה אשר בנה בעשא ויבן בהם את גבע ואת המצפה׃
7Zvino nenguva iyo muoni Hanani akasvika kuna Asa mambo waJudha, akati kwaari, Zvawakavimba namambo weSiria, ukasavimba naJehovha Mwari wako, zvino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruoko rwako.
7ובעת ההיא בא חנני הראה אל אסא מלך יהודה ויאמר אליו בהשענך על מלך ארם ולא נשענת על יהוה אלהיך על כן נמלט חיל מלך ארם מידך׃
8Ko vaItiopia navaRubhimi vakanga vasi hondo huru-huru, vane ngoro navatasvi vamabhiza vazhinji here? Kunyange zvakadaro, zvawakavimba naJehovha, iye akavaisa muruoko rwako.
8הלא הכושים והלובים היו לחיל לרב לרכב ולפרשים להרבה מאד ובהשענך על יהוה נתנם בידך׃
9nekuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye ano moyo wakarurama kwazvo kwaari. Pachinhu ichi waita sebenzi; nekuti kubva zvino uchavingwa nokurwa.
9כי יהוה עיניו משטטות בכל הארץ להתחזק עם לבבם שלם אליו נסכלת על זאת כי מעתה יש עמך מלחמות׃
10Ipapo Asa akatsamwira muoni, akamuisa mutirongo; nekuti akanga amutsamwira kwazvo nokuda kwechinhu ichi. Nenguva iyo Asa akatambudzawo vamwe vanhu.
10ויכעס אסא אל הראה ויתנהו בית המהפכת כי בזעף עמו על זאת וירצץ אסא מן העם בעת ההיא׃
11Zvino tarirai, mabasa aAsa, okutanga nookupedzisira, akanyorwa mubhuku yamadzimambo aJudha naaIsiraeri.
11והנה דברי אסא הראשונים והאחרונים הנם כתובים על ספר המלכים ליהודה וישראל׃
12Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamwe rokubata kwake ushe, Asa akazonzwa makumbo; urwere hwake hukanyanya kwazvo; kunyange zvakadaro, paurwere hwake haana kutsvaka Jehovha, asi n'anga.
12ויחלא אסא בשנת שלושים ותשע למלכותו ברגליו עד למעלה חליו וגם בחליו לא דרש את יהוה כי ברפאים׃
13Asa akavata namadzibaba ake, akafa negore ramakumi mana nerimwe rokubata kwake ushe.
13וישכב אסא עם אבתיו וימת בשנת ארבעים ואחת למלכו׃
14Vakamuviga pamuhwiro hwake, hwaakanga azvivezera muguta raDhavhidhi, vakamuradzika panhovo dzizere nezvinonhuhwira zvamarudzi mazhinji, zvakanga zvagadzirwa navaiti vezvinonhuhwira vakangwara; vakamuvesera vira guru, guru kwazvo.
14ויקברהו בקברתיו אשר כרה לו בעיר דויד וישכיבהו במשכב אשר מלא בשמים וזנים מרקחים במרקחת מעשה וישרפו לו שרפה גדולה עד למאד׃