1Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuvunganira kwedu pamwe kwaari,
1והננו מבקשים מכם אחי על אדות ביאת אדנינו ישוע המשיח ואסיפתנו אליו׃
2kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana netsamba ino seinobva kwatiri, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.
2אשר לא תטרף דעתכם פתאם ואשר לא תבהלו לא ברוח ולא בדבור ולא באגרת כמו שלוחה מאתנו כאלו הגיע יום המשיח׃
3Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemutowo upi neupi; nekuti harisviki kana kuwa kusati kwatanga kusvika, uye kuti munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,
3אל יתעה אתכם איש בשום אופן כי לא יבא בטרם יהיה בראשונה המרד ונגלה איש החטאה בן האבדון׃
4unopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinoshumirwa; zvekuti iye saMwari unogara mutembere yaMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.
4המתקומם והמתרומם על כל הנקרא אל או עבודה עד כי גם ישב בהיכל האלהים כאלהים ומראה את עצמו כי אלהים הוא׃
5Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?
5הלא תזכרו כי בעוד היותי אתכם דברתי אלה אליכם׃
6Asi zvino munoziva chinodzivisa kuti aratidzwe munguva yake.
6ועתה ידעתם מה שימנעהו מלהגלות בעתו׃
7Nekuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda, chete uyo unodzivisa ikozvino uchadaro kusvikira achibviswa panzira.
7כי סוד הרשע כבר החל לפעל רק שיוסר מתוך המנע עד כה׃
8Ipapo iye usina murairo ucharatidzwa, iye ishe waachauraya nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;
8ואז יגלה הרשע אשר ימיתנו האדון ברוח שפתיו וישביתנו בהופעת ביאתו׃
9iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rose nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,
9את אשר יבוא כחזקת השטן ברב כח ובאתות ובמופתי שקר׃
10nekunyengera kose kwekusarurama muna avo vanoparara; nekuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.
10ובכל מרמת און באבדים תחת אשר לא קבלו את אהבת האמת להושע׃
11Uye nekuda kwaizvozvi Mwari uchavatumira simba rekukanganisa, kuti vatende nhema;
11ובעבור זאת ישלח להם האלהים מדוחי שוא להאמין בשקר׃
12kuti vose varashwe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.
12למען ידונו בל אשר לא האמינו באמת כי אם רצו בעולה׃
13Asi isu tinosungirwa kupa kuvonga kuna Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama vadikamwa vaIshe, nekuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso kubudikidza nekuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi.
13אבל אנחנו חיבים להודות לאלהים בכל עת בעבורכם אחי חביבי האדון אשר האלהים בחר בכם מראשית לישועה בקדוש הרוח ובאמונת האמת׃
14Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
14לזאת קרא אתכם בבשורתנו לנחלת כבוד אדנינו ישוע המשיח׃
15Naizvozvo, hama, mirai makasimba, mubatirire dzidziso yamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
15לכן אחי עמדו והחזיקו בקבלות אשר למדתם אם בדברנו אם באגרתנו׃
16Zvino Ishe wedu Jesu Kristu omene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka kubudikidza nenyasha,
16והוא אדנינו ישוע המשיח ואלהינו אבינו אשר אהב אתנו ויתן לנו בחסדו נחמת עולם ותקוה טובה׃
17anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko roga roga rakanaka nepabasa.
17הוא ינחם את לבבכם ויכונן אתכם בכל דבר ומעשה טוב׃