1Pauro naSirivhano naTimotio; kukereke yevaTesaronika muna Mwari baba vedu, naIshe Jesu Kristu:
1פולוס וסלונוס וטימותיוס אל קהלת התסלוניקים באלהים אבינו ובאדנינו ישוע המשיח׃
2Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
2חסד לכם ושלום מאת אלהים אבינו ואדנינו ישוע המשיח׃
3Tinosungirwa kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nekuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu kune umwe neumwe rwunowanda;
3חיבים אנחנו להודות בכל עת לאלהים עליכם אחי כראוי כי אמונתכם גדלה מאד ורבה אהבת כלכם איש לרעהו׃
4nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mukereke dzaMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu, nerutendo mukushushwa kwenyu kose nematambudziko amunotsunga maari.
4עד כי נתהלל בכם אף אנחנו בקהלות אלהים על סבלנותכם ועל אמונתכם בכל הרדיפות ובכל הלחץ אשר סבלתם׃
5Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanirwa neushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo;
5לאות צדקת משפט אלהים למען תמצאו ראוים למלכות האלהים אשר בעבורה גם תענו׃
6sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai,
6באשר צדיק האלהים לגמל לחץ ללחציכם׃
7uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu, achibva kudenga nevatumwa vesimba rake,
7ולכם הנלחצים רוחה אתנו יחד בהגלות האדון ישוע מן השמים עם מלאכי עזו׃
8mumurazvo wemoto achitsiva avo vasingazivi Mwari, nevasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu;
8באש להבה להשיב נקם לאשר לא ידעו את האלהים ולא שמעו לבשורת אדנינו ישוע המשיח׃
9ivo vacharangwa nekuparadzwa kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake,
9אשר ישאו משפט אבדן עולם מאת פני האדון ומהדר גאונו׃
10kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vose vanotenda; (nekuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro.
10בבאו ביום ההוא להכבד בקדשיו ולהתפלא בכל המאמינים כי האמנתם לעדותנו אליכם׃
11Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu akuverengei semakafanirwa nekudamwa uye azadzise kuda kose kwakanaka kweunaku hwake nebasa rerutendo nesimba;
11לכן גם נתפלל בעדכם בכל עת אשר יתן אתכם אלהינו ראוים אל אשר אתם מקראים וימלא בעז כל חפצכם בטוב וכל מעשה אמונתכם׃
12kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.
12למען יכבד בכם שם ישוע אדנינו ואתם תכבדו בו על פי חסד אלהינו ואדנינו ישוע המשיח׃