Shona

Hebrew: Modern

Hebrews

1

1Mwari iye wataura kare nenzira dzakasiyana siyana kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,
1האלהים אשר דבר מקדם פעמים רבות ובפנים שנים אל אבתינו ביד הנביאים דבר אלינו באחרית הימים האלה ביד בנו׃
2pamazuva ekupedzisira akataura kwatiri muMwanakomana wake, waakagadza mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika,
2אשר נתנו ליורש כל וגם עשה בידו את העולמות׃
3iye ari kupenya chekubwinya, nemufananidzo wake chaiwo, uye achitakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati anatsa pachake zvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweumambo hwuri kudenga,
3והוא זהר כבודו וצלם ישותו ונושא כל בדבר גבורתו ואחרי עשתו בנפשו טהרת חטאתינו ישב לימין הגדלה במרומים׃
4apfuudzwa zvikuri vatumwa, sezvo akanga awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo,
4ויגדל מאד מן המלאכים כאשר השם אשר נחלו יקר הוא משלהם׃
5Nekuti ndekune upi mutumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? uyezve: Ndichava kwaari Baba, uye iye uchava kwandiri Mwanakomana?
5כי אל מי מן המלאכים אמר מעולם בני אתה אני היום ילדתיך ועוד אני אהיה לו לאב והוא יהיה לי לבן׃
6Uye, kana achiuyisazve dangwe panyika, unoti: Nevatumwa vose vaMwari ngavamunamate.
6ובהביאו את הבכור שנית לעולם אמר והשתחוו לו כל מלאכים אלהים׃
7Nepamusoro pevatumwa unoti: Unoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;
7הן על המלאכים הוא אמר עשה מלאכיו רוחות משרתיו אש להט׃
8Asi kuMwanakomana unoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri, tsvimbo yekururama ndiyo tsvimbo yeushe hwenyu.
8אך על הבן אמר כסאך אלהים עולם ועד שבט מישר שבט מלכותך׃
9Imwi makada kururama, mukavenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.
9אהבת צדק ותשנא רשע על כן משחך אלהים אלהיך שמן ששון מחבריך׃
10Uye kuti: Imwi, Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;
10ועוד אתה אדני לפנים הארץ יסדת ומעשה ידיך שמים׃
11achaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye ose achasakara senguvo;
11המה יאבדו ואתה תעמד וכלם כבגד יבלו׃
12uye sechipfeko, muchaapeta senguwo, uye achashandurwa; Asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.
12כלבוש תחליפם ויחלפו ואתה הוא ושנותיך לא יתמו׃
13Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
13ואל מי מן המלאכים אמר מעולם שב לימיני עד אשית איביך הדם לרגליך׃
14Ko havazi vose mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwavachazodya nhaka yeruponeso here?
14הלא הם כלם רוחות השרת שלוחים לעזרה בעד העתידים לרשת את הישועה׃