1Naizvozvo tichisiya zviga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzerera, tisingaisizve nheyo dzekutendeuka kubva pamabasa akafa, nedzekutenda kuna Mwari,
1על כן בעזב כעת ראשית דבר המשיח נעבר אל השלמות ולא נשוב לשית יסודי התשובה ממעשי מות והאמונה באלהים׃
2nedzedzidziso dzebhabhatidzo, nedzekuisa maoko, nedzekumuka kwevakafa, nedzekutonga kusingaperi.
2ותורת הטבילות וסמיכת ידים ותחית המתים והדין הנצחי׃
3Uye izvi tichazviita, kana Mwari achitendera.
3ואת זאת נעשה אם יתן האל׃
4Nekuti hazvigoni kune avo vakambovhenekerwa, vakaravira zvechipo chekudenga, vakava vagovani veMweya Mutsvene,
4כי אלה אשר נגה עליהם האור וטעמו ממתנת השמים ונתן להם חלקם ברוח הקדש׃
5vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya,
5וטעמו את דבר אלהים הטוב וכחות העולם הבא וימעלו מעל׃
6uye vakazotsauka ivo vose kuti vavandudzirwezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.
6נמנעו מהתחדש עוד לתשובה כי צלבו להם מחדש את בן האלהים ויתנוהו למשל׃
7Nekuti nyika iyo inomwa pamvura inogaronaya pamusoro payo, ichibereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, ndiyo inoropafadzwa naMwari;
7כי האדמה השותה את הגשם הירד עליה למכביר ומוציאה עשב טוב לעבדיה תשא ברכה מאת האלהים׃
8asi iyo inobereka mhinzwa nerukato inorambwa, yava pedo nerushambwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
8ואשר תוציא קוץ ודרדר נמאסה היא וקרובה למארה וסופה להשרף׃
9Asi vadiwa, tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi.
9אמנם ידידי מבטחים אנחנו בכם טבות מאלה וקרבות לישועה אף כי דברנו כזאת׃
10Nekuti Mwari haazati ari usakarurama kuti akangangamwe basa renyu nebasa guru rerudo rwamakaratidza kuzita rake, zvamakashumira vatsvene uye muchiri kungovashumira.
10כי האלהים לא יעות צדק לשכח את מעשיכם ואת עמל אהבתכם אשר הראיתם לשמו ששרתם ועודכם משרתים את הקדשים׃
11Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.
11אבל חפצנו שכל אחד מכם גם ישקד שקוד להחזיק בשלמות התקוה עד הקץ׃
12Kuti murege kuva simbe, asi vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa kubudikidza nerutendo nemoyo murefu.
12שלא תעצלו כי אם תלכו בעקבות היורשים באמונה וארך רוח את ההבטחות׃
13Nekuti Mwari paakaita chitsidzo kuna Abhurahamu, nekuti wakange asina mukuru kwaari waangapika naye, wakapika naiye amene,
13כי בהבטיח אלהים את אברהם נשבע בנפשו יען אשר אין גדול ממנו להשבע בו׃
14achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.
14ויאמר כי ברך אברכך והרבה ארבה אותך׃
15Nekudaro, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso.
15ויהי בהאריך נפשו השיג את ההבטחה׃
16Nekuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari; nemhiko yekusimbisa kwavari kuguma kwegakava rose.
16בני האדם ישבעו בגדול מהם והשבועה להם קץ כל ערעור לקיום הדבר׃
17Pakazoti Mwari achida zvikuru kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakasimbisa nokupika,
17על כן כאשר רצה האלהים להראות ביותר את ירשי ההבטחה כי לא תשתנה עצתו ערב אתה בשבועה׃
18kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingabviri kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu, takatiza kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu;
18למען על פי שני דברים בלתי משתנים אשר חלילה לאלהים לשקר בם יהיה לנו אשר נסנו עליו זרוז גדול לאחז בתקוה הנתונה לפנינו׃
19yatinayo sehaka yeMweya zvose isingazununguswi yakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri;
19אשר היא לנפשנו לעוגין נכון וחזק ומגיע אל מבית לפרכת׃
20pakapinda nhungamiri nekuda kwedu, iye Jesu wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.
20אשר בא שמה ישוע העבר לפנינו ויהי כהן גדול לעולם על דברתי מלכי צדק׃