Shona

Hebrew: Modern

Hebrews

7

1Nekuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahamu achidzoka kubva kunoponda madzimambo, akamuropafadza,
1כי זה מלכי צדק מלך שלם כהן לאל עליון אשר יצא לקראת אברהם בשובו מהכות את המלכים ויברכהו׃
2Abhurahamu wakapawo kwaari chegumi chezvose; iye pakutanga ari nekududzirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremi, ndokuti mambo werugare;
2ואשר חלק לו אברהם מעשר מכל שמו יפרש מלך הצדק ועוד מלך שלם הוא מלך השלום׃
3asina baba, asina mai, asina dzinza, asina mavambo amazuva, kana kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, unogara ari mupristi nekusingaperi.
3באין אב באין אם באין יחש ולימיו אין תחלה ולחייו אין סוף כי אם נדמה לבן האלהים הוא עומד בכהנתו לנצח׃
4Zvino rangarirai kuti kukura kwakadini kweuyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.
4ראו עתה מה גדול הוא אשר גם אברהם אבינו נתן לו מעשר מראשית השלל׃
5Zvino zvirokwazvo avo vari vanakomana vaRevhi, vakagamuchira basa reupristi, vane murairo wekutora chegumi kuvanhu, zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahamu;
5הן אלה מבני לוי אשר נחלי את הכהנה יש להם חק על פי התורה לקחת את המעשרות מן העם מן אחיהם אשר אף הם יצאי ירך אברהם׃
6asi iye dzinza rake risina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kubva kuna Abhurahamu akamuropafadza iye wakange ane zvivimbiso.
6ואשר איננו מתיחש למשפחתם הוא לקח את המעשר מן אברהם ויברך את אשר היתה לו ההבטחה׃
7Zvino pasina kupikisa kose, muduku unoropafadzwa nemukuru.
7והנה נכון הדבר כי הקטן יברך על ידי הגדול ממנו׃
8Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo agamuchira uyo unopupurirwa kuti mupenyu.
8ופה בני אדם שימותו לקחים את המעשר אבל שם לקחו מי שהועד עליו כי הוא חי׃
9Zvino kunganzi, Revhiwo unogamuchira zvegumi iyewo wakapa zvegumi muna Abhurahamu;
9ויתכן לומר כי גם לוי הלקח את המעשרות היה מעשר בעשר אברהם׃
10Nekuti wakange achiri muchiuno chababa vake, apo Merikizedheki akamuchingamidza.
10כי עוד בירך האב היה בצאת מלכי צדק לקראתו׃
11Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hweRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu vakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei wenhevedzo yerudzi rwaMerikizedheki, asingaidzwi wenhevedzo yerudzi rwaAroni?
11על כן אלו היתה שלמות על ידי כהנת בני לוי אשר בה נתנה התורה לעם למה זה צריך לקום עוד כהן אחר על דברתי מלכי צדק ולא יאמר על דברתי אהרן׃
12Nekuti kana upristi hwuchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.
12כי בהשתנות הכהנה מן הצרך שתשתנה גם התורה׃
13Nekuti iye unorehwa zvinhu izvi pamusoro pake wakange ari werumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobata basa paaritari.
13כי אשר מדבר בו כזאת הוא משבט אחר אשר מעולם לא שרת איש ממנו את המזבח׃
14Nekuti zvinoonekwa pachena kuti Ishe wedu wakabva kuna Judha; irwo rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura chinhu pamusoro parwo maererano neupristi.
14כי גלוי לכל אשר אדנינו זרח מיהודה מן השבט אשר משה לא דבר אליו דבר על הכהנה׃
15Izvi zvinoratidzwawo pachena kwazvo, kana kuchimuka mumwe mupristi wakafanana naMerikizedheki,
15ועוד יותר ברור הוא אם יוקם על דמיון מלכי צדק כהן אחר׃
16wakaitwa, kwete nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nesimba reupenyu hwusingaperi.
16אשר איננו על פי חקת בשר ודם אלא על פי כח חיים בלתי נפסקים׃
17Nekuti iye unopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.
17כי העיד עליו אתה כהן לעולם על דברתי מלכי צדק׃
18Nekuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakaitwa nekuda kweutera hwawo, uye nekuti hauna maturo;
18בעבור כי המצוה הקדמת הוסרה בהיותה חלושה וקצרת יד מהועיל׃
19Nekuti murairo hauna kuperedzera chinhu, asi kuuyisa tariro inopfuura pakunaka, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
19כי התורה לא השלימה דבר והנה נכנסה במקומה תקוה טובה ממנה אשר נקרב על ידה לאלהים׃
20uye, zvaasina kuitwa pasina mhiko;
20וכפי אשר לא היתה זאת בלי שבועה׃
21(nekuti ivo vakaitwa vapristi pasina mhiko, asi uyu nemhiko, naiye wakati kwaari: Ishe wakapika, uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki);
21כי המה נתכהנו בלי שבועה וזה בשבועה על ידי האמר לו נשבע יהוה ולא ינחם אתה כהן לעולם על דברתי מלכי צדק׃
22Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuura pakunaka.
22גם הברית טובה ויתרה היא אשר ישוע ערב אותה׃
23Ivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nekuti havana kutenderwa kugara nekusingaperi nechikonzero cherufu.
23ושם נתכהנו רבים מפני אשר המות לא הניחם להותר בארץ׃
24Asi uyu nekuti unogara nekusingaperi une upristi hwusingapfuuriri.
24אבל זה בעמדו לעולם יש לו כהנה אשר לא תעבר ממנו׃
25Naizvozvo une simbawo rekuponesa kwakaperedzerwa avo vanouya kuna Mwari naye, zvaanongoraramira kuvareverera nekusingaperi.
25אשר על כן יוכל גם להושיע בכל וכל את הנגשים על ידו לאלהים כי חי הוא תמיד להפגיע בעדם׃
26Nekuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, usina chakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;
26כי נאוה לנו כהן כזה שהוא חסיד ותמים וטהור ונבדל מן החטאים ונשא מהשמים׃
27usingatsvaki zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru kubayira pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure zvevanhu; nekuti wakaita izvozvi kamwe, zvikapera, paakazvibayira iye.
27אשר איננו צריך יום יום ככהנים הגדולים ההם להקריב בראשונה על חטאתיו ואחרי כן על חטאת העם כי זאת עשה בפעם אחת בהקריבו את נפשו׃
28Nekuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakapedzeredzwa nekusingaperi.
28כי התורה העמידה לכהנים גדולים בני אדם חלשים אבל דבר השבועה הבאה אחרי התורה העמיד את הבן המשלם לעולם׃