1Zvino rimwe zuvazve vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo, akamira pamberi paJehovha.
1ויהי היום ויבאו בני האלהים להתיצב על יהוה ויבוא גם השטן בתכם להתיצב על יהוה׃
2Jehovha akati kuna Satani, Wabvepiko? Satani akapindura Jehovha, akati, Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.
2ויאמר יהוה אל השטן אי מזה תבא ויען השטן את יהוה ויאמר משט בארץ ומהתהלך בה׃
3Jehovha akati kuna Satani, Wacherekedza muranda wangu Jobho here? nekuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka.
3ויאמר יהוה אל השטן השמת לבך אל עבדי איוב כי אין כמהו בארץ איש תם וישר ירא אלהים וסר מרע ועדנו מחזיק בתמתו ותסיתני בו לבלעו חנם׃
4Satani akapindura Jehovha, akati, Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu angazviisira upenyu hwake.
4ויען השטן את יהוה ויאמר עור בעד עור וכל אשר לאיש יתן בעד נפשו׃
5Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mafupa ake nenyama yake, ipapo achakushorai pachena.
5אולם שלח נא ידך וגע אל עצמו ואל בשרו אם לא אל פניך יברכך׃
6Jehovha akati kuna Satani, Tarira, iye ari paruoko rwako; asi koga urege upenyu hwake.
6ויאמר יהוה אל השטן הנו בידך אך את נפשו שמר׃
7Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha, akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.
7ויצא השטן מאת פני יהוה ויך את איוב בשחין רע מכף רגלו עד קדקדו׃
8Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho; akagara pasi pakati pamadota.
8ויקח לו חרש להתגרד בו והוא ישב בתוך האפר׃
9Ipapo mukadzi wake akati kwaari, Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.
9ותאמר לו אשתו עדך מחזיק בתמתך ברך אלהים ומת׃
10Asi iye akati kwaari, Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi matununu. Tingagamuchira zvakanakacheteparuoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here? Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.
10ויאמר אליה כדבר אחת הנבלות תדברי גם את הטוב נקבל מאת האלהים ואת הרע לא נקבל בכל זאת לא חטא איוב בשפתיו׃
11Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza.
11וישמעו שלשת רעי איוב את כל הרעה הזאת הבאה עליו ויבאו איש ממקמו אליפז התימני ובלדד השוחי וצופר הנעמתי ויועדו יחדו לבוא לנוד לו ולנחמו׃
12Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguvo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.
12וישאו את עיניהם מרחוק ולא הכירהו וישאו קולם ויבכו ויקרעו איש מעלו ויזרקו עפר על ראשיהם השמימה׃
13Ipapo vakagara pasi naye mazuva manomwe nousiku hunomwe; asi hakuna nomumwe akataura naye kunyange shoko rimwe; nekuti vakaona kuti njodzi yake yakanga iri huru kwazvo.
13וישבו אתו לארץ שבעת ימים ושבעת לילות ואין דבר אליו דבר כי ראו כי גדל הכאב מאד׃