1Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati,
1ויען איוב את יהוה ויאמר׃
2Ndinoziva kuti imwi munogona kuita zvose, Uye kuti hakuna chamunovavarira chingadziviswa.
2ידעת כי כל תוכל ולא יבצר ממך מזמה׃
3Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo? Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, Zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.
3מי זה מעלים עצה בלי דעת לכן הגדתי ולא אבין נפלאות ממני ולא אדע׃
4Chidonzwai henyu, nditaure ini, Ndichakubvunzai, imwi mundidudzire.
4שמע נא ואנכי אדבר אשאלך והודיעני׃
5Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; Asi zvino ziso rangu rinokuonai,
5לשמע אזן שמעתיך ועתה עיני ראתך׃
6Saka ndinozvisema, nokuzvidemba Muguruva namadota.
6על כן אמאס ונחמתי על עפר ואפר׃
7Zvino Jehovha akati ataura mashoko iwayo kuna Jobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani, Ndakatsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nekuti imwi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu sezvakaita muranda wangu Jobho.
7ויהי אחר דבר יהוה את הדברים האלה אל איוב ויאמר יהוה אל אליפז התימני חרה אפי בך ובשני רעיך כי לא דברתם אלי נכונה כעבדי איוב׃
8Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nekuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi bwenyu; nekuti imwi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.
8ועתה קחו לכם שבעה פרים ושבעה אילים ולכו אל עבדי איוב והעליתם עולה בעדכם ואיוב עבדי יתפלל עליכם כי אם פניו אשא לבלתי עשות עמכם נבלה כי לא דברתם אלי נכונה כעבדי איוב׃
9Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha, Jehovha akagamuchira Jobho.
9וילכו אליפז התימני ובלדד השוחי צפר הנעמתי ויעשו כאשר דבר אליהם יהוה וישא יהוה את פני איוב׃
10Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.
10ויהוה שב את שבית איוב בהתפללו בעד רעהו ויסף יהוה את כל אשר לאיוב למשנה׃
11Ipapo vanin'ina vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.
11ויבאו אליו כל אחיו וכל אחיתיו וכל ידעיו לפנים ויאכלו עמו לחם בביתו וינדו לו וינחמו אתו על כל הרעה אשר הביא יהוה עליו ויתנו לו איש קשיטה אחת ואיש נזם זהב אחד׃
12Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe.
12ויהוה ברך את אחרית איוב מראשתו ויהי לו ארבעה עשר אלף צאן וששת אלפים גמלים ואלף צמד בקר ואלף אתונות׃
13Akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.
13ויהי לו שבענה בנים ושלוש בנות׃
14Akatumidza wokutanga zita rinonzi Jemima, nowechipiri zita rinonzi Kezia, nowechitatu zita rinonzi Kerenihapuki.
14ויקרא שם האחת ימימה ושם השנית קציעה ושם השלישית קרן הפוך׃
15Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka pazviso zvavo vakapfuurawo vakunda vaJobho baba vavo vakapawo nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.
15ולא נמצא נשים יפות כבנות איוב בכל הארץ ויתן להם אביהם נחלה בתוך אחיהם׃
16Shure kwaizvozvo Jobho akazogara makore ane zana namakumi mana, akaona vanakomana vake, navanakomana vavanakomana vake, kusvikira pamarudzi mana.
16ויחי איוב אחרי זאת מאה וארבעים שנה וירא את בניו ואת בני בניו ארבעה דרות׃
17Zvino Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.
17וימת איוב זקן ושבע ימים׃