1Zvino nezuva retatu kwakava nemuchato muKana yeGarirea; namai vaJesu vakange varipo.
1וביום השלישי היתה חתנה בקנה אשר בגליל ואם ישוע היתה שם׃
2NaJesuwo wakange akokwa pamwe nevadzidzi vake kumuchato.
2וישוע ותלמידיו היו גם הם קרואים אל החתנה׃
3Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.
3ויחסר היין ותאמר אם ישוע אליו יין אין להם׃
4Jesu akati kwavari: Mukadzi, ndinei newe? Nguva yangu haisati yasvika.
4ויאמר אליה ישוע מה לי ולך אשה עתי עדין לא באה׃
5Mai vake vakati kuvaranda: Chipi nechipi chaanokuudzai, itai.
5ותאמר אמו אל המשרתים ככל אשר יאמר לכם תעשו׃
6Zvino kwakange kwakaiswapo zvirongo zvitanhatu zvemabwe semanatsiro emaJudha, chimwe nechimwe chaipinda zviyero zviviri kana zvitatu.
6והנה ששה כדי אבן ערוכים שם כמשפט היהודים לטהרתם שתים או שלש בתים יכיל כל אחד׃
7Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamuromo.
7ויאמר אליהם ישוע מלאו לכם הכדים מים וימלאום עד למעלה׃
8Ndokubva ati kwavari: Cherai ikozvino, mutakurire kumubati wechikafu. Vakazvitakura.
8ויאמר שאבו נא והביאו אל רב המסבה ויביאו׃
9Mubati wechikafu wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi kwainobva (asi varanda vakange vachera mvura vaiziva), mubati wechikafu akadana muwani,
9ויטעם רב המסבה את המים אשר נהפכו ליין ולא ידע מאין הוא ואולם המשרתים אשר שאבו את המים ידעו ויקרא רב המסבה אל החתן׃
10ndokuti kwaari: Munhu umwe neumwe pakutanga unopa waini yakanaka, kana vanyatsomwa, isina kunyatsonaka; iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
10ויאמר אליו כל איש יתן בראשונה את היין הטוב וכאשר ישכרו יתן להם את הגרוע ואתה צפנת היין הטוב עד עתה׃
11Uku kutanga kwezviratidzo kwakaita Jesu paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
11זאת תחלת האתות אשר עשה ישוע בקנה אשר בארץ הגליל וגלה את כבודו ויאמינו בו תלמידיו׃
12Shure kweizvozvo wakaburukira Kapenaume, iye, namai vake, nevanin'ina vake, nevadzidzi vake; vakagarako mazuva asiri mazvinji.
12ויהי אחרי כן וירד אל כפר נחום הוא ואמו ואחיו ותלמידיו ולא ארכו ימי שבתם שם׃
13Zvino pasika yevaJudha yakange yaswedera, Jesu ndokukwira kuJerusarema.
13ויקרבו ימי חג הפסח אשר ליהודים ויעל ישוע ירושלים׃
14Akawanawo mutembere avo vanotengesa nzombe nemakwai nenjiva, nevatsinhanisi vemari vagere.
14וימצא במקדש מכרי בקר וצאן ובני יונה ואת מחליפי כסף ישבים שם׃
15Zvino wakati aita tyava yerwonzi, akavadzinga vose mutembere, nemakwai nemombe; akateura mari yevatsinhanisi, ndokupidigura matafura.
15ויקח חבלים ויעבתם לשוט ויגרש כלם מן המקדש ואת הצאן ואת הבקר ויפזר את מעות השלחנים ויהפך שלחנתיהם׃
16Akati kune vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yekutengeserana.
16ואל מכרי היונים אמר הוציאו אלה מזה ואל תעשו את בית אבי לבית מסחר׃
17Vadzidzi vake ndokurangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kwandidya kukandipedza.
17ויזכרו תלמידיו את הכתוב כי קנאת ביתך אכלתני׃
18Naizvozvo vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Unotiratidza chiratidzo chei, chekuti unoita zvinhu izvi?
18ויענו היהודים ויאמרו אליו אי זו אות תראנו כי כזאת אתה עשה׃
19Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.
19ויען ישוע ויאמר אליהם הרסו את ההיכל הזה ובשלשה ימים אקימנו׃
20Naizvozvo vaJudha vakati: Makore makumi mana nematanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa nemazuva matatu here?
20ויאמרו היהודים הנה זה ארבעים ושש שנה נבנה ההיכל הזה ואתה בשלשה ימים תקימנו׃
21Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake.
21והוא דבר על היכל גויתו׃
22Naizvozvo wakati amuka kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira kuti wakange areva izvi kwavari; ndokutenda magwaro, neshoko Jesu rakange areva.
22ואחרי קומו מן המתים זכרו תלמידיו כי זאת אמר להם ויאמינו בכתוב ובדבר אשר דבר ישוע׃
23Zvino wakati ava muJerusarema papasika, pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita.
23ויהי בהיתו בירושלים בחג הפסח האמינו רבים בשמו כי ראו האתות אשר עשה׃
24Asi Jesu pachake haana kuzvikumikidza kwavari, nekuti wakange achivaziva vose.
24והוא ישוע לא הפקיד את עצמו בידם על אשר ידע את כלם׃
25Uye nekuti wakange asingatsvaki kuti ani nani apupure zvemunhu; nekuti wakange achiziva pachake zvakange zviri mumunhu.
25ולא הצטרך לעדות איש על האדם כי הוא ידע מה בקרב האדם׃