Shona

Hebrew: Modern

John

3

1Kwaiva nemunhu wekuvaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri wevaJudha.
1ויהי איש אחד בתוך הפרושים ושמו נקדימון שר ליהודים׃
2Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nekuti hakuna unogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye.
2ויבא אל ישוע לילה ויאמר אליו רבי ידענו כי אתה מורה מאת אלהים באת כי לא יוכל איש לעשות האתות אשר אתה עשה בלתי אם האלהים עמו׃
3Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari.
3ויען ישוע ויאמר אליו אמן אמן אני אמר לך אם לא יולד איש מלמעלה לא יוכל לראות מלכות האלהים׃
4Nikodhimo akati kwaari: Munhu unogona kuberekwa sei ava mukuru? Ungapinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?
4ויאמר אליו נקדימון איך יולד אדם והוא זקן הכי שוב ישוב אל בטן אמו ויולד׃
5Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari.
5ויען ישוע אמן אמן אני אמר לך אם לא יולד איש מן המים והרוח לא יוכל לבוא אל מלכות האלהים׃
6Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya.
6הנולד מן הבשר בשר הוא והנולד מן הרוח רוח הוא׃
7Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva.
7אל תתמה על אמרי לך כי עליכם להולד מלמעלה׃
8Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wose wakaberekwa neMweya.
8הרוח באשר יחפץ שם הוא נשב ואתה תשמע את קולו אך לא תדע מאין בא ואנה הוא הולך כן כל הנולד מן הרוח׃
9Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei?
9ויען נקדימון ויאמר אליו איכה תהיה כזאת׃
10Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here?
10ויען ישוע ויאמר אליו רבן של ישראל אתה וזאת לא ידעת׃
11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu.
11אמן אמן אני אמר לך כי את אשר ידענו נדבר ואת אשר ראינו נעיד ואתם לא תקבלו עדותנו׃
12Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga?
12אם אמרתי אליכם דברי הארץ ואינכם מאמינים איך תאמינו באמרי אליכם דברי השמים׃
13Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu uri kudenga.
13ואיש לא עלה השמימה בלתי אם אשר ירד מן השמים בן האדם אשר הוא בשמים׃
14Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu unofanira kusimudzwa;
14וכאשר הגביה משה את הנחש במדבר כן צריך בן האדם להנשא׃
15kuti ani nani unotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu hwusingaperi.
15למען לא יאבד כל המאמין בו כי אם יחיה חיי עולמים׃
16Nekuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu hwusingaperi.
16כי ככה אהב האלהים את העולם עד אשר נתן את בנו את יחידו למען לא יאבד כל המאמין בו כי אם יחיה חיי עולמים׃
17Nekuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye.
17כי האלהים לא שלח את בנו אל העולם לדין את העולם כי אם למען יושע בו העולם׃
18Unotenda kwaari haapiwi mhosva; asi usingatendi watopiwa mhoswa, nekuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe woga.
18המאמין בו לא ידון ואשר לא יאמין בו כבר נדון כי לא האמין בשם בן האלהים היחיד׃
19Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nekuti mabasa avo akange akaipa.
19וזה הוא הדין כי האור בא אל העולם ובני האדם אהבו החשך מן האור כי רעים מעשיהם׃
20Nekuti umwe neumwe unoita zvakaipa unovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa.
20כי כל פעל עולה ישנא את האור ולא יבא לאור פן יוכחו מעשיו׃
21Asi unoita chokwadi unouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.
21אבל עשה האמת יבא לאור למען יגלו מעשיו כי נעשו באלהים׃
22Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo uye akabhabhatidza.
22ויהי אחרי הדברים האלה ויבא ישוע ותלמידיו אל ארץ יהודה ויגר שם עמהם ויטבל׃
23NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nekuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa.
23וגם יוחנן היה טבל בעינון קרוב לשלם כי שמה מים לרב ויבאו ויטבלו׃
24Nekuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo.
24כי עוד לא נתן יוחנן אל בית הסהר׃
25Zvino gakava rikamuka pakati pevadzidzi vaJohwani nevaJudha pamusoro pekuchenura.
25ויהי ריב בין תלמידי יוחנן ובין היהודים על דבר הטהרה׃
26Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye unobhabhatidza, uye vanouya kwaari vose.
26ויבאו אל יוחנן ויאמרו אליו רבי האיש אשר היה עמך בעבר הירדן ואשר העידת לו הנו טבל וכלם באים אליו׃
27Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga.
27ויען יוחנן לא יוכל איש לקחת דבר בלתי אם נתן לו מן השמים׃
28Imwi mumene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake.
28ואתם עדי כי אמרתי אנכי אינני המשיח רק שלוח אני לפניו׃
29Uyo une mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa.
29אשר לו הכלה הוא החתן ורע החתן העמד ושמע אתו שמוח ישמח לקול החתן הנה שמחתי זאת עתה שלמה׃
30Iye unofanira kukura, asi ini kudukupa.
30הוא יגדל הלוך וגדל ואני אחסר הלוך וחסור׃
31Unobva kumusoro uri pamusoro pezvose. Unobva panyika unobva panyika, uye unotaura achibva panyika; unobva kudenga uri pamusoro pezvose.
31הבא ממעל נעלה על כל ואשר מארץ מארץ הוא ומארץ ידבר הבא משמים נעלה על כל׃
32Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu unogamuchira uchapupu hwake.
32ואת אשר ראה ושמע את זאת יעיד ואין מקבל עדותו׃
33Unogamuchira uchapupu hwake unoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi.
33ואשר קבל עדותו חתום חתם כי האלהים אמת׃
34Nekuti uyo Mwari waakatuma, unotaura mashoko aMwari; nekuti Mwari unopa Mweya kwete nechiyero.
34כי את אשר שלחו אלהים דברי אלהים ידבר כי לא במדה נתן אלהים את הרוח׃
35Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvose muruoko rwake.
35האב אהב את בנו ואת כל נתן בידו׃
36Iye unotenda kuMwanakomana une upenyu hwusingaperi; asi iye usingatendi Mwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
36כל המאמין בבן יש לו חיי עולמים ואשר לא יאמין בבן לא יראה חיים כי אם חרון אלהים ישכן עליו׃