Shona

Hebrew: Modern

John

4

1Naizvozvo Ishe pakaziva kuti vaFarisi vakange vanzwa kuti Jesu unoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,
1ויהי כאשר נודע לאדון כי שמעו הפרושים אשר ישוע העמיד והטביל תלמידים הרבה מיוחנן׃
2kunyange Jesu pachake wakange asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,
2ואולם ישוע הוא לא הטביל כי אם תלמידיו׃
3akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.
3ויעזב את ארץ יהודה וילך שנית הגלילה׃
4Asi wakange achifanira kugura neSamaria.
4ויהי לו לעבר בארץ שמרון׃
5Zvino wakasvika paguta reSamaria rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raakange apa mwanakomana wake Josefa.
5ויבא לעיר מערי שמרון ושמה סוכר היא ממול חלקת השדה אשר נתנה יעקב לבנו ליוסף׃
6Zvino chitubu chaJakobho chakange chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo patsime. Raiva awa rinenge rechitanhatu.
6ושם באר יעקב וישוע היה עיף מן הדרך וישב לו על הבאר והעת כשעה הששית׃
7Kwakasvika mukadzi achibva Samaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndimwe.
7ותבא אשה משמרון לשאב מים ויאמר אליה ישוע תני נא לי לשתות׃
8(Nokuti vadzidzi vake vakange vaenda muguta kunotenga chikafu).
8כי תלמידיו הלכו העירה לקנות אכל׃
9Naizvozvo mukadzi muSamaria wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kumwa kwandiri, mukadzi muSamaria? Nekuti vaJudha havadyidzani nevaSamaria.
9ותאמר אליו האשה השמרונית הן יהודי אתה ואיככה תשאל ממני לשתות ואנכי אשה שמרונית כי לא יתערבו היהודים עם השמרונים׃
10Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani unoti kwauri: Ndipe ndimwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.
10ויען ישוע ויאמר אליה לו ידעת את מתת אלהים ומי הוא האמר אליך תני נא לי לשתות כי עתה שאלת ממנו ונתן לך מים חיים׃
11Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munowanepi mvura mhenyu?
11ותאמר אליו האשה אדני הן אין לך כלי לשאב בו והבאר עמקה ומאין לך אפוא מים חיים׃
12Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakamwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?
12האתה גדול מיעקב אבינו אשר נתן לנו את הבאר הזאת וישת ממנה הוא ובניו ובעירו׃
13Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani unomwa pamvura iyi, uchava nenyotazve;
13ויען ישוע ויאמר אליה כל השתה מן המים האלה ישוב ויצמא׃
14asi ani nani unomwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu hwusingaperi.
14ואשר ישתה מן המים אשר אנכי נתן לו לא יצמא לעולם כי המים אשר אתן לו יהיו בקרבו למקור מים נבעים לחיי העולמים׃
15Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.
15ותאמר אליו האשה אדני תנה לי המים ההם למען לא אצמא עוד ולא אוסיף לבוא הנה לשאב׃
16Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.
16ויאמר אליה ישוע לכי וקראי לאישך ושובי הלום׃
17Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.
17ותען האשה ותאמר אין לי איש ויאמר אליה ישוע כן דברת אין לי איש׃
18Nekuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haazi murume wako; apa wareva chokwadi.
18כי בעלים חמשה היו לך ואשר לך עתה איננו בעלך לכן אמת הדבר אשר דברת׃
19Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.
19ותאמר אליו האשה אדני ראה אנכי כי נביא אתה׃
20Madzibaba edu aishumira mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo mune nzvimbo munhu yaanofanira kushumirapo.
20אבותינו השתחוו בהר הזה ואתם אמרים כי ירושלים היא המקום הנבחר להשתחות שמה׃
21Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.
21ויאמר אליה ישוע אשה האמיני לי כי תבוא שעה אשר לא בהר הזה אף לא בירושלים תשתחוו לאב׃
22Imwi munoshumira chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nekuti ruponeso runobva kuvaJudha.
22אתם משתחוים אל אשר לא ידעתם ואנחנו משתחוים אל אשר ידענו כי הישועה מן היהודים היא׃
23Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vashumiri vechokwadi vachashumira Baba mumweya nemuchokwadi; nekutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vamushumire.
23אולם תבוא שעה ועתה היא אשר עבדי אל האמתים ישתחוו לאב ברוח ובאמת כי במשתחוים כאלה חפץ האב׃
24Mwari Mweya; neavo vanomushumira vanofanira kushumira mumweya nemuchokwadi.
24האלהים רוח הוא והמשתחוים לו צריכים להשתחות ברוח ובאמת׃
25Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unouya unonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvinhu zvose.
25ותאמר אליו האשה ידעתי כי יבא המשיח הנקרא כריסטוס הוא בבאו יגיד לנו את כל׃
26Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.
26ויאמר אליה ישוע אני הוא המדבר אליך׃
27Zvino nenguva iyoyo vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti unotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?
27ויהי הוא מדבר ככה ותלמידיו באו ויתמהו על דברו עם אשה אך לא אמר לו איש מה זה תשאל או מה תדבר עמה׃
28Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:
28ותעזב האשה את כדה ותלך העירה ותאמר אל האנשים׃
29Uyai, muone munhu, wandiudza zvinhu zvose zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?
29באו וראו איש אשר הגיד לי כל אשר עשיתי הכי זה הוא המשיח׃
30Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.
30ויצאו מן העיר ויבאו אליו׃
31Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi*, idyai.
31טרם יבאו ותלמידיו בקשו ממנו לאמר אכל נא אדני׃
32Asi iye wakati kwavari: Ini ndine chikafu chekudya chamusingazivi imwi.
32ויאמר אליהם יש לי אכל לאכל אשר אתם לא ידעתם׃
33Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvokudya?
33ויאמרו התלמידים איש אל רעהו הכי הביא לו איש לאכל׃
34Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.
34ויאמר אליהם ישוע מאכלי הוא לעשות רצון שלחי ולהשלים מעשהו׃
35Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.
35הלא אתם תאמרו כי עוד ארבעה חדשים והקציר בא הנה אני אמר לכם שאו עיניכם וראו בשדות כי כבר הלבינו לקציר׃
36Zvino unokohwa unogamuchira mubairo, uye unounganidza zvibereko muupenyu hwusingaperi; kuti vaviri unokusha neunokohwa vafare pamwe.
36והקוצר יקח שכרו ויאסף תבואה לחיי עולמים למען ישמחו יחדו גם הזרע גם הקוצר׃
37Nekuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe unokusha, uye umwe unokohwa.
37כי בזאת אמת המשל כי זה זרע ואחר יקצר׃
38Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.
38אנכי שלחתי אתכם לקצר את אשר לא עמלתם בו ואחרים עמלו ואתם נכנסתם בעמלם׃
39Zvino vazhinji vevaSamaria kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, rakapupura richiti: Wandiudza zvose zvandakaita.
39ויאמינו בו שמרנים רבים מן העיר ההיא על דבר האשה אשר העידה לאמר הוא הגיד לי את כל אשר עשיתי׃
40Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.
40ויהי כאשר באו אליו השמרנים וישאלו ממנו לשבת אתם וישב שם יומים׃
41Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.
41ועוד רבים מהמה האמינו בו בעבור דברו׃
42Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nekuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.
42ויאמרו אל האשה מעתה לא בעבור מאמרך נאמין כי באזנינו שמענו ונדע כי אמנם זה הוא המשיח מושיע העולם׃
43Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda Garirea;
43ויהי מקץ שני הימים ויצא משם ללכת הגלילה׃
44nekuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.
44כי הוא ישוע העיד כי נביא בארץ מולדתו איננו נכבד׃
45Zvino wakati asvika Garirea, vaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvose zvaakaita paJerusarema pamabiko, nekuti naivo vakange vaenda kumabiko.
45ויהי הוא בא ארץ הגליל ויאספהו אנשי הגליל כי ראו את כל אשר עשה בירושלים בימי החג כי גם הם עלו לחג את החג׃
46Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paakange aita mvura ive waini. Zvino pakange pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakange achirwara paKapenaume.
46ויבא ישוע עוד הפעם אל קנה אשר בגליל מקום שומו המים ליין ואיש היה מעבדי המלך ובנו חלה בכפר נחום׃
47Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika Garirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nekuti wakange wodofa.
47ויהי כשמעו כי בא ישוע מיהודה לארץ הגליל וילך אליו וישאל מאתו לרדת ולרפא את בנו כי קרב למות׃
48Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
48ויאמר אליו ישוע אם לא תראו אתות ומופתים לא תאמינו׃
49Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.
49ויאמר אליו האיש אשר מעבדי המלך אדני רדה נא בטרם ימות בני׃
50Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako unorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.
50ויאמר אליו ישוע לך לך בנך חי והאיש האמין לדבר אשר דבר אליו ישוע וילך׃
51Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu unorarama.
51ויהי ברדתו ויפגעו בו עבדיו ויבשרו אתו כי חי בנו׃
52Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.
52וידרש מאתם את השעה אשר בה רוח לו ויאמרו אליו תמול בשעה השביעית עזבתו הקדחת׃
53Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako unorarama; zvino akatenda iye neimba yake yose.
53וידע אביהו כי היתה השעה אשר דבר לו ישוע בנך חי ויאמן הוא וכל ביתו׃
54Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.
54זה הוא האות השני אשר עשה ישוע בבאו מיהודה לארץ הגליל׃