1Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuvaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.
1ויהי בבאו בשבת אל בית אחד מראשי הפרושים לאכל לחם והמה ארבים לו׃
2Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.
2והנה איש אחד לפניו אשר גופו צבה ממים׃
3Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo nevaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?
3ויען ישוע ויאמר אל בעלי התורה ואל הפרושים לאמר המתר לרפא בשבת אם לא ויחרישו׃
4Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.
4ויאחז בו וירפאהו וישלחהו׃
5Akavapindura achiti: Ndiani pakati penyu, ungati kana ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nesabata?
5ויען ויאמר אליהם מי מכם אשר חמרו או שורו יפול אל הבאר ולא ימהר להעלותו ביום השבת׃
6Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.
6ולא יכלו להשיב על זאת דבר׃
7Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanozvisanangurira sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:
7וישא משלו אל הקרואים בראותו איך בחרו להם להסב בראש ויאמר אליהם׃
8Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe unokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,
8כי יקרא אתך איש אל החתנה אל תסב בראש פן יקרא שמה איש נכבד ממך׃
9zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kugara kunzvimbo yepasisa nenyadzi.
9ובא הקרא אותך ואותו ואמר אליך פנה מקום לזה ואז תקום בכלמה לקחת את המקום האחרון׃
10Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.
10אבל כי תקרא לך והסב במקום האחרון למען יבא הקרא אתך ואמר אליך אהובי עלה למעלה מזה והיה לך כבוד לפני המסבים עמך׃
11Nekuti ani nani unozvikwiridzira, uchaninipiswa; neunozvininipisa uchakwiridzirwa.
11כי כל המרומם את עצמו ישפל והמשפיל את עצמו ירומם׃
12Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivo vangazokukokazve, ugoripirwa.
12וגם אל האיש אשר קרא אותו אמר כי תעשה סעודת צהרים או סעודת ערב אל תקרא לאהביך ולאחיך ולקרוביך ולשכניך העשירים פן יקראו לך גם המה והיה לך לשלום׃
13Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;
13אבל כי תעשה משתה קרא לעניים ולנשברים ולפסחים ולעורים׃
14uye ucharopafadzwa, nekuti havana zvokukuripira nazvo, nekuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.
14ואשריך באשר אין להם לשלם לך כי ישלם לך בתחית הצדיקים׃
15Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya chingwa paushe hwaMwari.
15וישמע זאת אחד מן המסבים ויאמר אליו אשרי האכל לחם במלכות האלהים׃
16Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.
16והוא אמר אליו איש אחד עשה סעודה גדולה ויקרא לרבים׃
17Akatuma muranda wake nenguva yekurayira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nekuti zvose zvagadzirwa zvino.
17וישלח את עבדו לעת הסעודה לאמר אל הקרואים באו כי כבר מוכן הכל׃
18Zvino vose vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda kunomuona; ndinokukumbira, undiregerere.
18ויחלו כלם פה אחד להתנצל ויאמר אליו הראשון שדה קניתי ועלי לצאת לראתו אבקש ממך נקני׃
19Umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira undiregerere.
19ואחר אמר חמשת צמדי בקר קניתי ואני הלך לבחן אותם אבקש ממך נקני׃
20Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.
20ואחר אמר אשה לקחתי ובעבור זאת לא אוכל לבוא׃
21Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nezvirema, nemhetamakumbo, nemapofu.
21ויבא העבד ויגד את הדברים האלה לאדניו ויקצף בעל הבית ויאמר לעבדו מהר צא אל רחבות העיר ואל הוצותיה והבא הנה את העניים ואת הנשברים ואת העורים ואת הפסחים׃
22Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.
22ויאמר העבד אדני כאשר צוית כן נעשה ויש עוד מקום׃
23Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
23ויאמר האדון אל העבד צא אל הדרכים ואל הגדרות ופצר בהם לבוא למען ימלא ביתי׃
24Nekuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa ucharavira chirayiro changu.
24כי אני אמר לכם אין אחד מן האנשים הקרואים ההם אשר יטעם סעודתי׃
25Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:
25והמון עם רב הלכים אתו ויפן ויאמר אליהם׃
26Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.
26איש כי יבוא אלי ולא ישנא את אביו ואת אמו ואת אשתו ואת בניו ואת אחיו ואת אחיתיו ואף גם את נפשו לא יוכל להיות תלמידי׃
27Zvino ani nani usingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.
27ואשר לא ישא את צלבו ובא אחרי לא יוכל להיות תלמידי׃
28Nekuti ndiani wenyu, unoti achida kuvaka shongwe, usingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?
28כי מי מכם החפץ לבנות מגדל הלא ישב בראשונה ויחשב את ההוצאות אם השג תשיג ידו להשלימו׃
29Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vose vanoona vanotanga kumuseka,
29פן ישים את היסוד ולא יוכל לכלותו והיה כל הראים יקומו להלעיג לו לאמר׃
30vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.
30כי זה האיש החל לבנות ולא יכל לכלות׃
31Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, usingatangi agara pasi, akafungisisa kana angagona nezvuru gumi kusangana neunouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?
31אז מי הוא המלך הקם להתגרות מלחמה במלך אחר ולא ישב בראשונה ויתיעץ אם יוכל בעשרת אלפים לערך לקראת הבא עליו בעשרים אלף׃
32Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, unotuma nhume, akumbire zverugare.
32ואם לא ושלח אליו מלאכים בעודנו רחוק לבקש שלום׃
33Saka saizvozvo, ani nani kwamuri usingasii zvose zaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.
33ככה כל איש מכם אשר לא נפטר מכל רכושו לא יוכל להיות תלמידי׃
34Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?
34טוב המלח ואם המלח היה תפל במה יתקן׃
35Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourashira kunze. Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
35לא יצלח גם לאדמה גם לדמן החוצה ישליכהו מי אשר אזנים לו לשמע ישמע׃