Shona

Hebrew: Modern

Luke

15

1Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vose, kuzomunzwa.
1ויהי בקרב אליו כל המוכסים והחטאים לשמע אותו׃
2VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu unogamuchira vatadzi, achidya navo.
2וילונו הפרושים והסופרים לאמר הנה זה מקבל את החטאים ואכל אתם׃
3Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti:
3וידבר אליהם את המשל הזה לאמר׃
4Ndeupi munhu kwamuri ungati ane makwai zana, kana arashikirwa nerimwe rawo, usingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarashika kusvikira ariwana?
4מי זה האיש מכם אשר לו מאה כבשים ואבד לו אחד מהם ולא יטוש את התשעים ותשעה במדבר והלך אחרי האבד עד כי ימצאהו׃
5Uye kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake achifara.
5והיה כמצאו אתו ישימנו על כתפיו בשמחה׃
6Zvino kana asvika kumusha, unodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nekuti ndawana gwai rangu rakange rarashika.
6ובא אל ביתו וקרא לאהביו ולשכניו יחד לאמר שמחו אתי כי מצאתי את שיי האבד׃
7Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe unotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.
7אני אמר לכם כי כן תהיה שמחה בשמים על חוטא אחד השב יותר מעל תשעים ותשעה צדיקים אשר לא יצטרכו לתשובה׃
8Kana ndeupi mukadzi une makobiri gumi, kana arashikirwa nekobiri rimwe, usingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira ariwana?
8או מי האשה אשר לה עשרה דרכמונים ואבד לה דרכמון אחד ולא תדליק נר ותטאטא את הבית ותחפש היטב עד כי תמצאהו׃
9Uye kana ariwana, unodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nekuti ndawana kobiri randanga ndarashikirwa naro.
9והיה כמצאה אותו תקרא לרעותיה ולשכנותיה לאמר שמחנה אתי כי מצאתי את הדרכמון אשר אבד לי׃
10Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe unotendeuka.
10כן אני אמר לכם תהיה שמחה לנפי מלאכי אלהים על חוטא אחד אשר שב מחטאו׃
11Zvino wakati: Umwe munhu waiva ane vanakomana vaviri;
11ויאמר איש אחד היו לו שני בנים׃
12muduku wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake.
12ויאמר הצעיר אל אביו אבי תנה לי את חלק הרכוש אשר יפל לי ויחלק להם את הנחלה׃
13Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana muduku wakaunganidza zvose pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza.
13ויהי מקץ ימים ויאסף הבן הצעיר את הכל וילך אל ארץ רחוקה ושם פזר את רכשו וילך בדרך סובאים וזוללים׃
14Zvino wakati aparadza zvose, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa.
14ואחרי כלותו את הכל היה רעב חזק בארץ ההיא ויחל להיות חסר לחם׃
15Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve.
15וילך וידבק באחד מבני המדינה בארץ ההיא וישלח אותו אל שדותיו לרעות חזירים׃
16Wakange achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa.
16ויתאו למלא את בטנו בחרובים אשר יאכלו החזירים ואין נתן לו׃
17Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara.
17וישב אל לבו ויאמר מה רבו שכירי אבי ויש להם לחם לשבע ואני אבד ברעב׃
18Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu;
18אקומה נא ואלכה אל אבי ואמר אליו אבי חטאתי לשמים ולפניך׃
19uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu.
19ונקלתי מהקרא עוד בנך שימני כאשר שכיריך׃
20Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda.
20ויקם ויבא אל אביו עודנו מרחוק ואביו ראהו ויהמו מעיו וירץ ויפל על צואריו וישקהו׃
21Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.
21ויאמר אליו הבן אבי חטאתי לשמים ולפניך ואני נקלתי מהקרא עוד בנך׃
22Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka;
22ויאמר האב אל עבדיו הוציאו את השמלה הטובה מכלן והלבישהו ותנו טבעת על ידו ונעלים ברגליו׃
23muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare;
23והביאו את עגל המרבק וטבחו אתו ונאכלה ונשמח׃
24nekuti uyu mwanakomana wangu wakange afa, zvino wararamazve; wakange arashika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.
24כי זה בני היה מת ויחי ואובד היה וימצא ויחלו לשמח׃
25Zvino mwanakomana wake mukuru wakange ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba.
25ובנו הגדול היה בשדה ויהי כאשר בא ויקרב אל הבית וישמע קול זמרה ומחלות׃
26Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei.
26ויקרא אל אחד הנערים וישאל מה זאת׃
27Zvino akati kwaari: Munin'ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nekuti vamugamuchira akagwinya.
27ויאמר אליו כי בא אחיך ויטבח אביך את עגל המרבק על אשר הושב לו שלם׃
28Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa.
28ויחר לו ולא אבה לבוא הביתה ויצא אביו וידבר על לבו׃
29Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
29ויען ויאמר אל אביו הנה זה שנים רבות אני עבד אתך ומימי לא עברתי את מצותך ומימי לא נתת לי גדי למען אשיש עם רעי׃
30Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.
30ויבא בנך זה אשר בלע את נחלתך עם הזנות ותזבח לו את עגל המרבק׃
31Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvangu ndezvako.
31ויאמר אליו בני אתה תמיד עמדי וכל אשר לי לך הוא׃
32Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nekuti munin'ina wako uyu wakange afa, wararamazve; wakange arashika, wawanikwa.
32אבל נכון לשוש ולשמח כי אחיך זה היה מת ויחי ואבד היה וימצא׃