Shona

Hebrew: Modern

Luke

16

1Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seunoparadza nhumbi dzake.
1ויאמר גם אל תלמידיו איש עשיר היה ולו פקיד על ביתו וילשינהו אליו באמרם כי מפזר הוא את קניניך׃
2Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nekuti hauchazogoni kuva mutariri.
2ויקרא אתו ויאמר אליו מה זאת שמעתי עליך תן חשבון פקדתך כי לא תוכל להיות עוד פקיד׃
3Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara.
3ויאמר הפקיד בלבו מה אעשה כי יקח אדני ממני את הפקדה לעדר לא אוכל ולשאל על הפתחים אני בוש׃
4Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.
4ידעתי מה אעשה למען יאספוני אל בתיהם בעת אוסר מפקדתי׃
5Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wakange ane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu?
5ויקרא אל כל איש אשר נשה בהם אדניו וישאל את הראשון כמה אתה חיב לאדני׃
6Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu.
6ויאמר מאת בתי שמן ויאמר אליו קח את שטרך ומהר שב וכתבת חמשים׃
7Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.
7ואל אחר אמר כמה אתה חיב ויאמר מאת כר חטים ויאמר קח את שטרך וכתב שמנים׃
8Zvino Ishe wakarumbidza mutariri usakarurama, nekuti wakange aita nekuchenjera; nekuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza.
8וישבח האדון את פקיד העולה על אשר הערים לעשות כי בני העולם הזה ערומים הם בדורם מבני האור׃
9Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi.
9וגם אני אמר לכם עשו לכם אהבים בממון העולה למען בעת כלתו יאספו אתכם אל משכנות עולם׃
10Wakatendeka pachidukusa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidukusa haana kururamawo pachikuru.
10הנאמן במעט מזער נאמן גם בהרבה והמעול במעט מזער מעול גם בהרבה׃
11Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani uchakubatisai chinhu chechokwadi?
11לכן אם בממון העולה לא הייתם נאמנים את האמתי מי יפקיד בידכם׃
12Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani uchakupai chenyu?
12ואם בדבר אשר לאחרים לא הייתם נאמנים את אשר לכם מי יתן לכם׃
13Hakuna muranda unogona kubatira vana tenzi vaviri; nekuti zvimwe uchavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti uchanamatira kune umwe agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.
13אין עבד אשר יוכל לעבד שני אדנים כי ישנא את האחד ויאהב את האחר או ידבק באחד ואת האחר יבזה לא תוכלו עבד את האלהים ואת הממון׃
14Zvino nevaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvose, vakamunyomba.
14וישמעו כל זאת גם הפרושים אשר הם אהבי כסף וילעגו לו׃
15Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nekuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari.
15ויאמר אליהם אתם הם המצטדקים לפני האדם ואלהים יודע את לבבכם כי הגבה באדם תועבה הוא לפני האלהים׃
16Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo evhangeri neushe hwaMwari zvinoparidzwa, uye umwe neumwe unosenerera mahwuri.
16התורה והנביאים עד יוחנן ומן אז והלאה בשורת מלכות האלהים וכל איש בחזקה יבוא בה׃
17Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe.
17אבל נקל כי יעברו השמים והארץ מאשר יפל קוץ אחד מן התורה׃
18Ani nani unoramba mukadzi wake akawana umwe unoita upombwe; uye ani nani unowana wakarambwa kumurume unoita upombwe.
18כל איש המשלח את אשתו ולקח אחרת נאף הוא וכל הלקח את הגרושה מאישה נאף הוא׃
19Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yerineni yakapfava, nekufara paumbozha mazuva ose.
19איש עשיר היה והוא לבוש ארגמן ושש ויתעגג וישמח יום יום׃
20Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda,
20ואיש אביון ושמו לעזר משכב פתח שער ביתו והוא מלא אבעבעות׃
21uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzwa maronda ake.
21ויתאו לשבע מן הפרורים הנפלים מעל שלחן העשיר וגם הכלבים באו וילקו אבעבעותיו׃
22Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahamu; mufumi akafawo, akavigwa.
22ויהי כאשר מת האביון ויובל על ידי המלאכים אל חיק אברהם וימת גם העשיר ויקבר׃
23Zvino ari muhadhesi* wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, ndokuona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.
23ובהיותו במכאבות בשאול וישא את עיניו וירא את אברהם מרחוק ואת לעזר בחיקו׃
24Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemumwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nekuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu.
24ויצעק ויאמר אבי אברהם חנני ושלח נא את לעזר ויטבל את קצה אצבעו במים למען קרר את לשוני כי עניתי במוקד הזה׃
25Asi Abhurahamu wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa.
25ויאמר אברהם בני זכר כי לקחת טובך בחייך וגם לעזר לקח את הרעות ועתה הוא ינחם ואתה תצטער׃
26Uye pamusoro peizvi zvose, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri.
26ומלבד כל זאת שוחה גדולה מפסקת בינינו וביניכם לבלתי יוכלו עבור החפצים ללכת מפה אליכם ולבלתי יעברו משם אלינו׃
27Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,
27ויאמר אם כן אבי שאל אני מאתך כי תשלח אתו אל בית אבי׃
28nekuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo.
28כי יש לי חמשה אחים למען יעיד בהם פן יבאו גם הם אל מקום המעצבה הזה׃
29Abhurahamu akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo.
29ויאמר אברהם יש להם משה והנביאים אליהם ישמעון׃
30Iye ndokuti: Kwete, Baba Abhurahamu; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka.
30ויאמר לא כן אבי אברהם אך אם ילך אליהם אחד מן המתים אז ישובו׃
31Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi, kana umwe akamuka kuvakafa.
31ויאמר אליו אם לא ישמעו אל משה ואל הנביאים גם כי יקום אחד מן המתים לא יאמינו׃