1Zvino akapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti uri mumba.
1ויהי מקץ ימים בשובו אל כפר נחום וישמעו כי הוא בבית׃
2Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari.
2ויאספו רבים מהרה עד אפס מקום לעמד אף מחוץ לפתח וידבר אליהם את הדבר׃
3Vakauya kwaari, vakaisa wakange akafa mitezo, akatakurwa navanhu vana.
3ויבאו אליו אנשים נשאים איש נכה אברים וישאהו בארבעה׃
4Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varipfurunyura vakaburusira uchanja hwaakange avete pahwuri wakange akafa mitezo.
4ולא יכלו לגשת אליו מפני העם ויסירו את הגג במקום אשר היה שם ויחתרו חתירה ויורידו את המשכב אשר שכב עליה נכה האברים׃
5Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakangamwirwa kwauri.
5ויהי כראות ישוע את אמונתם ויאמר אל נכה האברים בני נסלחו לך חטאתיך׃
6Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti:
6ויהיו מן הסופרים ישבים שם וחשבים בלבם לאמר׃
7Uyu unotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani unogona kukangamwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari?
7מה ידבר זה גדופים כאלה מי יוכל לסלח חטאים בלתי האלהים לבדו׃
8Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo akati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu?
8וידע ישוע ברוחו כי ככה חשבו בלבבם ויאמר אליהם מדוע תחשבו כאלה בלבבכם׃
9Chii chakakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakangamwirwa kwauri, pane kuti: Simuka, utore uchanja hwako, ufambe?
9מה הנקל האמר אל נכה האברים נסלחו לך חטאתיך אם אמור קום שא את משכבך והתהלך׃
10Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekukangamwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo):
10אך למען תדעון כי לבן האדם יש השלטן לסלח חטאים בארץ ויאמר אל נכה האברים׃
11Ndinoti kwauri: Simuka utore uchanja hwako, uende kumba kwako.
11לך אני אמר קום שא את משכבך ולך אל ביתך׃
12Zvino pakarepo wakasimuka, akatora uchanja, ndokubuda pamberi pavo vose; zvekuti vose vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai.
12ויקם פתאם וישא את משכבו ויצא לעיני כלם עד כי השתממו כלם וישבחו את האלהים לאמר מעולם לא ראינו כזאת׃
13Wakabudazve akaenda kurutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa.
13וישב לצאת אל יד הים ויבאו אליו כל העם וילמדם׃
14Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
14ויהי בעברו וירא את לוי בן חלפי ישב בבית המכס ויאמר אליו לכה אחרי ויקם וילך אחריו׃
15Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nekuti vakange vari vazhinji vakamutevera.
15ויהי כאשר הסב בביתו ויסבו מוכסים וחטאים רבים עם ישוע ועם תלמידיו כי רבים היו ההלכים אחריו׃
16Zvino vanyori nevaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekumwa nevateresi nevatadzi?
16והסופרים והפרושים ראו אתו אכל עם המוכסים והחטאים ויאמרו אל תלמידיו למה זה עם החטאים והמוכסים אכל רבכם׃
17Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka.
17וישמע ישוע ויאמר החזקים אינם צריכים לרפא כי אם החלים לא באתי לקרא הצדיקים כי אם החטאים לתשובה׃
18Uye vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani nevevaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
18ותלמידי יוחנן והפרושים היו צמים ויבאו ויאמרו אליו מדוע תלמידי יוחנן ותלמידי הפרושים צמים ותלמידיך אינם צמים׃
19Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya;
19ויאמר אליהם ישוע איך יוכלו בני החפה לצום בעוד החתן עמהם כל ימי היות החתן עמהם לא יוכלו לצום׃
20asi mazuva awo achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva iwayo vachatsanya.
20הנה ימים באים ולקח מאתם החתן ואז יצומו בימים ההם׃
21Uye hakuna unosonera chigamba chemucheka usina kuonyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvarura pane yakasakara buri rikanyanya.
21אין תפר מטלית בגד חדש על שמלה בלה כי אז ינתק מלויו החדש מן הבלה ותרע הקריעה׃
22Uye hakuna unodira waini itsva muhombodo sharu, zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara, asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.
22ואין נתן יין חדש בנאדות בלים כי אז יבקע היין את הנאדות והיין ישפך והנאדות יאבדו אבל בנאדות חדשים ינתן היין החדש׃
23Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba.
23ויהי כעברו בשבת בין הקמה ויחלו תלמידיו לקטף מלילת בלכתם׃
24VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo?
24ויאמרו אליו הפרושים ראה מה המה עשים בשבת דבר אשר לא יעשה׃
25Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, musi waakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye?
25ויאמר אליהם הכי לא קראתם את אשר עשה דוד בהיתו חסר ורעב הוא ואשר היו אתו׃
26Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa kunze nevapristi, akapawo kwavari vaaiva naye?
26כי בא אל בית אלהים בימי אביתר הכהן הגדול ויאכל את לחם הפנים אשר לא נכון לאכלה כי אם לכהנים ויתן גם לאנשים אשר אתו׃
27Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata.
27ויאמר אליהם השבת נעשה בעבור האדם ולא האדם בעבור השבת׃
28Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata.
28לכן בן האדם אדון הוא גם לשבת׃