Shona

Hebrew: Modern

Mark

3

1Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.
1וישב ויבאו אל בית הכנסת ושם איש אשר ידו יבשה׃
2Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.
2ויתבוננו בו אם ירפאהו בשבת למען ימצאו עליו שטנה׃
3Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.
3ויאמר אל האיש אשר יבשה ידו קום עמד בתוך׃
4Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.
4ויאמר אליהם הנכון בשבת להיטיב או להרע להציל נפש או לאבדה ויחרישו׃
5Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akatambanudza ruoko rwake rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.
5ויבט אליהם סביב בחמה ויתעצב על טמטום לבבם ויאמר אל האיש פשט את ידך ויפשט ידו ותרפא ותשב כאחרת׃
6VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana nevaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.
6והפרושים יצאו מהרה ויתיעצו עליו עם ההורדוסיים לאבדו׃
7Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva Garirea, nekuJudhiya,
7וישוע סר משם עם תלמידיו אל יד הים וילכו אחריו המון עם רב מן הגליל ומיהודה׃
8nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.
8ומירושלים ומאדום ומעבר הירדן ומסביבות צור וצידון המון רב אשר שמעו את כל אשר עשה ויבאו אליו׃
9Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa duku rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.
9ויאמר אל תלמידיו כי יכינו לו אניה קטנה מפני העם למען לא ילחצוהו׃
10Nekuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vose vakange vane zvirwere.
10כי רפא לרבים עד כי התנפלו עליו כל המנגעים לנגע בו׃
11Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.
11והרוחות הטמאות כראותן אתו נפלו לפניו ותצעקנה לאמר אתה הוא בן אלהים׃
12Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.
12ויגער בהן מאד אשר לא תגלינה אותו׃
13Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.
13ויעל אל ההר ויקרא אל אשר הוא חפץ בם ויבאו אליו׃
14Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nekuti avatume kunoparidza,
14וישם שנים עשר איש למען יהיו אתו ולמען ישלחם לקרא׃
15uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.
15והיה להם השלטן לרפא את התחלאים ולגרש את השדים׃
16NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,
16ויכנה את שמעון בשם פטרוס׃
17naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;
17ואת יעקב בן זבדי ואת יוחנן אחי יעקב ויכנה אתם בשם בני רגוש הוא בני רעם׃
18naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
18ואת אנדרי ואת פילפוס ואת בר תלמי ואת מתי ואת תומא ואת יעקב בן חלפי ואת תדי ואת שמעון הקני׃
19naJudhasi Isikariyoti, iyewo wakamutengesa. Ndokubva vapinda mumba.
19ואת יהודה איש קריות אשר גם מסרו׃
20Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kana kudya chingwa.
20ויבאו הביתה וישב המון העם להתאסף עד כי לא יכלו אף לאכל לחם׃
21Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nekuti vakati: Unopenga.
21וישמעו קרוביו ויצאו להחזיק בו כי אמרו יצא מדעתו׃
22Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Una Bheerizebhuri, nekuti: Unobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.
22והסופרים אשר ירדו מירושלים אמרו כי בעל זבוב נכנס בו ועל ידי שר השדים הוא מגרש את השדים׃
23Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani ungagona kubudisa Satani sei?
23ויקרא אותם אליו וידבר להם במשלים לאמר איך יוכל השטן לגרש השטן׃
24Kana ushe hwakapesana hwuchimirisana, ushe uhwo hahungagoni kumira.
24ואם נחלקה ממלכה על עצמה לא תוכל לעמד הממלכה ההיא׃
25Kana imba yakapesana ichimirisana, imba iyo haigoni kumira.
25ובית אם נחלק על עצמו לא יוכל לעמד הבית ההוא׃
26Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi unopera.
26ואם השטן יתקומם אל עצמו ונחלק לא יוכל לעמד כי בא קצו׃
27Hakuna ungagona kupinda mumba mehamburamakaka, akapamba nhumbi dzayo, kunze kwekuti atanga kusunga hamburamakaka, ndokuzopamba imba yayo.
27אין איש אשר יכל לבוא לבית הגבור ולגזל את כליו אם לא יאסר בראשונה את הגבור ואחר ישסה את ביתו׃
28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakangamwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kose kwavanonyomba nako;
28אמן אמר אני לכם כי כל החטאים יסלחו לבני אדם וכל הגדופים אשר יגדפו׃
29asi ani nani unonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kangamwiro narinhi asi une mhosva yekutongwa kusingaperi.
29אך המגדף את רוח הקדש אין לו סליחה לעולם כי יאשם בעונו לנצח׃
30Nekuti vakati: Une mweya wetsvina.
30כי המה אמרו רוח טמאה בו׃
31Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.
31ויבאו אמו ואחיו ויעמדו מחוץ לבית וישלחו אליו לקרא לו׃
32Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.
32והמון העם ישבו סביביו ויאמרו אליו הנה אמך ואחיך בחוץ מבקשים אותך׃
33Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?
33ויען ויאמר אליהם מי הם אמי ואחי׃
34Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.
34ויבט סביב אל הישבים סביביו ויאמר הנה אמי ואחי׃
35Nekuti ani nani unoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.
35כי כל אשר יעשה רצון האלהים הוא אחי ואחותי ואמי׃