1Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatariri nevadhikoni:
1פולוס וטימותיוס עבדי המשיח ישוע אל כל הקדשים במשיח ישוע אשר הם בפילפי עם הפקידים והשמשים׃
2Nyasha kwamuri, nerugare runobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.
2חסד לכם ושלום מאת האלהים אבינו ואדנינו ישוע המשיח׃
3Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai kose,
3אודה לאלהי מדי זכרי אתכם׃
4nguva dzose pamunyengetero wangu woga woga pamusoro penyu mose ndakaita munyengetero nemufaro,
4ותמיד בכל תפלותי אתחנן בשמחה בעד כלכם׃
5nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva pazuva rekutanga kusvikira zvino;
5על התחברותכם אל הבשורה למן היום הראשון ועד הנה׃
6ndichivimba nechinhu ichi, kuti iye wakatanga basa rakanaka mamuri, ucharizadzisa kusvikira pazuva raJesu Kristu;
6ובטח אני כי המתחיל בכם המעשה הטוב גם יגמרנו עד יום ישוע המשיח׃
7sezvazvakandinakira kufunga izvozvi pamusoro penyu mose, nekuti ndinemwi mumoyo wangu zvekuti zvose zvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mose muri vagovani venyasha pamwe neni.
7כאשר ראוי לי לחשב ככה על כלכם בעבור שאתי אתכם בלבבי במוסרי ובהצדיקי ובחזקי את הבשורה באשר כלכם חברי בחסד׃
8Nekuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mose zvikuru sei netsitsi dzaKristu Jesu.
8כי האלהים לי לעד אשר לכלכם נכספתי באהבת ישוע המשיח׃
9izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda paruzivo nokunzwisisa kose,
9ועל זאת מתפלל אנכי כי תרבה ותגדל אהבתכם בהשכל ובכל דעת׃
10kuti mugamuchire zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama navasine mhosva, kusvikira pazuva raKristu,
10למען תבחנו את המבחרות והייתם זכים ובלי מכשול עד יום המשיח׃
11makazadzwa nezvibereko zvekururama, zvinovuya naJesu Kristu, paukuru nekurumbidzwa kwaMwari.
11מלאים פרי הצדקה על ידי ישוע המשיח לכבוד אלהים ותהלתו׃
12Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakatofambisa zvikuru evhangeri;
12והנני מודיע אתכם אחי כי אשר מצאתני היתה אך ליתרון הבשורה׃
13zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zviratidzwe pamuzinda wose nekuvamwe vose.
13עד אשר נגלו מוסרותי במשיח בכל שער המלך ולכל הנשארים׃
14Nevazhinji vehama muna Ishe, dzasimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.
14ורב האחים באדנינו הוסיפו אמץ במוסרותי והתחזקו יותר בלבבם לדבר את הדבר בלי פחד׃
15Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, vamwewo nemoyo wakanaka;
15הן יש מגידים את המשיח מקנאה וריב ויש מגידים בכונה טובה׃
16vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pachokwadi vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu.
16אלה ממריבה מגידים את המשיח לא בלב טהור כי חשבים להוסיף צרה על מוסרי׃
17Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri.
17ואלה מאהבה באשר הם ידעים כי נתון אנכי להצדיק את הבשורה׃
18Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzose, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu unoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichasifarazve.
18אך מה בכך הלא בכל אופן אם בעלילה או באמת יגד המשיח ואני הנני שמח בזאת וגם אשמח׃
19Nekuti ndinoziva kuti izvi zvichashadukira kuruponeso rwangu kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu,
19כי יודע אני שתהיה לי זאת לישועה בתפלתכם ובעזרת רוח ישוע המשיח׃
20zvichienderana nekutarisira kwangu kwakasimba netariro, kuti handinganyadziswi nechinhu asi neushingi hwose samagariro nazvinowo Kristu uchakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu.
20ואוחיל ואקוה שלא אבוש בכל דבר כי אם בכל בטחון כאשר מאז כן גם עתה יתגדל המשיח בגופי אם בחיי אם במותי׃
21Nekuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa ifuma.
21כי המשיח הוא חיי והמות רוח לי׃
22Zvino kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza, handizivi;
22אולם אם לחיות בבשר עוד יוסיף לי פרי עמלי אין לי להגיד במה אבחר׃
23Nekuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri: ndine chishuwo chekubva ndive naKristu, nokuti ndizvo zvinopfuura nekunaka;
23כי משוך אני מן השנים נפשי אותה להפטר ולהיות עם המשיח כי זה המבחר׃
24asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu.
24אבל לעמד עוד בבשר צריך יתר בעבורכם׃
25Zvino zvandine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mose, pakupfuvurira kwenyu mberi, mufare nerutendo,
25ואני בטח וידע כי אותר ואעמד עם כלכם יחד לאמץ אתכם ולהגדיל שמחת אמונתכם׃
26kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu nekuvapo kwanguzve kwamuri.
26למען תרבה על ידי תהלתכם במשיח ישוע בשובי לבוא אליכם׃
27Asi mufambiro wenyu ngauve wakafanira evhangeri yaKristu kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe, muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri;
27רק חתנהגו כראוי לבשורת המשיח למען אשמע עליכם אם בבואי לראותכם אם בהיותי רחוק כי קימים אתם ברוח אחת ועזרים אתי בנפש אחת להלחם בעד אמונת הבשורה׃
28uye musingatyityidzirwi nechinhu nevapikisi venyu pachinhu chimwe; ndizvo zvichava chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso; uye chinobva kuna Mwari.
28ואינכם חרדים מאומה מפני המתקוממים אשר זאת להם אות לאבדם ולכם לישועתכם ומאת האלהים היא׃
29Nekuti kwamuri kwakapiwa pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari koga, asi kumutambudzikirawo;
29כי נתן לכם בעד המשיח לא לבד להאמין בו כי אם גם להתענות בעדו׃
30mune kurwa kwakangodaro sekwamakaona mandiri, nokunzwa ikozvino mandiri.
30כי גם לכם המלחמה אשר ראיתם בי ואשר עתה שמעים אתם עלי׃