1Vana, teererai vabereki venyu muna Ishe; nekuti izvi zvakarurama.
1שמעו בנים אל הוריכם באדנינו כי ארח ישר הוא׃
2Kudza baba vako namai, unova murairo wekutanga une chivimbiso,
2כבד את אביך ואת אמך זאת היא המצוה הראשונה אשר לה ההבטחה׃
3kuti zvikunakire, uye urarame nguva refu panyika.
3למען ייטב לך ולמען יאריכן ימיך על האדמה׃
4nemwi madzibaba, musatsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nekutsiura kwaIshe.
4ואתם האבות אל תכעיסו את בניכם אך גדלום במוסר אדנינו ובתוכחתו׃
5Varanda, teererai avo vari vatenzi panyama, nekutya nekudedera, nemoyo wakarurama sekuna Kristu;
5שמעו עבדים אל אדניכם לפי הבשר ביראה ורתת ובתם לבבכם כמו למשיח׃
6kwete nekushandira maziso, sevafadzi vevanhu, asi sevaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari kubva pamoyo;
6לא בעבדת מראה העין כמבקשי חן בני אדם כי אם כעבדי המשיח עשים רצון האלהים בכל נפשם׃
7muchibata nechido chakanaka sekuna Ishe uye kwete kuvanhu;
7ועבדים בנפש חפצה את האדון ולא בני אדם׃
8muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka chinoitwa nemunhu umwe neumwe, uchachipiwa zvakadaro naIshe, kana wakasungwa kana wakasununguka.
8וידעתם כי כל דבר טוב אשר עשה האדם ישלמנו לו אדנינו אם עבד הוא או בן חורין׃
9nemwi madzishe, itai zvinhu zvimwezvo kwavari, muchirega kuvhundudzira muchiziva kuti Ishe wenyuwo uri kumatenga; uye kwaari hakurangarirwi zvinoonekwa zvevanhu.
9ואתם האדנים ככה תעשו גם להם חדלו מגער בם וידעתם כי גם עליכם יש אדון בשמים ואין לפניו משא פנים׃
10Pakupedzisira hama dzangu, simbai muna Ishe, nemusimba reukuru hwake.
10סוף דבר אחי חזקו באדנינו ובעז גבורתו׃
11Shongai zvombo zvose zvaMwari, kuti mugone kumirisana nemano adhiabhorosi.
11לבשו כלי נשק אלהים למען תוכלו עמד נגד נכלי השטן׃
12Nekuti hatirwisani nenyama neropa, asi neutongi, nemasimba, nemadzishe erima enyika ino, nemweya yetsvina yematenga.
12כי לא עם בשר ודם מלחמתנו כי עם שרים ושליטים עם המשלים בחשכת העולם הזה עם הרוחות הרעות אשר במרומים׃
13Saka torai zvombo zvose zvaMwari kuti mugone kuramba mumire pazuva rakaipa, maita zvose, mumire.
13על כן אחזו בכלי נשק אלהים למען תוכלו לקום ביום הרע ולמלא צבאכם ולעמוד׃
14Naizvozvo mirai zvivuno zvenyu zvakasungwa nechokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chekururama,
14עמדו נא חגורי מתנים באמת ומלבשים בשריון הצדק׃
15uye tsoka dzenyu dzakasungwa nekugadzirira kweevhangeri yerugare;
15ורגליכם מנעלות להיותכם מוכנים לבשורת השלום׃
16pamusoro pezvose matora nhovo yerutendo, yamungagona kudzima nayo miseve yose inopfuta yewakaipa.
16ועל כל אלה תפשו את מגן האמונה אשר תוכלו לכבות בו את חצי הרשע הבערים׃
17Torai ngowani yeruponeso, nemunondo weMweya, unova Shoko raMwari;
17וקחו את כובע הישועה וחרב הרוח שהיא דבר האלהים׃
18munyengetere nguva dzose nemunyengetero wose nemukumbiro muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsungirira kose nekukumbirira vatsvene vose.
18והתפללו תמיד בכל עת בתפלה ותחנונים ברוח ושקדו והתאמצו על זאת להעתיר תמיד בעד כל הקדשים׃
19uye kana ndiri ini, kuti shoko ripiwe kwandiri pakushamisa muromo wangu neushingi ndidudzire zvakavanzika zveevhangeri,
19וגם בעדי למען ינתן לי הדבר בפתחי פי להגיד בבטחון את סוד הבשורה אשר אנכי ציר לה במוסרות׃
20yandiri nhume yayo mumaketani; kuti mairi nditaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
20למען אדבר בה בבטחה כאשר מטל עלי לדבר׃
21Asi kuti imwi muzivewo zvakanangana neni, kuti ndinoitei, Tikiko hama inodikamwa, nemushumiri wakatendeka muna Ishe, uchakuzivisai zvinhu zvose;
21ולמען אשר תדעו גם אתם את קרתי ואת מעשי הנה את הכל יודיע אתכם טוכיקוס האח החביב והמשרת הנאמן באדנינו׃
22wandakamutuma kwamuri neshoko irori, kuti muzive zvakanangana nesu, uye anyaradze moyo yenyu.
22אשר לזאת שלחתיהו אליכם למען תדעו את קרתינו ולמען ינחם את לבבכם׃
23Rugare kuhama, nerudo pamwe nerutendo zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
23השלום לאחים והאהבה עם האמונה מאת האלהים האב ומאת האדון ישוע המשיח׃
24Nyasha ngadzive nevose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu nekusingaperi. Ameni.
24החסד עם כל האהבים את אדנינו ישוע המשיח באהבה אשר לא תכלה אמן׃