1Ndinoda Jehovha, nekuti anonzwa inzwi rangu nokukumbira kwangu.
1אהבתי כי ישמע יהוה את קולי תחנוני׃
2Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, Ndichadana kwaari mazuva angu ose.
2כי הטה אזנו לי ובימי אקרא׃
3Misungo yorufu yakandikomba, Kurwadziwa kweSheori kwakandibata; Ndakawana kutambudzika nokuchema.
3אפפוני חבלי מות ומצרי שאול מצאוני צרה ויגון אמצא׃
4Ipapo ndakadana zita raJehovha; Haiwa Jehovha, ndinonyengetera kuti murwire mweya wangu.
4ובשם יהוה אקרא אנה יהוה מלטה נפשי׃
5Jehovha anenyasha, akarurama; Zvirokwazvo, Mwari wedu ane tsitsi.
5חנון יהוה וצדיק ואלהינו מרחם׃
6Jehovha anochengeta vasina mano; Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.
6שמר פתאים יהוה דלותי ולי יהושיע׃
7Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; nekuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
7שובי נפשי למנוחיכי כי יהוה גמל עליכי׃
8nekuti makarwira mweya wangu parufu; Nameso angu pamisodzi, Nerutsoka rwangu pakugumburwa.
8כי חלצת נפשי ממות את עיני מן דמעה את רגלי מדחי׃
9Ndichafamba pamberi paJehovha Panyika yavapenyu.
9אתהלך לפני יהוה בארצות החיים׃
10Ndakatenda pakutaura kwangu, ndichiti, Ndakamanikidzwa kwazvo,
10האמנתי כי אדבר אני עניתי מאד׃
11Ndakati pakuvhunduka kwangu, Vanhu vose vanoreva nhema.
11אני אמרתי בחפזי כל האדם כזב׃
12Ndichavigireiko Jehovha Pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?
12מה אשיב ליהוה כל תגמולוהי עלי׃
13Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, Ndichidana zita raJehovha.
13כוס ישועות אשא ובשם יהוה אקרא׃
14Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose.
14נדרי ליהוה אשלם נגדה נא לכל עמו׃
15Chinhu chinokosha pamberi paJehovha, Ndirwo rufu rwavatsvene vake.
15יקר בעיני יהוה המותה לחסידיו׃
16Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; Makasunungura misungo yangu.
16אנה יהוה כי אני עבדך אני עבדך בן אמתך פתחת למוסרי׃
17Ndichakubayirai zvibayiro zvokuvonga, Ndichidana zita raJehovha.
17לך אזבח זבח תודה ובשם יהוה אקרא׃
18Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose;
18נדרי ליהוה אשלם נגדה נא לכל עמו׃
19Pavazhe dzeimba yaJehovha, Mukati mako, iwe Jerusaremu. Hareruya!
19בחצרות בית יהוה בתוככי ירושלם הללו יה׃