Shona

Hebrew: Modern

Psalms

33

1Farisai munaJehovha, imwi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama.
1רננו צדיקים ביהוה לישרים נאוה תהלה׃
2Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeramwa une hungiso dzine gumi.
2הודו ליהוה בכנור בנבל עשור זמרו לו׃
3Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru.
3שירו לו שיר חדש היטיבו נגן בתרועה׃
4nekuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka.
4כי ישר דבר יהוה וכל מעשהו באמונה׃
5Iye anoda kururama nokururamisa; Nyika izere nounyoro hwaJehovha.
5אהב צדקה ומשפט חסד יהוה מלאה הארץ׃
6Kudenga-denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema komuromo wake.
6בדבר יהוה שמים נעשו וברוח פיו כל צבאם׃
7Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura.
7כנס כנד מי הים נתן באצרות תהומות׃
8Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake.
8ייראו מיהוה כל הארץ ממנו יגורו כל ישבי תבל׃
9nekuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba.
9כי הוא אמר ויהי הוא צוה ויעמד׃
10Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba.
10יהוה הפיר עצת גוים הניא מחשבות עמים׃
11Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomoyo wake kusvikira kundudzi dzose.
11עצת יהוה לעולם תעמד מחשבות לבו לדר ודר׃
12Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake.
12אשרי הגוי אשר יהוה אלהיו העם בחר לנחלה לו׃
13Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu;
13משמים הביט יהוה ראה את כל בני האדם׃
14Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika.
14ממכון שבתו השגיח אל כל ישבי הארץ׃
15Iye anoumba moyo yavo vose, Anocherekedza mabasa avo ose
15היצר יחד לבם המבין אל כל מעשיהם׃
16Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru.
16אין המלך נושע ברב חיל גבור לא ינצל ברב כח׃
17Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru.
17שקר הסוס לתשועה וברב חילו לא ימלט׃
18Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake;
18הנה עין יהוה אל יראיו למיחלים לחסדו׃
19Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara.
19להציל ממות נפשם ולחיותם ברעב׃
20Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.
20נפשנו חכתה ליהוה עזרנו ומגננו הוא׃
21Nekuti moyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene.
21כי בו ישמח לבנו כי בשם קדשו בטחנו׃
22Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai.
22יהי חסדך יהוה עלינו כאשר יחלנו לך׃