Shona

Hebrew: Modern

Psalms

39

1Ndakati, Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.
1למנצח לידיתון מזמור לדוד אמרתי אשמרה דרכי מחטוא בלשוני אשמרה לפי מחסום בעד רשע לנגדי׃
2Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa.
2נאלמתי דומיה החשיתי מטוב וכאבי נעכר׃
3moyo wangu wakange uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,
3חם לבי בקרבי בהגיגי תבער אש דברתי בלשוני׃
4Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.
4הודיעני יהוה קצי ומדת ימי מה היא אדעה מה חדל אני׃
5Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi bwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya chete.
5הנה טפחות נתתה ימי וחלדי כאין נגדך אך כל הבל כל אדם נצב סלה׃
6Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya.
6אך בצלם יתהלך איש אך הבל יהמיון יצבר ולא ידע מי אספם׃
7Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri.
7ועתה מה קויתי אדני תוחלתי לך היא׃
8Ndirwirei pakudarika kwangu kose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.
8מכל פשעי הצילני חרפת נבל אל תשימני׃
9Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; nekuti ndimi makazviita.
9נאלמתי לא אפתח פי כי אתה עשית׃
10Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.
10הסר מעלי נגעך מתגרת ידך אני כליתי׃
11Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechifusi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.
11בתוכחות על עון יסרת איש ותמס כעש חמודו אך הבל כל אדם סלה׃
12Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu, nekuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
12שמעה תפלתי יהוה ושועתי האזינה אל דמעתי אל תחרש כי גר אנכי עמך תושב ככל אבותי׃
13Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.
13השע ממני ואבליגה בטרם אלך ואינני׃