Shona

Hebrew: Modern

Psalms

38

1Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru.
1מזמור לדוד להזכיר יהוה אל בקצפך תוכיחני ובחמתך תיסרני׃
2nekuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo.
2כי חציך נחתו בי ותנחת עלי ידך׃
3Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamafupa angu nokuda kwechivi changu.
3אין מתם בבשרי מפני זעמך אין שלום בעצמי מפני חטאתי׃
4Nekuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema.
4כי עונתי עברו ראשי כמשא כבד יכבדו ממני׃
5Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kohupenzi hwangu.
5הבאישו נמקו חבורתי מפני אולתי׃
6Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose.
6נעויתי שחתי עד מאד כל היום קדר הלכתי׃
7Nekuti chiuno changu chizere nevutsva; Hakuchina hukukutu panyama yangu.
7כי כסלי מלאו נקלה ואין מתם בבשרי׃
8Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kokutambudzika komoyo wangu.
8נפוגותי ונדכיתי עד מאד שאגתי מנהמת לבי׃
9Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu.
9אדני נגדך כל תאותי ואנחתי ממך לא נסתרה׃
10moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri.
10לבי סחרחר עזבני כחי ואור עיני גם הם אין אתי׃
11Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure.
11אהבי ורעי מנגד נגעי יעמדו וקרובי מרחק עמדו׃
12Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose.
12וינקשו מבקשי נפשי ודרשי רעתי דברו הוות ומרמות כל היום יהגו׃
13Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo.
13ואני כחרש לא אשמע וכאלם לא יפתח פיו׃
14Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake.
14ואהי כאיש אשר לא שמע ואין בפיו תוכחות׃
15Nekuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; imwi muchapindura, Jehovha Mwari wangu.
15כי לך יהוה הוחלתי אתה תענה אדני אלהי׃
16Nekuti ndakati, Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu.
16כי אמרתי פן ישמחו לי במוט רגלי עלי הגדילו׃
17Nekuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose.
17כי אני לצלע נכון ומכאובי נגדי תמיד׃
18Nekuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu.
18כי עוני אגיד אדאג מחטאתי׃
19Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda.
19ואיבי חיים עצמו ורבו שנאי שקר׃
20Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nekuti ndinotevera chinhu chakanaka.
20ומשלמי רעה תחת טובה ישטנוני תחת רדופי טוב׃
21Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni.
21אל תעזבני יהוה אלהי אל תרחק ממני׃
22Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imwi muponesi wangu.
22חושה לעזרתי אדני תשועתי׃