Shona

Hebrew: Modern

Psalms

4

1Ndipindurei kana ndichidana,Mwari wokururama kwangu;Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana;ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.
1למנצח בנגינות מזמור לדוד בקראי ענני אלהי צדקי בצר הרחבת לי חנני ושמע תפלתי׃
2Nhai vanakomana vavanhu kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira rinhiko? Muchada zvisina maturo , nekutsvaka nhema kusvikira rinhi?
2בני איש עד מה כבודי לכלמה תאהבון ריק תבקשו כזב סלה׃
3Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu ,anomuda Jehovha uchanzwa kana ndichidana kwaari.
3ודעו כי הפלה יהוה חסיד לו יהוה ישמע בקראי אליו׃
4Ityai murege kutadza; Tauriranai nemoyo yenyu panhovo dzenyu,muti mwii.
4רגזו ואל תחטאו אמרו בלבבכם על משכבכם ודמו סלה׃
5Bayirai zvibayiro zvokururama, muvimbe naJehovha
5זבחו זבחי צדק ובטחו אל יהוה׃
6Vazhinji variko vanoti,Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.
6רבים אמרים מי יראנו טוב נסה עלינו אור פניך יהוה׃
7makaisa mufaro mumoyo mangu,Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa.
7נתתה שמחה בלבי מעת דגנם ותירושם רבו׃
8ndichavata pasi nerugare, ndibatwe nehope; nekuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.
8בשלום יחדו אשכבה ואישן כי אתה יהוה לבדד לבטח תושיבני׃