1Jehovha, ndinovimba nemi; Ngandirege kutongonyadziswa.
1בך יהוה חסיתי אל אבושה לעולם׃
2Ndirwirei mukururama kwenyu, ndisunungurei; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, mundiponese.
2בצדקתך תצילני ותפלטני הטה אלי אזנך והושיעני׃
3Ivai dombo rangu mandingagara, kwandingaramba ndichienda; Makaraira kuti ndiruramisirwe; nekuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
3היה לי לצור מעון לבוא תמיד צוית להושיעני כי סלעי ומצודתי אתה׃
4Ndisunungurei, Mwari wangu, paruoko rwowakaipa, Paruoko rwousina kururama nomunhu anomanikidza.
4אלהי פלטני מיד רשע מכף מעול וחומץ׃
5Nekuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; Ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.
5כי אתה תקותי אדני יהוה מבטחי מנעורי׃
6Ndakatsigirwa nemwi kubva pachizvaro; Ndimi makandibudisa padumbu ramai vangu; Ndichakurumbidzai.
6עליך נסמכתי מבטן ממעי אמי אתה גוזי בך תהלתי תמיד׃
7Ndiri chishamiso kuna vazhinji; Asi imwi muri utiziro hwangu hwakasimba.
7כמופת הייתי לרבים ואתה מחסי עז׃
8Muromo wangu uchazadzwa nerumbidzo yenyu, Nekudzo yenyu zuva rose.
8ימלא פי תהלתך כל היום תפארתך׃
9Regai kundirasha panguva yokukwegura kwangu; Musandisiya kana ndapera simba.
9אל תשליכני לעת זקנה ככלות כחי אל תעזבני׃
10Nekuti vavengi vangu vanondireva; Vanogarira mweya wangu, vanorangana,
10כי אמרו אויבי לי ושמרי נפשי נועצו יחדו׃
11Vachiti, Mwari amusiya; Teverai, mumubate; nekuti hakuna ungamurwira.
11לאמר אלהים עזבו רדפו ותפשוהו כי אין מציל׃
12Mwari, regai kuva kure neni; Mwari wangu, kurumidzai kundibatsira.
12אלהים אל תרחק ממני אלהי לעזרתי חישה׃
13Avo vanodzivisa mweya wangu ngavanyadziswe vapere; Vanotsvaka kundikuvadza ngavafukidzwe nokushorwa nokuzvidzwa.
13יבשו יכלו שטני נפשי יעטו חרפה וכלמה מבקשי רעתי׃
14Asi ini ndicharamba ndichitarira, Ndicharamba ndichiwedzera kukurumbidzai.
14ואני תמיד איחל והוספתי על כל תהלתך׃
15Muromo wangu uchareva kururama kwenyu, Nokuponesa kwenyu zuva rose, nekuti handizivi kuwanda kwazvo.
15פי יספר צדקתך כל היום תשועתך כי לא ידעתי ספרות׃
16Ndichauya namabasa ane simba raShe aJehovha; Ndichaparidza kururama kwenyu, iko kwenyu koga.
16אבוא בגברות אדני יהוה אזכיר צדקתך לבדך׃
17Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; Kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.
17אלהים למדתני מנעורי ועד הנה אגיד נפלאותיך׃
18Haiwa, kusvikira ndakwegura ndachena vhudzi, Mwari regai kundisiya; Kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya, Nesimba renyu kunomumwe nomumwe anozouya.
18וגם עד זקנה ושיבה אלהים אל תעזבני עד אגיד זרועך לדור לכל יבוא גבורתך׃
19Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?
19וצדקתך אלהים עד מרום אשר עשית גדלות אלהים מי כמוך׃
20Iyemi makatiratidza madambudzo mazhinji akaipa, Ndimi muchatiraramisazve, Nokutikwidzazve tibve pakudzika kwapasi.
20אשר הראיתנו צרות רבות ורעות תשוב תחיינו ומתהמות הארץ תשוב תעלני׃
21Wedzerai hukuru hwangu, Dzokaizve mundinyaradze.
21תרב גדלתי ותסב תנחמני׃
22Ndichakurumbidzaiwo nemitengeramwa, Naiyo chokwadi chenyu, Mwari wangu; Ndichakuimbirai imwi nziyo dzokurumbidza nembira, Iyemi Mutsvene walsiraeri.
22גם אני אודך בכלי נבל אמתך אלהי אזמרה לך בכנור קדוש ישראל׃
23Miromo yangu ichafara kwazvo kana ndichikuimbirai nziyo dzokurumbidza; Nomweya wangu wamakadzikunura.
23תרננה שפתי כי אזמרה לך ונפשי אשר פדית׃
24Rurimi rwanguvo ruchataura zuva rose zvokururama kwenyu, nekuti vanotsvaka kundikuvadza vanyadziswa, vazvidzwa.
24גם לשוני כל היום תהגה צדקתך כי בשו כי חפרו מבקשי רעתי׃