1Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.
1אחרי כן ראיתי מלאך אחר יורד מן השמים אשר לו שלטן גדול והארץ האירה מכבדו׃
2Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yose yetsvina, nedendere reshiri dzose dzine tsvina dzinovengwa.
2ויקרא בקול עז לאמר נפלה נפלה בבל הגדולה ותהי נוה שערים ומשמר לכל רוח טמא ומשמר לכל עוף טמא ונמאס׃
3Nekuti marudzi ose akamwazve waini yehasha dzeupombwe hwaro, nemadzimambo enyika akaita upombwe naro, nevatengesi venyika vakafuma nekuwanda kwefuma yaro.
3כי מיין חמת זנותה שתו כל הגוים ומלכי ארץ זנו עמה וסחרי ארץ משפעת תענגיה העשירו׃
4Zvino ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga, richiti: Budai mariri vanhu vangu, kuti murege kugovana pazvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro.
4ואשמע קול אחר מן השמים האמר צאו ממנה עמי פן תתחברו אל חטאתיה ופן תקחו ממכותיה׃
5Nekuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, naMwari warangarira zvisakarurama zvaro.
5כי חטאתיה הגיעו עד לשמים ויזכר אלהים את עונותיה׃
6Muritsive sezvarakakutsivai imwi, muchiripamhidzira kaviri pakupamhidzira kwaro zvichienderana nemabasa aro; mumudziyo iwoyo marakasanganisa iro, murisanganisire kakapamhidzirwa.
6שלמו לה גמולה שגמלה לכם ועשו לה כפלים כפעלה בכוס אשר מסכה מסכו לה כפלים׃
7Parakazvikudza napo nekurarama muumbozha, murirwadzise nekurishungurudza saizvozvo; nekuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara ndiri mambokadzi, handisi chirikadzi, uye handingatongooni kuchema.
7כאשר התרוממה והתענגה כן תנו לה חבל ואבל כי אמרה התרוממה והתענגה כן תנו לה חבל ואבל כי אמרה בלבבה אני ישבתי מלכה ולא אהיה אלמנה ואבל לא אראה׃
8Naizvozvo matambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto, nekuti une simba Ishe Mwari unoritonga.
8על כן רגע ביום אחד תבאנה מכותיה מות ואבל ורעב ותשרף במו אש כי חזק יהוה אלהים השפט אתה׃
9Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;
9ויבכו ויספדו עליה מלכי ארץ אשר זנו והתענגו עמה בראתם את עשן שרפתה׃
10vamire kure nekutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, iro guta rakasimba, nekuti kutongwa kwako kwakasvika neawa rimwe.
10ומרחוק יעמדו מפני אימת ענויה ואמרו אוי אוי לך בבל העיר הגדולה העיר החזקה כי בשעה אחת בא משפטך׃
11Uye vatengesi venyika vacharira nekuchema pamusoro paro, nekuti hakuchina munhu uchatenga nhumbizve dzavo;
11וסחרי הארץ בכים ומתאבלים עליה כי עתה לא יקנה עוד איש את משא אניותם׃
12nhumbi dzendarama, nesirvheri, nemabwe anokosha, nedzamaparera* nedzemucheka werineni, nezvine ruvara rwehute, nesiriki*, nezvitsvuku nematanda ako ose, nemarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ose emidziyo yematanda anokosha, nedzendarira, nedare, nemabwe machena;
12את משא זהב וכסף ואבן יקרה ופנינים ובוץ וארגמן ומשי ושני וכל עצי בשם וכל כלי שנהבים וכל כלי עץ יקר וכלי נחשת וברזל ושיש׃
13nekinamoni*, nezvinonhuhwira, namafuta ekuzora, nemafuta ekusaodza, newaini, nemafuta, neupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nemabhiza, nengoro, nenhapwa, nemweya yavanhu.
13וקנמון וקטרת סמים ומר ולבונה ויין ושמן וסלת וחטים ומקנה וצאן וסוסים ומרכבות וגויות ונפש אדם׃
14Zvino michero yaichiviwa nemoyo wako yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya zvakabva kwauri, haungatongozviwanizve.
14והמגדים מחמד נפשך אזלו ממך וכל שמן ומצהיר אבד ממך ולא תמצאם עוד׃
15Vatengesi vezvinhu izvi vakange vafumiswa naro vachamira kure nekutya kurwadzwa kwaro, vachichema nekurira,
15ורכליהם אשר העשירו ממנה יעמדו מרחוק מפני אימת ענויה ובכו והתאבלו׃
16uye vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, rakange rakapfeka rineni yakapfava, nezvine ruvara rwehute nezvitsvuku, rakashongedzwa nendarama nemabwe anokosha nemaparera!
16ואמרו אוי אוי העיר הגדולה המכסה בשש וארגמן ושני ומכללה בזהב ואבן יקרה ופנינים כי בשעה אחת החרב עשר גדול כזה׃
17Nekuti neora rimwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Uye mufambisi wezvikepe umwe neumwe, nevose vanofamba nezvikepe, nevafambi vemuchikepe nevabati vose vepagungwa vakamira kure,
17וכל חבל וכל בעל מעברת והמלחים וכל עשי מלאכה בים עמדו מרחוק׃
18vakadanidzira vachiona utsi hwekutsva kwaro, vachiti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipi?
18ויצעקו בראתם עשן שרפתה לאמר מי בערים כעיר הגדולה׃
19Zvino vakadira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nekuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru iro, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa nefuma yavo; nekuti rakaparadzwa neawa rimwe.
19ויזרקו עפר על ראשיהם ויצעקו בכה וספוד לאמר אוי אוי העיר הגדולה אשר בה העשירו מהונה כל אשר להם אניות בים כי בשעה אחת החרבה׃
20Fara pamusoro paro iwe denga, nevaapositori vatsvene nevaporofita, nekuti Mwari wakakutsivira kwariri.
20רנו עליה השמים והשליחים הקדשים והנביאים כי שפט אלהים את משפטכם ממנה׃
21Zvino umwe mutumwa une simba wakasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akakandira mugungwa, achiti: Saizvozvo nechisimba guta guru Bhabhironi richaputsirwa pasi rikasatozongowanikwazve.
21וישא מלאך נורא אבן גדולה כפלח רכב וישליכה אל תוך הים לאמר ככה תשלך במערצה בבל העיר הגדולה ולא תמצא עוד׃
22Nenzwi revaridzi veudimbwa nevaimbi nevaridzi venyere nevaridzi vehwamanda, harichatongonzwikwizve mauri, nemhizha yeumhizha hwupi nehwupi haichatongowanikwi mauri, nenzwi rose reguyo harichatongonzwiki mauri;
22וקול המנגנים בכנור והמזמרים ומחללים בחלילים ומחצרים בחצצרות בל ישמע עוד בתוכך וכל חרש וחשב בל ימצא בך עוד וקול רחים בל ישמע עוד בקרבך׃
23uye chiedza chemwenje hachichatongovhenekeri mauri, nenzwi remuwani neremwenga harichatongonzwikwizve mauri; nekuti vatengesi vako vaiva vanhu vakuru venyika; nekuti neuroyi hwako marudzi ose akatsauswa.
23ואור נר לא יאיר לך עוד וקול חתן וקול כלה לא ישמע בך עוד כי כנעניך היו נכבדי ארץ ובכשפיך תעו כל הגוים׃
24Mukati maro mukawanikwa ropa revaporofita nerevatsvene, nerevose vakashinjwa panyika.
24ובה נמצא דם הנביאים והקדשים וכל הרוגי ארץ׃