Shona

Hebrew: Modern

Revelation

19

1Zvino shure kwezvinhu izvi ndakanzwa inzwi guru revanhu vazhinji-zhinji kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya, nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
1אחרי כן שמעתי קול גדול כקול המון רב בשמים האמרים הללויה הישועה והכבוד והעז ליהוה אלהינו׃
2Nekuti mitongo yake ndeyechokwadi yakarurama; nekuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, akatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.
2כי אמת וישר משפטיו כי שפט את הזונה הגדולה אשר השחיתה את הארץ בתזנתה וידרש מידה טאת דם עבדיו׃
3Ndokuti rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hwunokwira kusvikira rinhi narinhi.
3וישנו ויאמרו הללויה ועשנה יעלה לעולמי עולמים׃
4Zvino Vakuru makumi maviri nevana vakawira pasi nezvisikwa zvipenyu zvina vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe vachiti: Ameni, Hareruya!
4ועשרים וארבעה הזקנים וארבע החיות נפלו על פניהם וישתחוו לאלהים הישב על הכסא ויאמרו אמן הללויה׃
5Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mose varanda vake, nemwi munomutya, zvose vaduku nevakuru.
5וקול יוצא מן הכסא ויאמר הללו את אלהינו כל עבדיו ויראיו הקטנים עם הגדולים׃
6Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kukuru richiti: Hareruya! Nekuti Ishe Mwari Wemasimbaose unotonga.
6ואשמע כקול המון רב וכקול מים רבים וכקול רעמים חזקים ויאמרו הללויה כי מלך אלהינו יהוה צבאות׃
7Ngatifare, tipembere, tipe rukudzo kwaari; nekuti muchato weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.
7נשמחה ונגילה ונתנה לו הכבוד כי באה חתנת השה ואשתו התקדשה׃
8Kwaari kwakapiwa kuti apfeke rineni yakapfava, inopenya, yakachena; nekuti rineni yakapfava ndiyo kururama kwevatsvene.
8וינתן לה ללבש בוץ טהור וצח כי הבוץ הוא צדקות הקדשים׃
9Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chemuchato weGwayana. Akati kwandiri: Awa mashoko aMwari echokwadi.
9ויאמר אלי כתב אשרי הקרואים אל משתה חתנת השה ויאמר אלי אלה הדברים אמת הם דברי אלהים׃
10Zvino ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate; akati kwandiri: Chenjera usadaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nekuti uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.
10ואפל לפני רגליו להשתחות לו ויאמר אלי ראה אל תעשה זאת עבד כמוך אנכי וחבר לך ולאחיך אשר להם עדות ישוע השתחוה לאלהים כי עדות ישוע היא רוח הנבואה׃
11Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, naiye wakange agere pamusoro paro unonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama unotonga nekuita hondo.
11וארא את השמים נפתחים והנה סוס לבן והרכב עליו נקרא נאמן ואמתי ובצדק הוא שפט ולחם׃
12Meso ake akaita semurazvo wemoto; nemusoro une korona zhinji, uye wakange ane zita rakanyorwa, risina kuzikamwa nemunhu, asi naiye amene.
12ועיניו כלבת אש ועטרות הרבה על ראשו ויש לו שם כתוב אשר לא ידע איש כי אם הוא לבדו׃
13Zvino wkapfeka nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi Shoko raMwari.
13והוא לבוש בלבוש מאדם בדם ושמו נקרא דבר האלהים׃
14Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka rineni yakapfava chena isina tsvina.
14וצבאות השמים יצאים אחריו על סוסים לבנים מלבשים בגדי בוץ לבן וטהור׃
15Mumuromo make makabva mabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye uchaatonga netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chewaini chehasha dzekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.
15ומפיו יצאת חרב חדה להכות בה את הגוים והוא ירעם בשבט ברזל והוא דרך פורת יין חמת אף אלהי הצבאות׃
16Uye panguvo yake nepachidzva chake pakange pane zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO naIshe WAMADZISHE.
16ועל בגדו ועל ירכו כתוב שם מלך המלכים ואדני האדנים׃
17Zvino ndakaona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai, muungane pamwe pachirayiro chaMwari mukuru.
17וארא מלאך אחד עמד בשמש ויצעק בקול גדול ויאמר אל צפור כל כנף אשר תעוף במרום הרקיע באו והאספו על זבח האלהים הגדול׃
18kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yose, zvose vakasununguka nevakasungwa, zvose vaduku nevakuru.
18ואכלתם בשר מלכים ובשר שרי אלפים ובשר גבורים ובשר סוסים ורכביהם ובשר כל בני חורים ועבדים הקטנים עם הגדולים׃
19Zvino ndakaona chikara chiya nemadzimambo enyika nehondo dzavo, vakaungana pamwe kuti vaite hondo naiye wakange akatasva bhiza uye kumirisana nehondo yake.
19וארא את החיה ומלכי הארץ ואגפיהם נקהלים לעשות מלחמה עם הרכב על הסוס ובצבאו׃
20Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe naye nemuporofita wenhema wakaita zvishamiso pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vose vakakandirwa vari vapenyu mugomba remoto unopfuta nesarufa.
20ותתפש החיה ונביא השקר אתה אשר עשה האותות לפניה אשר הדיח בהן את נשאי תו החיה והמשתחוים לצלמה וחיים השלכו שניהם באגם האש הבער בגפרית׃
21Uye vakasara vakashinjwa nemunondo waiye wakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzose dzikagutiswa nenyama yavo.
21והנשארית נהרגו בחרב היוצאת מפי הרכב על הסוס וכל העוף שבעו מבשרם׃