1Zvino ndinoti: Ko Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nekuti iniwo ndiri muIsraeri, wembeu yaAbhurahamu, werudzi rwaBenjanimi.
1ובכן אמר אני הכי זנח האלהים את עמו חלילה כי גם אנכי בן ישראל מזרע אברהם למטה בנימן׃
2Mwari haana kurasha vanhu vake vaakagara aziva. Ko hamuzivi kuti Rugwaro runoti kudini kuna Eria here? Kuti unoreverera sei kuna Mwari pamusoro pevaIsraeri, achiti:
2לא זנח האלהים את עמו אשר ידעו מקדם או הלא תדעו את אשר הכתוב אמר באליהו כאשר קרא אל האלהים על ישראל לאמר׃
3Ishe, vakauraya vaporofita venyu, vakaputsa aritari dzenyu, zvino ini ndasara ndoga, uye vanotsvaka upenyu hwangu.
3יהוה את נביאיך הרגו ואת מזבחתיך הרסו ואותר אני לבדי ויבקשו את נפשי׃
4Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Unoti: Ndakazvichengetera zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari.
4אבל מה ענה אתו מענה אלהים השארתי לי שבעת אלפים איש אשר לא כרעו לבעל׃
5Zvino saizvozvo nguva inowo variko vakasara maererano nesananguro yenyasha.
5וכן גם בעת הזאת נותרה שארית על פי בחירת החסד׃
6Zvino kana zviri zvenyasha, hazvisati zvichiri zvemabasa; asi kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva kumabasa hazvisati zvichiri zvenyasha; kana zvisakadaro basa harizati richibasa.
6ואם היתה זאת על ידי החסד לא היתה מתוך המעשים כי לולי כן החסד איננו עוד חסד ואם היתה מתוך המעשים איננו עוד חסד כי לולי כן המעשים יחדל להיות מעשה׃
7Ko zvino? Israeri haana kuwana zvaakanga achitsvaka, asi vasanangurwa vakazviwana; vamwe vakawomeswa,
7ועתה מה הוא את אשר בקש ישראל לא השיג רק הנבחרים הם השיגו והנשארים השמינו לבבם׃
8maererano sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wekutsumwaira; meso kuti varege kuona; nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
8ככתוב נתן להם האלהים רוח תרדמה עינים לא לראות ואזנים לא לשמע עד היום הזה׃
9NaDhavhidhi unoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi, nemusungo nechigumbuso nekutsiva kwavari;
9ודוד הוא אמר יהי שלחנם לפח ולרשת ולמוקש ולשלומים להם׃
10meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona; uye mukotamise musana wavo nokusingaperi.
10תחשכנה עיניהם מראות ומתניהם תמיד המעד׃
11Zvino ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi kubudikidza nokuwa kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo.
11ובכן אני אמר הנכשלו למען יפלו חלילה אך בפשעם יצאה הישועה לגוים למען הקניאם׃
12Zvino kana kuwa kwavo kuri fuma yenyika, nekutapudzika kwavo fuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo?
12ואם פשעם עשר העולם וחסרונם עשר הגוים מלאם על אחת כמה וכמה׃
13Nekuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvandiri muapositori wevahedheni, ndinokudza basa rangu.
13כי אליכם הגוים אני מדבר וכפי אשר שליח הגוים אנכי את שרותי אפאר׃
14Kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, ndiponese vamwe vavo.
14לו אוכל להקניא את בשרי ולהושיע מקצתם׃
15Nekuti kana kurashwa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kwavo kuchaveiko, kunze kweupenyu hunobva kuvakafa?
15כי אם געילתם רצוי לעולם מה אפוא תהיה אספתם הלא חיים מן המתים׃
16Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; kana mudzi uri mutsvene, matavi akadarowo;
16ואם התרומה קדש כן גם העסה ואם השרש קדש כן גם הענפים׃
17Zvino kana mamwe amatavi akavhuniwa, iwe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pavo, ukava nemugove pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi;
17וכי נקפו מקצת הענפים ואתה זית היער הרכבת במקומם ונתחברת לשרש הזית ולדשנו׃
18usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza hausi iwe unotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe.
18אל תתפאר על הענפים ואם תתפאר דע שאינך נשא את השרש כי אם השרש הוא נשא אותך׃
19Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe.
19וכי תאמר הלא נקפו הענפים למען ארכב אנכי׃
20Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe unomira nerutendo. Usazvikudza, asi utye;
20כן הוא המה נקפו על אשר לא האמינו ואתה הנך קים על ידי האמונה אל תתגאה כי אם ירא׃
21nekuti kana Mwari asina kurega matavi echisikigo, zvimwe haangakuregi iwewo.
21כי האלהים אם לא חס על הענפים הנולדים מן העץ אולי לא יחוס גם עליך׃
22Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari, kune vanowa kuomarara; asi kwauri unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; zvimwe newewo ungatemwa.
22לכן ראה נא טובת אלהים וזעמו זעמו על הנפלים ועליך טובתו אם תעמד בטובתו ואם אין כי עתה גם אתה תגדע׃
23Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nekuti Mwari unogona kuvabatanidzazve.
23וגם המה אם לא יעמדו במרים ירכבו כי יכל האלהים לשוב להרכיבם׃
24Nekuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wekudondo pachisikigo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nechisikigo chawo, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikigo pamuti wavo wemuorivhi?
24כי אם אתה נגזרת מעץ אשר הוא בטבעו זית יער והרכבת שלא כטבע בזית טוב אלה היצאים ממנו על אחת כמה וכמה שירכבו בזית שלהם׃
25Nekuti handidi hama kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kungwara mumanyawi enyu; kuti kuwomeswa kwemoyo kwakaitika pamusoro pevamwe vevaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
25כי לא אכחד מכם אחי את הסוד הזה פן תהיו חכמים בעיניכם כי טמטום הלב למקצת נהיה לישראל עד כי יכנס מלא הגוים׃
26saizvozvo Israeri wose uchaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabuda Musununguri; uchabvisa kusada Mwari kuna Jakobho;
26ובכן כל ישראל יושע ככתוב ובא לציון גואל וישיב פשע מיעקב׃
27Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo.
27ואני זאת בריתי אותם בהסירי חטאתם׃
28Zvino maererano neevhangeri, vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura, vadikamwa nekuda kwemadzibaba.
28הן לפי הבשורה שנואים הם למענכם אך לפי הבחירה חביבים הם למען האבות׃
29Nekuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki.
29כי לא ינחם האלהים על מתנותיו ועל קריאתו׃
30Nekuti semwiwo kare makanga musina kuteerera Mwari, asi zvino makagamuchira tsitsi kubudikidza nekusateerera kwavo;
30כי כאשר גם אתם מלפנים ממרים הייתם את פי אלהים ועתה הוחנתם במרים של אלה׃
31saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti kubudikidza netsitsi dzenyu naivo vawanewo tsitsi;
31כן גם אלה עתה ממרים היו למען על ידי חנינתכם גם הם יחנו׃
32nekuti Mwari wakavapfigira vose mukusateera kwavo, kuti ave netsitsi pane vose.
32כי האלהים הסגיר את כלם ביד המרי למען יחן את כלם׃
33Haiwa kudzika kwefuma, zvose yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzingarondwi!
33מה עמק עשר חכמת אלהים ועשר דעתו משפטיו מי יחקר ודרכיו מי ימצא׃
34Nekuti ndiani wakaziva fungwa yaMwari kana ndiani wakange ari murairidzi wake?
34כי מי תכן את רוח יהוה ואיש עצתו יודיענו׃
35Ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvicharipirwazve kwaari?
35או מי הקדימו וישלם לו׃
36Nekuti zvimwe zvose zvinobva kwaari kubudikidza naye, zvinoenda kwaari; umambo ngahuve kwaari nokusingaperi. Ameni.
36הלא הכל ממנו והכל בו והכל אליו אשר לו הכבוד לעולמים אמן׃