Shona

Hebrew: Modern

Romans

12

1Naizvozvo ndinokukumbirisai hama, netsitsi dzaMwari, kuti mukumikidze miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika.
1ועתה הנני מזהיר אתכם אחי ברחמי אלהים אשר תשימו את גויותיכם קרבן חי וקדוש ונרצה לאלהים והיתה זאת עבודתכם השכלית׃
2Uye musazvifananidzwa nenyika ino; asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa dzenyu, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunogamuchirika kwakazara.
2ואל תשתוו לעולם הזה כי אם התחלפו בהתחדש דעתכם למען תבחנו לדעת מה הוא רצון האלהים הטוב והחמד והשלם׃
3Nekuti nenyasha dzakapiwa kwandiri, ndinoti kune umwe neumwe uri pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nekururama, umwe neumwe nechiyero cherutendo sezvaakagoverwa naMwari.
3כי על פי החסד הנתן לי אמר אני לכל איש ואיש מכם לבלתי רום לבבו למעלה מן הראוי כי אם יהי צנוע במחשבותיו כפי מדת האמונה אשר חלק לו האלהים׃
4Nekuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose haina basa rakafanana;
4כי כאשר בגוף אחד יש לנו אברים הרבה ואין פעלה אחת לכל האברים׃
5saizvozvo isu tiri vazhinji tiri muviri umwe muna Kristu, uye tiri mitezo umwe kune umwe.
5כן אנחנו הברים גוף אחד במשיח וכל אחד ואחד ממנו אבר לחברו הוא׃
6Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kana kuri kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo rwedu;
6ויש לנו מתנות שנות כפי החסד הנתן לנו אם נבואה תהי כפי מדת האמונה׃
7kana kuri kushumira, ngatishande pakushumira; kana unodzidzisa, pakudzidzisa;
7ואם לאיש שמוש יעמל בשמוש ואם מורה בהוראה׃
8kana unokurudzira, pakukurudzira; unopa, ngaape nemoyo wose; unotonga ngaatonge nekushingaira; unoitira tsitsi, nemufaro.
8ואם מוכיח בתוכחה הנותן יעשה בתם לבב והמנהיג בשקידה והגמל חסד בסבר פנים יפות׃
9Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa; muchinamatira zvakanaka.
9האהבה תהיה בלי חנפה שנאו את הרע ודבקו בטוב׃
10Dananai nemoyo muchena nerudo rwehama; pakukudzana muchikundana.
10באהבת אחים הראו חבה יתרה ובכבוד הקדימו איש את רעהו׃
11Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe;
11שקדו ואל תעצלו התלהבו ברוח עבדו את האדון׃
12muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mukunyengetera;
12שמחו בתוחלת סבלו בצרה שקדו על התפלה׃
13goverai vatsvene pakushaiwa kwavo; muchishingirira kugamuchira vaeni.
13השתתפו בצרכי הקדושים רדפו הכנסת ארחים׃
14Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musapa rushambwa.
14ברכו את רדפיכם ברכו ואל תקללו׃
15Farai nevanofara; uye chemai nevanochema.
15שמחו עם השמחים ובכו עם הבכים׃
16Ivai nemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa; musazviidza vakachenjera.
16לב אחד יהי לכלכם אל תהלכו בגדלות כי אם התנהגו עם השפלים אל תהיו חכמים בעיניכם׃
17Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pevanhu vose.
17אל תשלמו לאיש רעה תחת רעה דרשו הטוב בעיני כל אדם׃
18Kana zvichigona, sezviri mamuri, garai nerugare nevanhu vose.
18אם תוכלו ככל אשר תמצא ידכם היו בשלום עם כל אדם׃
19Vadikamwi, musazvitsivira asi ipai hasha nzvimbo; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, ndizvo zvinoreva Ishe.
19אל תנקמו נקם ידידי כי אם תנו מקום לרגז כי כתוב לי נקם ושלם אמר יהוה׃
20Asi kana muvengi wako ane nzara, mupe chikafu; kana ane nyota, mupe chinwiwa; nekuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake.
20לכן אם רעב שנאך האכילהו לחם ואם צמא השקהו מים כי גחלים אתה חתה על ראשו׃
21Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka.
21אל נא יכבשך הרע כבוש אתה את הרע בטוב׃