Shona

Hebrew: Modern

Romans

13

1Mweya umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nekuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; masimba aripo akagadzwa naMwari.
1כל נפש תכנע לגדלת הרשיות כי אין רשות כי אם מאת האלהים והרשיות הנמצאות על יד אלהים נתמנו׃
2Naizvozvo unopikisana nesimba unopikiana nechimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisana naro vanozvigamuchirira kurashwa.
2לכן כל המתקומם לרשות מרד הוא בצווי האלהים והמרדים ישאו את דינם׃
3Nekuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka ugorumbidzwa naro;
3כי השליטים אינם לפחד למעשים הטובים כי אם להרעים ועל כן אם רצונך שלא תירא מן הרשות עשה הטוב והיה לך שבח ממנה׃
4nekuti ndiye muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nekuti haabatiri munondo pasina; nekuti ndiye muranda waMwari, mutsivi wehasha kune unoita zvakaipa.
4כי משמשת אלהים היא לטוב לך אך אם הרע תעשה ירא כי לא לחנם חגרת חרב היא כי משמשת אלהים היא נקמת בקצף מכל עשה הרע׃
5Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo.
5על כן עלינו להכנע לא לבד בעבור הקצף כי גם בעבור דעת חובתנו׃
6Nekuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nekuti varanda vaMwari vanoramba vachingobatira chinhu ichi.
6כי לזאת אף משלמים אתם את המס כי משרתי אלהים המה השקדים על זאת׃
7Naizvozvo ripirai vose zvavanofanira: Mutero kuna vanofanira kuteererwa; muripo kuna vanofanira kuripirwa; kutya kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira kukudzwa.
7לכן תנו לכל איש כחובתכם המס לאשר לו המס המכס לאשר לו המכס והמורא לאשר לו המורא והכבוד לאשר לו הכבוד׃
8Musava nechikwereti nemunhu, kunze kwechekudanana; nekuti unoda umwe wazadzisa murairo.
8ואל תהיו חיבים לאיש דבר זולתי אהבת איש את רעהו כי האהב את חברו קים את התורה׃
9Nekuti izvi zvekuti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana murairo upi neupi, zvakapfupiswa pashoko iri rekuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.
9כי מצות לא תנאף לא תרצח לא תגנב לא תענה עד שקר לא תחמד ועוד כאלה כלולות הנה במאמר הזה ואהבת לרעך כמוך׃
10Rudo haruitiri umwe zvakaipa; naizvozvo rudo kuzadzisika kwemurairo.
10האהבה לא תרע לרע על כן האהבה קיום התורה כלה׃
11Uye izvi, muchiziva nguva kuti yatova nguva yedu yekumuka pahope; nekuti zvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda.
11וכזאת עשו מדעתכם את הזמן כי כבר הגיעה השעה להקיץ מן השנה כי ישועתנו קרובה עתה מהיום אשר באנו להאמין׃
12Usiku hwaenda, koedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge zvombo zvechiedza.
12הלילה חלף והיום קרב לכן נסירה נא את מעשי החשך ונלבשה את כלי נשק האור׃
13Ngatifambe zvakafanira sapamasikati; kwete mumakaro nekudhakwa, nemabonde nekunyangadza, kwete negakava, kana negodo.
13וכמו ביום נתהלכה בצניעות לא בזוללות ובשכרון ולא בבעילות ועשות זמה ולא במריבה וקנאה׃
14Asi imwi pfekai Ishe Jesu Kristu, musarongera nyama nekuchiva kwayo.
14כי אם לבשו את האדון ישוע המשיח ודאגו לבשרכם אך לא להגביר התאות׃