Shona

Hebrew: Modern

Romans

6

1Zvino tichatiyi? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here?
1אם כן מה נאמר הנעמד בחטא למען ירבה החסד׃
2Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri?
2חלילה לנו כי מתנו לחטא ואיך נוסיף לחיות בו׃
3Ko hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
3או האינכם ידעים כי כלנו הנטבלים למשיח ישוע למותו נטבלנו׃
4Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu pakubhabhatidzwa; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe pautsva hweupenyu.
4לכן נקברנו אתו בטבילה למות למען כאשר נעור המשיח מן המתים בכבוד האב כן נתהלך גם אנחנו בחיים מחדשים׃
5Nekuti kana takasimwa pamwe pakufanana korufu rwake, tichadarowo pakumuka;
5כי אם נדבקנו בדמיון מותו אכן גם נהיה דבוקים לתחיתו׃
6tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamuchinjikwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe kuti tisachiva tinoshumira chivi;
6באשר ידעים אנחנו כי נצלב אתו האדם הישן אשר בנו למען תבטל גוית החטא לבלתי היותנו עוד עבדים לחטא׃
7nekuti uyo wakafa wasunungurwa pachivi.
7כי אשר מת הוא נקה מן החטא׃
8Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye;
8והנה אם מתנו עם המשיח נאמין כי גם נחיה עמו׃
9tichiziva kuti Kristu amutswa kuvakafa haachazofizve; rufu haruchazovi nesimba pamusoro pake.
9באשר ידענו כי המשיח אחרי אשר נעור מן המתים לא ימות עוד והמות לא ישלט בו עוד׃
10Nekuti pane izvi wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti mupenyu, mupenyu kuna Mwari.
10כי אשר מת מת לחטא פעם אחת ואשר חי חי הוא לאלהים׃
11Saizvozvo nemwiwo muzviverenge semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi vapenyu kuna Mwari kubudikidza naKristu Jesu Ishe wedu.
11וכן גם אתם חשבו אתכם מתים לחטא וחיים לאלהים במשיח ישוע אדנינו׃
12Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo;
12אם כן אפוא אל תמלך החטאת בגופכם אשר ימות לנטות אחריה בתאותיו׃
13kana kupa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari, sevapenyu kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari.
13]31-21[ גם אל תכינו את אבריכם להיות כלי עול לחטא אך תכינו את נפשכם לאלהים כחיים מעם המתים ואבריכם כלי צדקה לאלהים כי החטא לא יוכל למשל עוד בכם יען אינכם תחת יד התורה כי אם תחת יד החסד׃
14Nekuti chivi hachitongi pamusoro penyu; nekuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha.
14]31-21[׃
15Zvino tichatiyi? Tichatadza here, nekuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro!
15ועתה מה הנחטא יען איננו תחת יד התורה כי אם תחת יד החסד חלילה׃
16Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama?
16הלא ידעתם כי לאשר תתנו את נפשכם להיות עבדיו לסור למשמעתו הן עבדים אתם לאשר תשמעו לו אם לחטא אלי מות אם למשמעת אלי צדקה׃
17Asi Mwari ngaavongwe, kuti imwi maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakakumikidzwa kwairi,
17אבל תודת לאלהים כי הייתם עבדי החטא ואחר שמעתם בכל לבבכם אל תכונת הלקח אשר נמסרתם לו׃
18uye masunungurwa kubva pachivi, makava varanda vekururama.
18שחררתם מידי החטא לכן השתעבדתם לצדקה׃
19Ndinotaura semutauriro wevanhu, nekuda kweutera hwenyama yenyu; nekuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina, neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo zvino ipai mitezo yenyu ive varanda vekururama kunoisa kuutsvene.
19כדרך בני אדם אני מדבר מפני רפיון בשרכם כי כאשר לפנים הכינותם את אבריכם לעבודת החטאה והרשע להרשיע כן עתה הכינו את אבריכם לעבודת הצדקה להתקדש׃
20Nekuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama.
20כי בעת היותכם עבדי החטא חפשים הייתם מן הצדקה׃
21Zvino maiva nezvibereko zvei pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo zvino? Nekuti kuguma kwezvinhu izvo rufu.
21ומה אפוא הפרי שהיה לכם אז מן המעשים אשר עתה תבשו מהם כי אחריתם המות׃
22Asi zvino zvamakasunungurwa pachivi, mukava varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo upenyu hwusingaperi.
22אכן עתה בהיותכם משחררים מידי החטא ומשעבדים לאלהים יש לכם פריכם לקדשה ואחריתו חיי עולם׃
23Nekuti mubairo wechivi rufu; asi chipo chenyasha chaMwari upenyu hwusingaperi kubudikidza naKristu Jesu Ishe wedu.
23כי שכר החטא הוא המות ומתנת חסד אלהים היא חיי העולם במשיח ישוע אדנינו׃