1Hamuzivi here hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu kana achingorarama chete?
1או הלא ידעתם אחי ולידעי התורה אנכי מדבר כי התורה תשלט על האדם כל ימי חייו׃
2Nekuti mukadzi une murume wakasungwa nemurairo kumurume, kana achingova mupenyu chete; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.
2כי אשה בעלת בעל קשורה היא באישה כפי התורה בחייו ובמות הבעל פטורה היא מתורת בעלה׃
3Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, uchanzi chifeve kana akava womumwe murume, asi kana murume wake afa, wasununguka pamurairo uyu, kuti asava chifeve kana akava womumwe murume.
3והנה אם תחיה לאיש אחר בחיי בעלה נאפת יקרא לה אבל אחרי מות בעלה פטורה היא מן התורה ואיננה נאפת בהיותה לאיש אחר׃
4Naizvozvo hama dzangu nemwiwo makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu; kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kuvakafa, kuti tiberekere Mwari chibereko.
4לכן אחי הומתם גם אתם לתורה בגוית המשיח להיותכם לאחר לאשר נעור מן המתים למען נעשה פרי לאלהים׃
5Nekuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva nokuda kwemurairo kwakabata mumitezo yedu kuberekera rufu chibereko.
5כי בעת היותנו בבשר תשוקות החטא אשר התעוררו על ידי התורה היו פעלות באברינו לעשות פרי למות׃
6Asi zvino takasunungurwa pamurairo, kuti takafa kune izvozvo zvakange zvakatibata kuti tishumire neutsva hwemweya, kwete neutsaru hwemagwaro.
6אבל עתה נפטרנו מן התורה כי מתנו לאשר היינו אסורים בו למען נעבד מעתה לפי התחדשות הרוח ולא לפי ישן הכתב׃
7Zvino tichatiyi? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handizaiziva chivi kunze kwekubudikidza nemurairo; nekuti handizaiziva ruchiva, kana murairo usina kuti: Usachiva.
7אם כן מה נאמר הכי התורה חטא היא חלילה אלא לא ידעתי את החטא בלתי על ידי התורה כי לא הייתי יודע החמוד לולי אמרה התורה לא תחמד׃
8Asi chivi chakawana mukana nemurairo, chikaita mandiri mitoo yese yeruchiva; nekuti pasina murairo chivi chakafa.
8וימצא החטא סבה לו במצוה לעורר בקרבי כל חמוד כי מבלעדי התורה החטא מת הוא׃
9Ini ndaiva mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakamuka, ini ndikafa;
9ואני חייתי מלפנים בלא תורה וכאשר באה המצוה ויחי החטא׃
10uye murairo waiva weupenyu, wakawanikwa neni wava werufu;
10ואני מתי והמצוה אשר נתנה לחיים היא נמצאה לי למות׃
11nekuti chivi, chakawana mukana nemurairo, chikandinyengera chikandiponda nawo.
11כי מצא החטא סבה במצוה להתעות אתי ויהרגני על ידה׃
12Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene wakarurama, uye wakanaka.
12ובכן התורה היא קדושה והמצוה קדושה וישרה וטובה׃
13Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.
13הכי הטובה היתה לי למות חלילה אלא החטא למען יראה כי חטא הוא הביא לי על ידי הטובה את המות למען אשר יהיה החטא לחטאה יתרה על ידי המצוה׃
14Nekuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.
14כי ידעים אנחנו שהתורה היא רוחנית ואני של בשר ונמכר תחת יד החטא׃
15Nekuti izvo zvandinoita handizvitenderi; nekuti zvandinoda handiiti izvo; asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.
15כי את אשר אני פעל לא ידעתי כי אינני עשה את אשר אני רצה בו כי אם אשר שנאתי אתו אני עשה׃
16Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.
16ובעשותי את אשר לא רציתי בו הנני מודה בזאת כי התורה טובה היא׃
17Zvino handisisiri ini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri.
17ועתה לא אנכי עוד הפעל אתו כי אם החטא הישב בי׃
18Nekuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nekuti kuda kurimo mandiri, asi kuita izvo zvakanaka handikuwani.
18כי ידעתי אשר בי בבשרי לא ישב טוב הן הרצון יש עמדי אבל עשות הטוב לא מצאתי׃
19Nekuti zvakanaka zvandinoda handiiti; asi zvakaipa zvandisingadi, izvo ndinoita.
19כי אינני עשה הטוב אשר אני רצה בו כי אם הרע אשר אינני רצה בו אותו אני עשה׃
20Zvino kana ndichiita izvo zvandisingadi, handisisiri ini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri.
20ואם את אשר לא רציתי בו אני עשה לא עוד אנכי הפעל כי החטא הישב בקרבי׃
21Naizvozvo ndinowana murairo kuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.
21ובכן מצא אני בי זה החק אנכי רצה לעשות הטוב ודבק בי הרע׃
22Nekuti ndinofara mumurairo waMwari nemunhu wemukati;
22כי לפי האדם הפנימי חפצתי בתורת אלהים׃
23asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu, uchirwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.
23אך ראה אני באברי חק אחר הלחם לחק שכלי ויוליכני שבי לתורת החטא אשר באברי׃
24Ndiri munhu unoshungurudzika! Ndiani uchandisunungura pamuviri werufu urwu?
24אוי לי האדם העני מי יצילני מגוף המות הזה׃
25Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.
25אודה לאלהים בישוע המשיח אדנינו׃ [ (Romans 7:26) לכן בשכלי הנני עבד לתורת האלהים ובבשרי אני עבד לתורת החטא׃ ]