1Aiwa, dai wakange wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora.
1מי יתנך כאח לי יונק שדי אמי אמצאך בחוץ אשקך גם לא יבוזו לי׃
2Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuhwira kuti uimwe, Nomukumbi wamatamba angu.
2אנהגך אביאך אל בית אמי תלמדני אשקך מיין הרקח מעסיס רמני׃
3Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire.
3שמאלו תחת ראשי וימינו תחבקני׃
4Ndinokupikirai, imwi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo kusvikira ada omene.
4השבעתי אתכם בנות ירושלם מה תעירו ומה תעררו את האהבה עד שתחפץ׃
5Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka.
5מי זאת עלה מן המדבר מתרפקת על דודה תחת התפוח עוררתיך שמה חבלתך אמך שמה חבלה ילדתך׃
6Ndishonge sechisimbiso pamoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; nekuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa komoto,
6שימני כחותם על לבך כחותם על זרועך כי עזה כמות אהבה קשה כשאול קנאה רשפיה רשפי אש שלהבתיה׃
7Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
7מים רבים לא יוכלו לכבות את האהבה ונהרות לא ישטפוה אם יתן איש את כל הון ביתו באהבה בוז יבוזו לו׃
8Tine chinin'ina, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinin'ina chedu Nezuva raachakumbirwa?
8אחות לנו קטנה ושדים אין לה מה נעשה לאחתנו ביום שידבר בה׃
9Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivheri Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari.
9אם חומה היא נבנה עליה טירת כסף ואם דלת היא נצור עליה לוח ארז׃
10Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare.
10אני חומה ושדי כמגדלות אז הייתי בעיניו כמוצאת שלום׃
11Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni, Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo.
11כרם היה לשלמה בבעל המון נתן את הכרם לנטרים איש יבא בפריו אלף כסף׃
12Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri.
12כרמי שלי לפני האלף לך שלמה ומאתים לנטרים את פריו׃
13Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo.
13היושבת בגנים חברים מקשיבים לקולך השמיעיני׃
14Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuhwira.
14ברח דודי ודמה לך לצבי או לעפר האילים על הרי בשמים׃