Shona

Indonesian

Psalms

136

1Vongai Jehovha, nekuti akanaka; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
1Bersyukurlah kepada TUHAN, sebab Ia baik; kasih-Nya kekal abadi.
2Vongai Mwari wavamwari; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
2Bersyukurlah kepada Allah Yang Mahatinggi; kasih-Nya kekal abadi.
3Vongai Ishe wamadzishe; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
3Bersyukurlah kepada TUHAN Yang Mahabesar; kasih-Nya kekal abadi.
4Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
4Hanya Dia yang membuat keajaiban-keajaiban besar; kasih-Nya kekal abadi.
5Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
5Dengan kebijaksanaan-Nya Ia menjadikan langit; kasih-Nya kekal abadi.
6Iye akatatamura pasi pamusoro pemvura zhinji; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
6Ia menghamparkan bumi di atas air; kasih-Nya kekal abadi.
7Iye akaita zviedza zvikuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
7Ia membuat benda-benda penerang di langit; kasih-Nya kekal abadi;
8Zuva, kuti ribate ushe masikati; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
8matahari untuk menguasai siang; kasih-Nya kekal abadi;
9Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
9bulan dan bintang untuk menguasai malam; kasih-Nya kekal abadi.
10Iye, akarova veEgipita pamatangwe avo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
10Dibunuh-Nya anak-anak sulung Mesir; kasih-Nya kekal abadi.
11Akabudisa Isiraeri pakati pavo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
11Israel dihantar-Nya keluar dari Mesir; kasih-Nya kekal abadi;
12Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
12dengan tangan kuat dan perkasa; kasih-Nya kekal abadi.
13Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
13Laut Gelagah dibelah-Nya; kasih-Nya kekal abadi;
14Akayambusa Isiraeri nomukati maro; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
14Israel umat-Nya dibawa-Nya ke seberang; kasih-Nya kekal abadi.
15Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
15Tetapi raja Mesir dan tentaranya Ia tenggelamkan; kasih-Nya kekal abadi.
16Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
16Dipimpin-Nya umat-Nya lewat padang gurun; kasih-Nya kekal abadi.
17Iye, akaparadza madzimambo makuru; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
17Dikalahkan-Nya raja-raja perkasa; kasih-Nya kekal abadi;
18Akauraya madzimambo akakurumbira; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
18dibunuh-Nya raja-raja termasyhur; kasih-Nya kekal abadi.
19Sihoni mambo wavaAmori; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
19Sihon, raja Amori; kasih-Nya kekal abadi;
20NaOgi mambo weBhashani; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
20dan Og, raja Basan; kasih-Nya kekal abadi.
21Akapa nyika yavo ive nhaka; tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
21Negeri mereka diserahkan-Nya kepada umat-Nya; kasih-Nya kekal abadi;
22Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
22menjadi milik Israel hamba-Nya; kasih-Nya kekal abadi.
23Iye, akatirangarira paurombo bwedu; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi;
23Ia tidak melupakan kita waktu kita dikalahkan; kasih-Nya kekal abadi.
24Akatirwira pavadzivisi vedu; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
24Dibebaskan-Nya kita dari tangan musuh; kasih-Nya kekal abadi.
25Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
25Setiap makhluk hidup diberi-Nya makan; kasih-Nya kekal abadi.
26Vongai Mwari wokudenga; nekuti tsitsi dzake dzinogara nokusingaperi.
26Bersyukurlah kepada Allah penguasa langit; kasih-Nya kekal abadi.